CHITSAUKO 23
“Teererai Ndichizvipindurira Pamhosva Yamuri Kundipomera”
Pauro anopupurira chokwadi pamberi pemhomho yevanhu uye peSanihedrini
1, 2. Muapostora Pauro akanga avingei kuJerusarema, asi matambudziko api aachasangana nawo?
JERUSAREMA zvakare! Pauro ava kufambazve mumigwagwa yaro yakazara vanhu. Iri iguta rava nemazana nemazana emakore riri muzinda wekunamatwa kwaJehovha. Vanhu vakawanda vanogara mariri vanodada nemukurumbira waro. Pauro anoziva kuti vaKristu vakawanda varimo vachiri kunyanya kuisa pfungwa dzavo panhoroondo yeguta iri, vachitadza kufambirana nechinangwa chaJehovha. Saka Pauro atozoona kuti dambudziko rine ungano yemuguta iri harisi renzara chete, rinova ndiro rakanga raita kuti auye achibva kuEfeso, asi kuti rinotova panyaya yemanamatiro avo. (Mab. 19:21) Pasinei nekuti zvaigona kumupinza mudambudziko, akangoenda kwavari.
2 Pauro ane matambudziko akawanda aachasangana nawo muJerusarema. Rimwe dambudziko richabva nekuhama dzake dzechiKristu, dziri kunetseka nezverunyerekupe rwadziri kunzwa nezvaPauro. Matambudziko makuru achabva kuvavengi vaKristu. Vachapomera Pauro zvenhema, vomurova, uye votoda kumuuraya. Zhowezhowe iri rakapa Pauro mukana wekuti azvipindurire pamhosva dzaaipomerwa panyaya yekutenda kwake. Ngationei kuti ndezvipi zvatinodzidza pakuzvininipisa, ushingi, uye kutenda kwaakaratidza paaitarisana nematambudziko akadaro.
“Vakatanga Kukudza Mwari” (Mabasa 21:18-20a)
3-5. (a) Pauro akaita musangano navanaani muJerusarema uye vakakurukura nezvei? (b) Tingadzidzei pamusangano uyu?
3 Pavakasvika kuJerusarema, Pauro nevamwe vake vakaenda kunoona hama dzaitungamirira ungano mangwana acho. Munyaya yacho hamuna zita remumwe wevaapostora vakanga vachiri vapenyu anotaurwa; pamwe vese vakanga vapararira, vachishumira kune dzimwe nyika. Asi Jakobho munin’ina waJesu akanga achiripo. (VaG. 2:9) Pamwe Jakobho ndiye aiva sachigaro pamusangano wacho pakaungana “vakuru vese” naPauro.—Mab. 21:18.
4 Pauro akakwazisa vakuru uye “akatanga kurondedzera zvese zvakaitwa naMwari pakati pemamwe marudzi muushumiri hwake.” (Mab. 21:19) Zvinofanira kunge zvakavakurudzira chaizvo. Isuwo ndizvo zvatinoita patinonzwa kubudirira kuri kuita basa redu kune dzimwe nyika.—Zvir. 25:25.
5 Pauro anofanira kunge akazovaudza nezvemipiro yaakanga abva nayo kuEurope. Hama dzaaitaura nadzo dzinofanira kunge dzakakurudzirwa zvikuru nerudo rwakaratidzwa nehama dzaiva kure kure. Pavakanzwa zvakataurwa naPauro, nyaya yacho inoti vakuru “vakatanga kukudza Mwari”! (Mab. 21:20a) Ndizvo zvinoitawo vakawanda mazuva ano vanenge vasangana nematambudziko akadai senjodzi dzinongoitika dzega kana kurwara, pavanopiwa rubatsiro kana kuti pavanotaurirwa mashoko anokurudzira nevavanonamata navo.
Vakawanda Vachiri ‘Kushingairira Mutemo’ (Mabasa 21:20b, 21)
6. Pauro akaudzwa nezvedambudziko ripi?
6 Vakuru vakabva vaudza Pauro kuti paiva nedambudziko raiva muJudhiya ravaifunga kuti ndiye airikonzera. Vakati: “Hama yedu, uri kuona kuti pakati pevaJudha pane zviuru zvevatendi, uye vese vanoshingairira Mutemo. Asi vakanzwa runyerekupe nezvako kuti wanga uchidzidzisa vaJudha vese vari pakati pemamwe marudzi kuti vatsauke kubva pana Mozisi, uchivaudza kuti varege kuchecheudza vana vavo kana kutevedzera tsika dzinofanira kuchengetwa.” a—Mab. 21:20b, 21.
7, 8. (a) VaKristu vakawanda vaiva muJudhiya vakanga vakarasika papi? (b) Kurasika kwakanga kwakaita vamwe vaJudha kunoreva here kuti vaiva vaKristu vakapanduka?
7 Nei vaKristu vakawanda zvakadaro vakanga vachiri kushingairira Mutemo waMozisi, ipo pakanga patopfuura makore 20 wagumiswa? (VaK. 2:14) Muna 49 C.E., vaapostora nevakuru vakanga vaungana muJerusarema vakatumira tsamba kuungano dzese vachitsanangura kuti vaKristu vemamwe marudzi vakanga vasingafaniri havo kuchecheudzwa uye kuva pasi peMutemo waMozisi. (Mab. 15:23-29) Asi tsamba iyoyo yakanga isina kutaura nezvevaKristu vechiJudha; vakawanda vavo vakanga vasinganzwisisi kuti Mutemo waMozisi wakanga usingachashandi.
8 Saka kurasika kwakanga kwakaita vamwe vaJudha uku kunoreva here kuti vakanga vasingakodzeri kuva vaKristu? Hatingadaro hedu. Hakusi kuti vanhu ava vaimbonamata vamwe vanamwari vobva vava kuramba vachienderera mberi netsika idzodzo dzezvitendero zvavo zvekare. Mutemo wavaikoshesa uyu wakanga wapiwa naJehovha. Hapana chaiva muMutemo iwoyo chaiva nechekuita nechidhimoni kana kuti chakanga chakaipa. Asi chiripo ndechekuti Mutemo uyu waiva nechekuita nesungano yekare, asi vaKristu vakanga vava pasi pesungano itsva. Saka Jehovha akanga asingachavatarisiri kuchengeta Mutemo iwoyo pakunamata kwakachena. VaKristu vechiHebheru vaishingairira Mutemo vakanga vachiratidza kuti havanzwisisi ungano yechiKristu uye havavimbi nayo. Vaifanira kuchinja kuti vafambirane nekujekeswa kwaiitwa chokwadi. b—Jer. 31:31-34; Ruka 22:20.
“Zvese Zvavakaudzwa . . . Ndezvekunyepa” (Mabasa 21:22-26)
9. Pauro akadzidzisa kutii nezveMutemo waMozisi?
9 Ko runyerekupe rwaiti Pauro akanga achidzidzisa vaJudha vaiva pakati pemamwe marudzi kuti “varege kuchecheudza vana vavo kana kutevedzera tsika dzinofanira kuchengetwa”? Pauro aiva muapostora kune vemamwe marudzi, uye aitsigira chisarudzo chekuti vemamwe marudzi vaisafanira kutevedzera Mutemo. Akaratidzawo kuti vaya vaiedza kunyengetedza vanhu vemamwe marudzi kuti vachecheudzwe sechiratidzo chekuzviisa pasi peMutemo waMozisi vakanga vakarasika. (VaG. 5:1-7) Pauro aiparidzirawo mashoko akanaka kuvaJudha vaiva mumaguta aaishanyira. Anofanira kunge akatsanangurira vaJudha ivavo kuti kufa kwaJesu kwakanga kwagumisa kushanda kweMutemo uye kuti munhu ainzi akarurama nekutenda kwete nekutevedzera Mutemo.—VaR. 2:28, 29; 3:21-26.
10. Pauro aiona sei Mutemo uye nyaya yekuchecheudzwa?
10 Asi Pauro akaratidza kuti ainzwisisa vaya vaiona sepasina chakaipa nekuchengeta dzimwe tsika dzechiJudha, dzakadai sekurega kushanda paSabata kana kurega zvimwe zvekudya. (VaR. 14:1-6) Uye haana kugadza mitemo pamusoro pekuchecheudzwa. Pauro akatoita kuti Timoti achecheudzwe achiitira kuti vaJudha vasava nezvavanofungira Timoti, sezvo baba vake vaiva muGiriki. (Mab. 16:3) Munhu aigona kungochecheudzwa kana achida hake. Pauro akaudza vaGaratiya kuti: “Kuchecheudzwa kana kusachecheudzwa hazvikoshi, asi kutenda kunoshanda nerudo ndiko kunokosha.” (VaG. 5:6) Asi kuzoita kuti munhu achecheudzwe pasi peMutemo kana kuudza vanhu kuti vadaro kuti vafarirwe naJehovha kunenge kuri kuratidza kusava nekutenda.
11. Vakuru vakaudza Pauro kuti aite sei, uye kuzviita kungangodaro kwaisanganisirei? (Onawo mashoko emuzasi.)
11 Saka kunyange zvazvo zvavakanga vachiudzwa zvakanga zvisiri izvo zvaaidzidzisa, vatendi vechiJudha vaingovhiringidzwa nazvo. Saka vakuru vakaudza Pauro kuti: “Tine varume vana vakaita mhiko. Enda nevarume ava, uzvichenese pamwe navo maererano neMutemo, wovabhadharira zvinenge zvichidiwa, kuti misoro yavo iveurwe. Munhu wese achabva aziva kuti zvese zvavakaudzwa nezvako ndezvekunyepa, asi kuti uri kufamba zvakanaka uye kuti uri kuchengetawo Mutemo.” c—Mab. 21:23, 24.
12. Pauro akaratidza sei kuti aiva munhu anobvuma kuita zvinhu zvinenge zvakanakira vamwe kunyange kana zvisiri izvo zvaari kuda?
12 Pauro aigona kuti dambudziko rakanga risiri pane zvaitaurwa pamusoro pake, asi pavaJudha vaishingairira Mutemo waMozisi. Asi akanga asiri kuda kungoita zvenharo chero bedzi akanga asiri kutyora mitemo yaMwari. Akanga ambonyora kuti: “Kune vaya vari pasi pemutemo ndakava semunhu ari pasi pemutemo, kunyange zvazvo ini ndisiri pasi pemutemo, kuti ndiwane vaya vari pasi pemutemo.” (1 VaK. 9:20) Panyaya iyi, Pauro akaita zvaidiwa nevakuru ava vemuJerusarema, akava “semunhu ari pasi pemutemo.” Isu tinogonawo kumutevedzera nekuita zvinenge zvataurwa nevakuru, kunyange zvichipesana nezvatinenge tichifunga isu.—VaH. 13:17.
“Haakodzeri Kurarama!” (Mabasa 21:27–22:30)
13. (a) Nei vamwe vaJudha vakakonzera mheremhere mutemberi? (b) Pauro akaponeswa sei?
13 Zvinhu hazvina kufamba zvakanaka kutemberi. Mazuva ekuti mhiko dzavo dzipere paakanga ava kuswedera, vaJudha vekuEzhiya vakaona Pauro vakamupomera zvenhema kuti akanga aunza vanhu vemamwe marudzi mutemberi, uye ndokubva vamukwenyera kuti paite mhirizhonga. Dai pasina mukuru weuto reRoma akazopindira, Pauro angadai akaitwa kanyama-kanyama. Mukuru wacho weuto akazoita kuti asungwe. Zvakazomutorera anenge makore 4 kuti azosunungurwa. Uye kunyange paakasungwa ipapo akanga achiri mungozi. Mukuru weuto paakabvunza kuti vairwisirei Pauro, vakashevedzera vachimupomera zvakasiyana-siyana. Hapana chaakanzwa nemheremhere yaiitwa. Akatozopedzisira aita kuti Pauro aite zvekusimudzwa kuti abviswe ipapo. Pavakanga vava pedyo kupinda naye mumusasa wemasoja, Pauro akati kumukuru wacho weuto: “Ndinokumbirawo kuti mundibvumire kutaura nevanhu.” (Mab. 21:39) Mukuru wacho akabvuma, uye Pauro akaratidza ushingi achitsigira zvaanotenda.
14, 15. (a) Pauro akatsanangurira vaJudha kutii? (b) Mukuru weuto reRoma akatora matanho api kuti azive kuti nei vaJudha vakanga vakatsamwira Pauro?
14 Pauro akatanga nekuti: “Teererai ndichizvipindurira pamhosva yamuri kundipomera.” (Mab. 22:1) Pauro akataura nevanhu vacho nechiHebheru, izvo zvakabva zvaita kuti vati zii. Akavatsanangurira zvakajeka chikonzero chakaita kuti ave muteveri waKristu. Paaidaro akataura zvimwe zvinhu zvaaiziva kuti vaJudha vaigona kuongorora kuti ndezvechokwadi here kana vaida havo. Pauro akanga adzidza patsoka dzaGamarieri uye akanga ambotambudza vateveri vaKristu, izvo zvaigona kutozivikanwa nevamwe vakanga varipo. Asi paaiva munzira kuenda kuDhamasiko, akaona chiratidzo chaKristu akanga amutswa, akataura naye. Varume vaaifamba navo vakaona chiedza uye vakanzwa inzwi, asi havana kunzwisisa zvaitaurwa. (Mab. 9:7; 22:9) Pauro akabva aita bofu, vanhu vaaifamba navo vakatozomutungamirira kuenda kuDhamasiko. Ava ikoko, Ananiyasi, mumwe murume aizivikanwa nevaJudha vemunharaunda iyoyo, akaita chishamiso chekuti Pauro atange kuonazve.
15 Pauro akazorondedzera kuti paakazodzoka kuJerusarema, Jesu akazviratidza kwaari mutemberi. Ipapo ndipo pakabva paviruka vaJudha, vakatanga kudaidzira kuti: “Bvisai munhu akadai panyika; haakodzeri kurarama!” (Mab. 22:22) Mukuru weuto uya akatozomuponesa nekumuendesa mudzimba dzevarwi. Mukuru wacho aida kuziva kuti chii chaizvo chaiita kuti vaJudha vatsamwire Pauro zvakadaro, saka akaronga kuti abvunzwe achiita zvekurohwa zvakasimba. Asi Pauro akabva ashandisa mumwe mutemo waigona kumudzivirira, ndokuvazivisa kuti akanga ari chizvarwa cheRoma. Mazuva ano vanamati vaJehovha vanoshandisawo mitemo iripo kuti vadzivirire kutenda kwavo. (Ona bhokisi rakanzi “ Mutemo weRoma ” riri papeji 184, uye rakanzi “ Waitii Nezvezvizvarwa zveRoma? Nyaya Dzatinoendesa Kumatare Mazuva Ano.”) Paakanzwa kuti Pauro aiva chizvarwa cheRoma, mukuru wacho akaona kuti aifanira kutsvaga imwe nzira yekuwana mashoko nezvake. Mangwana acho akaendesa Pauro pamberi pedare repamusoro rechiJudha, reSanihedrini, rakanga raunganidzirwa nyaya iyoyo.
“Ini Ndiri muFarisi” (Mabasa 23:1-10)
16, 17. (a) Tsanangura zvakaitika pakatanga Pauro kutaura pamberi peSanihedrini. (b) Pauro akaratidza sei kuti aizvininipisa paakarohwa?
16 Achitaura pamberi pedare reSanihedrini, Pauro akatanga achiti: “Varume, hama, ndakazvibata nehana yakanyatsochena pamberi paMwari kusvikira nhasi.” (Mab. 23:1) Haana kutombokwanisa kuenderera mberi. Nyaya yacho inoti: “Mupristi mukuru Ananiyasi akabva audza vakanga vakamira pedyo naye kuti vamurove pamuromo.” (Mab. 23:2) Kutsvinya chaiko! Uye vairatidza kuti vakanga vatogara vatonga nyaya yacho pachavo nekutaura kuti Pauro murevi wenhema iye asati atombotaura nyaya yake! Ndosaka Pauro akazopindura achiti: “Mwari achakurova, iwe madziro akadzururwa nevhu jena. Ungagara pasi kuti unditonge maererano neMutemo, wotyora Mutemo wacho zvakare nekurayira kuti ndirohwe?”—Mab. 23:3.
17 Vamwe vaivapo vakavhundutswa, kwete nemunhu akarova Pauro, asi naPauro wacho! Vakabvunza kuti: “Uri kutuka mupristi mukuru waMwari here?” Mapinduriro akaita Pauro anoratidza kuti munhu aizvininipisa uye airemekedza Mutemo. Akati: “Hama, handina kuziva kuti ndiye mupristi mukuru. Nekuti zvakanyorwa kuti, ‘Usataura zvakaipa pamusoro pemutongi wevanhu vekwako.’” d (Mab. 23:4, 5; Eks. 22:28) Iye zvino Pauro akaronga rimwe zano. Aiziva kuti mudare reSanihedrini mune vaFarisi nevaSadhusi, saka akabva ati: “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi. Ndiri kutongerwa kuti ndine tariro yekuti vakafa vachamuka.”—Mab. 23:6.
18. Nei Pauro akazviti muFarisi, uye tingashandisa sei zvaakaita patinenge tichikurukura nevanhu?
18 Nei Pauro akazviti muFarisi? Nekuti aiva “mwanakomana wevaFarisi,” mhuri yechitendero ichocho. Saka vakawanda vakanga vachiri kumuona saizvozvo. e Asi nei Pauro akazoti aitenda kuti kune rumuko sezvaiita vaFarisi? VaFarisi vainzi vaitenda kuti kune mweya unoramba uchirarama kana munhu afa uchiziva zvauri kuita, uye kuti mweya yevakarurama yaizoraramazve mune mimwe miviri. Pauro akanga asingatendi zvese izvozvo. Aitenda murumuko rwakadzidziswa naJesu. (Joh. 5:25-29) Kunyange zvakadaro, Pauro aibvumirana nevaFarisi pakuti kana munhu achinge afa pachiine tariro, kusiyana nevaSadhusi vakanga vasingatendi kuti kune rumuko. Tinogona kuitawo izvozvo patinenge tichikurukura nevanhu vakadai sevechechi yeRoma nevamwe vanoti vanotenda muna Kristu. Tinogona kungovataurira kuti tinotenda kuti Mwari ariko sezvavanoita ivo. Kunyange zvazvo vangatenda kuti Mwari Utatu asi isu tichitenda muna Mwari anotaurwa muBhaibheri, tese tinotenda kuti kuna Mwari.
19. Nei musangano weSanihedrini wakapera yangova nyonganyonga?
19 Mashoko aPauro akaita kuti Sanihedrini iti uyu ari kutaura izvi uyuwo achitaura zvake. Nyaya yacho inoti: “Saka pakaitika zhowezhowe, uye vamwe vanyori vaiva vaFarisi vakasimuka vakatanga kuita nharo dzinotyisa, vachiti: ‘Hapana chakaipa chatiri kuona pamurume uyu, asi kana mweya kana kuti ngirozi yakataura naye—.’” (Mab. 23:9) Pfungwa yekutoti Pauro angangodaro akataura nengirozi yaisatomboda kunzwiwa nevaSadhusi nekuti vakanga vasingatombotendi kuti kune ngirozi! (Ona bhokisi rakanzi “ VaSadhusi nevaFarisi”) Mheremhere iya yakabva yatowedzera zvekuti mukuru weuto reRoma akaita kuti Pauro anunurwe zvakare. (Mab. 23:10) Kunyange zvakadaro, Pauro akanga asati apukunyuka. Chii chichaitika kwaari? Tichadzidza zvakawanda muchitsauko chinotevera.
a Sezvo kwaiva nevaKristu vechiJudha vakawanda kudaro, zvichida kwakanga kuine ungano dzakawanda dzaiungana mudzimba.
b Pauro akazonyorera vaHebheru pashure pemakore, achiratidza kuti sungano itsva yaipfuura yekare. Mutsamba iyoyo akanyatsotaura kuti sungano itsva yaiita kuti sungano yekare isashande. Tsamba yaPauro yaiita zvinhu zviviri, kuvabatsira kupindura vaJudha vaivapikisa, uye kusimbisa kutenda kwevaya vaikoshesa Mutemo waMozisi.—VaH. 8:7-13.
c Vamwe vaongorori veBhaibheri vanoti varume ava vakanga vaita mhiko yeuNaziri. (Num. 6:1-21) Ichokwadi hacho kuti Mutemo waMozisi waiitwa mhiko idzodzo pasi pawo wakanga usisashande. Asi Pauro anogona kunge akafunga kuti hapana chakaipa nekuti varume ivavo vazadzise mhiko yavakanga vaita kuna Jehovha. Saka pakanga pasina chakaipa kuti avabhadharire zvaifanira kubhadharwa uye kubatana navo. Hatinyatsozivi hedu kuti mhiko yacho yaiva yei, asi tinoziva kuti Pauro aisazotsigira kupiwa kwechibayiro chemhuka, chaipiwa kana munhu ari muNaziri, achitenda kuti zvivi zvevarume ava zvaizobviswa. Chibayiro chaKristu chakakwana chakanga chaita kuti zvibayiro zvakadaro zvisava nesimba rekuyananisa zvivi. Tinoziva kuti Pauro aisazoita chero chinhu chipi zvacho chaizokanganisa hana yake.
d Vamwe vanoti Pauro anogona kunge aiva nedambudziko remaziso zvekuti akatadza kuziva mupristi mukuru. Kana kuti pamwe akanga ava nenguva asiri muJerusarema zvekuti akanga asingazivi kuti akanga ava mupristi mukuru ndiani. Kana kuti nekuwanda kwakanga kwaita vanhu, Pauro akatadza kuziva kuti ndiani adaidzira kuti arohwe.
e Muna 49 C.E., vaapostora nevakuru pavaikurukura kana vanhu vemamwe marudzi vaifanira kuva pasi peMutemo waMozisi, pane vamwe vaKristu vaivapo vakanzi “vaimbova veboka revaFarisi avo vakanga vava vatendi.” (Mab. 15:5) Kunenge kuti vaKristu ivavo vakanga vachiri kuzivikanwa nezvavaimbova vasati vava vaKristu.