CHITSAUKO 26
“Hapana Kana Mumwe Wenyu Achaparara”
Ngarava yakakwira Pauro inoita tsaona, anoratidza kuti ane kutenda kwakasimba uye kuti anoda vanhu
1, 2. Pauro atarisana nerwendo rwakaita sei, uye inyaya dzipi dzingangodaro dzaimutenderedza musoro?
MASHOKO akataurwa anofanira kunge achiri kurira munzeve dzaPauro, nekuti achachinja ramangwana rake zvikuru. Gavhuna Festo akanga ati, “uchaenda kuna Kesari.” Pauro akanga ava nemakore maviri akangopfigirwa, saka rwendo rurefu urwu rwekuenda kuRoma rwaitomboitawo kuti afurwe nemhepo. (Mab. 25:12) Asi nzendo dzaachiri kuyeuka dzemugungwa dzinomuyeuchidza kuti rwendo rwechikepe harusi rwekungofurwa nemhepo nekuona gungwa rakangoita zienda nakuenda chete. Uye chinangwa chaari kuendera parwendo urwu chinofanira kunge chiri kuita kuti musoro wake uwedzere kutenderera nemibvunzo.
2 Pauro akatombova “panjodzi mugungwa” kakawanda, akapukunyuka tsaona yengarava katatu kese, uye akatombopedza usiku hwese nezuva rimwe chete ari pamusoro pemvura mugungwa. (2 VaK. 11:25, 26) Apa rwendo urwu rwaari kuenda rwakatosiyana nenzendo dzeumishinari dzaakaita asiri musungwa. Pauro achafamba ari musungwa, uye mufambo wacho hausi wekutamba nawo, makiromita anopfuura 3 000 kubva kuKesariya kuenda kuRoma. Rwendo urwu ruchapera zvakanaka asina kusangana nedambudziko here? Asi kunyange akasvika zvakanaka, harwusi rwendo rwekuenda kunourayiwa here? Yeuka kuti ari kuenda kunotongwa nemunhu aiva nesimba kupfuura vese munyika yaSatani panguva iyoyo.
3. Pauro aida kuitei kunyange zvodini, uye tichakurukurei muchitsauko chino?
3 Nezvese zvawaverenga nezvaPauro, unofunga kuti akabva apedzwa simba nezvaiva pamberi pake here? Kana! Aiziva kuti aizosangana nematambudziko, asi akanga asingazivi kuti matambudziko erudzii. Angazvinetserei zvake nezvinhu zvaakanga asingagoni kuchinja, achizvitorera mufaro waaiwana muushumiri? (Mat. 6:27, 34) Pauro aiziva kuti Jehovha aida kuti ashandise mikana yese yaaiwana kuti aparidze mashoko akanaka eUmambo hwaMwari, kunyange kuvatongi. (Mab. 9:15) Aida kuita basa rake chero zvodini. Isu hatifaniriwo kuva nechido chakasimba zvakadaro here? Saka ngatifambei naPauro parwendo rwuno runokosha zvikuru tichiona zvatinodzidza paari.
Mabasa 27:1-7a)
“Mhepo Yaibva Kwatakanga Takatarisa” (4. Pauro akatanga rwendo rwake nengarava yakaita sei, uye ndivanaani vaimuperekedza?
4 Pauro nevamwe vasungwa vakaiswa mumaoko emukuru weuto weRoma ainzi Juriyasi, uyo akasarudza kukwira ngarava yaitakura zvinhu yakanga yasvika kuKesariya. Ngarava yacho yakanga yabva kuAdramitiyumu, chiteshi chengarava chaiva paguta reMitirene, riri pachitsuwa cheLesbos, nechekumavirira kweAsia Minor. Ngarava iyi yaiti ikambonanga kuchamhembe yonanga kumavirira, ichimira apo neapo kuti iburutse nekukwidza zvimwe zvinhu. Ngarava dzakadaro dzakanga dzisina kugadzirirwa kutakura vanhu, ndoda vasungwa. (Ona bhokisi rakanzi “ Nzendo Dzemugungwa Uye Ngarava Dzekutengeserana.”) Chazvakanga zvakanakira ndechekuti Pauro akanga asiri ega muKristu mungarava iyi yevasungwa. Aiva naAristako naRuka. Tinoziva kuti Ruka ndiye akazonyora nhoroondo yacho. Hatizivi kana Ruka naAristako vakabhadhariswa mari yengarava kana kuti vakatorwa sevashandi vaPauro.—Mab. 27:1, 2.
5. Pauro akakwanisa kuwadzana navanaani kuSidhoni, uye izvi zvinotidzidzisei?
5 Pashure pekunge vaswera vachifamba kwemakiromita 110 mugungwa, ngarava yacho yakamira paSidhoni, mhenderekedzo yekuSiriya. Kunenge kuti Juriyasi akanga asingabati Pauro semabatirwo anoitwa vasungwa vese zvavo, zvichida nekuti Pauro aiva chizvarwa cheRoma uye asina kubatwa nemhosva. (Mab. 22:27, 28; 26:31, 32) Juriyasi akabvumira Pauro kuburuka kuti amboonana nevamwe vaKristu. Hama nehanzvadzi dzinofanira kunge dzakafara chaizvo kubatsirawo Pauro nezvaaida pashure penguva refu ari muusungwa! Ungafunga here nezvemimwe mikana yekuti ugamuchire vanhu kumba kwako uye kuti iwewe wacho ukurudzirwewo?—Mab. 27:3.
6-8. Rwendo rwaPauro kubva kuSidhoni kuenda kuKinidho rwakanga rwakamira sei, uye anogona kunge akawana mikana ipi yekuparidza?
6 Ngarava yakasimuka kuSidhoni, ikatevedza mahombekombe ichipfuura Kirikiya, pedyo nekumusha kwaPauro, kuTaso. Ruka haana kutaura nezvedzimwe nzvimbo dzavaimira, kunyange zvazvo akaratidza kuti zvakanga zvisina kunyatsomira zvakanaka nemashoko ekuti “mhepo yaibva kwatakanga takatarisa.” (Mab. 27:4, 5) Asi tinogona kufungidzira Pauro achishandisa mikana yese yaimuka kuparidza mashoko akanaka. Aisambotadza kuparidzira vamwe vasungwa nevanhu vaiva mungarava, kusanganisira vafambisi vayo nemasoja, uyewo vanhu vaiva pazviteshi paimbomira ngarava yacho. Isu tinoshandisawo here mikana inenge iripo yekuparidza?
7 Ngarava yacho yakazosvika kuMaira, pachiteshi chengarava chaiva kumahombekombe nechekumaodzanyemba kweAsia Minor. Kuno ndiko kwavaifanira kuchinjira ngarava kuti vakwire yaizovasvitsa kuRoma. (Mab. 27:6) Mazuva iwayo, gorosi rakawanda raishandiswa muRoma raibva kuIjipiti, uye ngarava dzekuIjipiti dzaitakura gorosi dzaimbomira paMaira. Juriyasi akawana imwe yengarava idzi akaita kuti masoja nevasungwa vakwire imomo. Ngarava iyi inofanira kunge yakanga yakakura kudarika yekutanga nekuti yakanga iine gorosi rakawanda uye vanhu vakazosvika 276, vaiti vashandi vemo, masoja, vasungwa uye vamwewo vaienda kuRoma. Zviri pachena kuti kuchinja kwavakaita ngarava kwakatowanisa Pauro imwe ndima yekuparidzira uye anofanira kunge akashandisa mukana iwoyo.
8 Ngarava yacho yaizofanira kunomira kuKinidho, kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAsia Minor. Kwaigona kuvatorera zuva rimwe chete kusvika kana mhepo yakanyatsonaka. Asi Ruka anoti “takafamba zvishoma nezvishoma kwemazuva, ndokuzosvika kuKinidho tatambura.” (Mab. 27:7a) Gungwa rakanga rawedzera kuipa. (Ona bhokisi rakanzi “ Kufamba Nengarava muMediterranean”.) Funga kuti vanhu vari mungarava iyi vari kunzwa sei ngarava yacho pairi kuedza kufamba ichirwisana nemhepo yakasimba uye masaisai.
“Taisundwa Zvakasimba Nedutu” (Mabasa 27:7b-26)
9, 10. Matambudziko api akamuka pedyo neKrete?
9 Mukuru wengarava aida kuti vaende kumavirira vachibva kuKinidho, asi Ruka anoti “mhepo yakatitadzisa kuramba tichienda mberi.” (Mab. 27:7b) Ngarava yacho payakasimuka, yakabva yasangana neimwe mhepo yaiva nesimba yaipesana nekwavaida kuenda, ichivasundira kumaodzanyemba, ichimhanya zvikuru. Kumashure kwavakanga vabva vakanga vambodzivirirwa pamhepo ine simba nechitsuwa cheSaipurasi, iye zvino vakanga vadzivirirwa nechitsuwa cheKrete. Ngarava yacho payakangoti pfuurei Sarimoni kumabvazuva kweKrete, zvinhu zvakamboti dzikamei. Chii chakadzikamisa gungwa? Ngarava payakasvika nechekumaodzanyemba chitsuwa chakanga chavadzivirira pamhepo ine simba. Vanhu vaiva mungarava vanofanira kunge vakatura befu, vachifunga kuti nhamo yapera! Asi vafambisi vengarava vaiziva kuti kana vachiri pagungwa chete, vaisakwanisa kunzvenga nguva yechando yakanga yava kuuya. Vaisamborega kunetseka.
10 Ruka anonyatsotaura zvakaitika achiti: “Takafamba tichiita zvekutamburira tichitevedza mahombekombe [eKrete] ndokusvika panzvimbo yainzi Pekuzororera Pakanaka.” Kunyange pavakanga vakadzivirirwa nechitsuwa, kufambisa ngarava kwakanga kusiri nyore. Asi vakazopedzisira vawana pamwe pavaigona kumbodzikisa zvinhu zvinotsigisa ngarava pakanzvimbo kanofungidzirwa kuti mahombekombe anenge ananga kuchamhembe. Vakagara ipapo kwenguva yakareba sei? Ruka anoti vakaita “nguva yakareba,” asi zvaisaita kuti vangoramba vari ipapo. Muna September/October, kufamba mugungwa kwaitozowedzera kuipa.—Mab. 27:8, 9.
11. Pauro akapa vamwe vake zano rekutii, asi ivo vakasarudza zvipi?
11 Vamwe vaiva mungarava vanogona kunge vakambobvunza Pauro mazano sezvo aiwanzofamba mugungwa reMediterranean. Akataura kuti vambomira. Akati kana vakaramba vachifamba, zvaizoguma “nekuparara nekurasikirwa kukuru,” pamwe kutorasikirwa neupenyu. Asi mukuru wengarava nemuridzi wayo vakati varambe vachifamba, pamwe vachifunga kuti vaifanira kukurumidza kuwana nzvimbo yakati dzikamei. Vakaita kuti Juriyasi abvume izvozvo, uye ruzhinji rwevanhu rwaiona zvakanaka kuti vasvike paFonikisi, chiteshi chaiva nechemberi vachitevedza mahombekombe. Inogona kunge yaiva nzvimbo yakati kurei uye yakanaka kuti vange vari mumwaka wese wechando. Saka pavakanzwa kamhepo kanotonhorera kaibva kuchamhembe vakabva vazvifurira ndokusimuka.—Mab. 27:10-13.
12. Pavakabva kuKrete, ngarava yakasangana nematambudziko api, uye vashandi vayo vakaedza sei kuita kuti isaparara?
12 Dambudziko rakazotanga pakauya “mhepo yakasimba” yaibva kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Vakamboita nguva vakadzivirirwa “nekamwe kachitsuwa kanonzi Kaudha,” makiromita anenge 65 kubva pachiteshi chainzi Pekuzororera Pakanaka. Kunyange zvakadaro, ngarava yacho yaigona kukukurwa yakananga kumaodzanyemba kusvikira yarovera pajecha repamhenderekedzo yeAfrica. Vachityira kuti izvozvo zvinogona kuitika, vanhu vaifambisa ngarava vakatora kachikepe kaidhonzwa nengarava ndokukakwidza pangarava. Asi izvi zvakanga zvisiri nyore nekuti kanofanira kunge kakanga kazara mvura. Vakatanga kupinda basa rekuedza kusunga ngarava yacho nepadumbu payo, vachiisa tambo kana kuti cheni nechepasi payo kuti mapuranga acho arege kuparadzana. Uye vakadzikisa seiri guru, ndokumanikidza ngarava yacho kuti itarise kwaibva mhepo kuti iregedze kukundwa nedutu. Vanhu ava vanofanira kunge vakafunga kuti pavo pavaperera! Kunyange pavakanga vaita zvese izvi, ngarava yakaramba ichisundwa “zvakasimba nedutu.” Pazuva rechitatu, vakatanga kurasa zvinhu zvavakanga vakatakura, pamwe vachiedza kuti ngarava yacho isanyura.—Mab. 27:14-19.
13. Zvinhu zvinofanira kunge zvakanga zvakamirira sei mungarava maiva naPauro nevamwe vake kuine dutu?
13 Vanhu ava vanofanira kunge vakanga vava kudedera nekutya. Asi Pauro nevamwe vake vakanga vakadzikama. Ishe akanga ambovimbisa Pauro kuti aizopupurira muRoma, uye ngirozi yakanga yadzokororazve vimbiso iyoyo. (Mab. 19:21; 23:11) Kunyange zvakadaro, dutu rakasimba rakaramba richirova kwemavhiki maviri, usiku nemasikati. Kunaya kwakwaiita uye kukwidibira kwakanga kwakaita kunze kwaitadzisa mufambisi wengarava kuziva kuti vakanga vava kupi uye kuti vakanga vakananga kupi. Kudya chaiko vakanga vasingachakuzivi. Pane angakanda chekudya mukanwa pakadaro here? Zvaisamboita nekutonhora uye kunaya kwakwaiita, ukuwo kufamba mugungwa kwagara kuchitorwarisa, tisingazotauriwo kutya kwavaiita!
14, 15. (a) Nei Pauro akataurira vanhu vaaiva navo mungarava nezvekuvayambira kwaakanga amboita? (b) Tinodzidzei pamashoko aPauro anopa tariro aakaudza vanhu?
14 Pauro akabva asimuka. Akataura kuti akanga ambovayambira asi haana hake kuzviita achida kuti vazvipe mhosva. Aingoda kuvaratidza kuti kudai vakanga vateerera mashoko ake zvinhu zvakazoitika zvingadai zvisina kuitika. Akabva ati: “Ndinokukurudzirai kuti mushinge, nekuti hapana kana mumwe wenyu achaparara, kunze kwengarava chete.” (Mab. 27:21, 22) Mashoko iwayo anofanira kunge akanyevenutsa mwoyo yevanhu vese! Naiyewo Pauro anofanira kunge akafara chaizvo kuti Jehovha akanga amupa tariro yekuti aizomununura yaakaudzawo vamwe. Zvinokosha kuti tiyeuke kuti Jehovha ane hanya neupenyu hwemunhu wese. Munhu wese anokosha kwaari. Muapostora Petro akanyora kuti: “Jehovha . . . hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9) Saka tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiudze vanhu vakawanda shoko rinobva kuna Jehovha retariro! Vanhu vanogona kurasikirwa neupenyu.
15 Pauro anofanira kunge aipupurira vanhu vakawanda vaiva mungarava ‘nezvetariro yezvakavimbiswa naMwari.’ (Mab. 26:6; VaK. 1:5) Iye zvino vamwe vese pavaiona kuti ngarava yavo yaigona kutopinda mutsaona voparara, Pauro aitofanira kupa vanhu tariro yekuti vaizopona. Akati: “Usiku huno ngirozi yaMwari wangu . . . yamira pedyo neni, ikati, ‘Pauro, usatya. Unofanira kumira pamberi paKesari, uye Mwari achakuponesera vese vauri kufamba navo mungarava.’” Pauro akavakurudzira achiti: “Saka farai varume, nekuti ndinotenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvandaudzwa chaizvo. Asi tinofanira kurasirwa panyika pane chimwe chitsuwa.”—Mab. 27:23-26.
Mabasa 27:27-44)
“Vese Vakasvika Pachitsuwa Zvakanaka” (16, 17. (a) Mukana upi wakashandiswa naPauro kunyengetera, uye zvakabatsirei? (b) Zvakanga zvagara zvataurwa naPauro zvakazoitika sei?
16 Pashure pemavhiki maviri ngarava ichingoendeswa kwemakiromita anenge 870, vanhu vaiifambisa vakatanga kuona kuti zvinhu zvakanga zvati chinjei, zvichida vachinzwa masaisai airovera kumahombekombe. Vakadzikisa zvinhu zvinotsigisa ngarava kuti irege kukukurwa uye kuti vainangise kumahombekombe voimisa. Panguva iyoyo ndipo pavakaedza kutiza asi vakatadziswa nemasoja. Pauro akaudza mukuru weuto nemauto ake kuti: “Kana varume ava vakasaramba vari mungarava, hamusi kuzoponeswa.” Paakaona kuti ngarava yakanga yati dzikamei, Pauro akakurudzira vanhu vese kuti vambodya, achivavimbisazve kuti vaizopona. Pauro akabva “atenda Mwari pamberi pavo vese.” (Mab. 27:31, 35) Paakapa munyengetero uyu wekutenda, Pauro akaratidza Ruka, Aristako uye vaKristu vese mazuva ano zvavanofanira kuita. Minyengetero yako yaunopa uchimiririra vamwe paruzhinji inokurudzira uye inonyaradza here?
17 Pashure pekunge Pauro anyengetera, “vese vakanzwa vasimbiswa, vakatanga kudya.” (Mab. 27:36) Vakarerutsirazve ngarava nekurasira gorosi mugungwa kuti isvike kumhenderekedzo yakarerukirwa. Pakwakaedza, vakacheka zvinotsigisa ngarava, vakacheka tambo dzaibata zvikwasviso, ndokusimudza seiri diki kuti vakwanise kufambisa ngarava yakananga panyika. Ngarava yakabva yatungira nemuromo, zvichida pachimurwi chejecha kana kuti mumadhaka uye yese yakabva yatanga kutyoka-tyoka ichirohwa nemasaisai. Mamwe masoja akanga ava kuda kuuraya vasungwa vese kuti parege kuva neanotiza, asi Juriyasi akavarambidza. Akakurudzira munhu wese kuti ashambire kana kuti atsvage chekubatirira kuti ayangarare akananga kumahombekombe. Zvakanga zvataurwa naPauro zvakanyatsoitika, nekuti vese vari 276 vakapona. “Vese vakasvika pachitsuwa zvakanaka.” Asi chitsuwa chipi?—Mab. 27:44.
“Vakatibata Zvakanaka Chaizvo” (Mabasa 28:1-10)
18-20. Vanhu vekuMarita vakabata sei Pauro nevamwe vake, uye Mwari akaita kuti Pauro aite chishamiso chipi?
18 Vakazoziva kuti vakanga vari pachitsuwa cheMarita, kumaodzanyemba kweSisiri. (Ona bhokisi rakanzi “ Marita Yaiva Kupi?”) Vanhu vepachitsuwa ichi vaitaura mumwe mutauro ‘vakavabata zvakanaka chaizvo.’ (Mab. 28:2) Vakaona kuti vanhu ava vakanga vati chakwata uye vaibvunda nechando, saka vakavabatidzira moto. Moto uyu wakaita kuti vadziyirwe, asi wakaitawo kuti paitike chimwe chishamiso.
19 Pauro akabatsirawo nekuunganidza tsotso achidziisa pamoto. Paaidaro, akabva arumwa nenyoka ine uturu, ikaramba yakanamatira paruoko rwake. Vanhu vekuMarita vakafunga kuti uku kwakanga kuri kurangwa navanamwari. a
20 Vanhu vepachitsuwa chacho pavakaona kuti Pauro akanga arumwa nenyoka vakafunga kuti “achazvimba.” Rimwe bhuku rinotsanangura mashoko ekare rinoti shoko rakashandiswa pano rinoshandiswa “panyaya dzekurapa.” Hazvishamisi kuti shoko rakadaro rakakurumidza kuuya mupfungwa dzaRuka, “chiremba anodiwa.” (Mab. 28:6; VaK. 4:14) Kunyange zvakadaro, Pauro akazunzira nyoka yacho ine uturu mumoto asi hapana chakaitika kwaari.
21. (a) Mashoko api akashandiswa naRuka munhoroondo yake anonyatsoratidza kururama kwezvaaitaura? (b) Pauro akaita chishamiso chei, uye izvi zvakaita kuti vanhu vekuMarita vaite sei?
21 Pane mumwe murume ainzi Pabriyo akanga akapfuma aiva neminda pachitsuwa ichi. Anogona kunge ari iye aiva mukuru weRoma aitungamirira pachitsuwa ichi. Ruka akamuti “mutongi wechitsuwa ichi,” achishandisa zita rekuremekedza rakawanikwa pazvinyorwa zviviri zvekuMarita. Akatambira Pauro nevamwe vake kumba kwake akagara navo kwemazuva matatu. Asi baba vaPabriyo vairwara. Ruka akanyatsorondedzera zvakare marwariro avaiita. Akanyora kuti “vakanga vakarara vachirwara nefivha nemanyoka.” Pauro akanyengetera ndokuisa maoko ake pamurume wacho, akabva apora. Izvi zvakabata-bata vanhu vakawanda zvikaita kuti vauye nevamwe varwere kuti vazoporeswa, uye vakavigira Pauro nevamwe vake zvipo zvezvinhu zvavaizoda parwendo rwavo.—Mab. 28:7-10.
22. (a) Mumwe purofesa akatsanangura sei manyorero akaita Ruka rwendo rwaPauro rwekuenda kuRoma? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?
22 Zvatakurukura nezverwendo rwengarava rwaPauro kusvika pari zvino zvakazara nemashoko anonyatsoratidza kuti akarurama uye ndeechokwadi. Mumwe purofesa akati: “Ruka . . . akanyatsonyora achibudisa zvakajeka mashoko ake kupfuura manyorerwo akaitwa dzimwe ndima dzemuBhaibheri. Anonyatsotaura mafambiro aiita vanhu nengarava makore iwayo mugungwa, achinyatsobudisa zvakaita Mediterranean nechekumabvazuva kwayo,” zvekuti anofanira kunge aizvitora mubhuku raainyora zvinhu zvaiitika kwaari zuva nezuva. Ruka anogona kunge aitonyora mashoko ese iwayo pavakanga vachitova parwendo. Kana zviri izvo zvaaiita, kureva kuti akanga achiine zvakawanda zvekunyora pachikamu chasara cherwendo rwacho. Zvinhu zvaizofambira sei Pauro kana asvika kuRoma? Ngationei.
a Mhando yenyoka inotaurwa pano inofanira kunge yaivapo pachitsuwa ichi makore iwayo nekuti vagari vemo vanoratidza kuti vaiiziva. Mazuva ano haichawanika kuMarita. Pamwe zvingave zvakakonzerwa nekuti nzvimbo yacho yakachinja nekufamba kwemakore, kana kuti yakatsakatika nekuwanda kwevanhu pachitsuwa chacho.