CHITSAUKO 27
Kupa “Uchapupu Hwakasimba”
Pauro anoenderera mberi achiparidza ava muRoma semusungwa
1. Pauro nevamwe vake vane chivimbo chei, uye chii chiri kuvapa chivimbo ichocho?
NGARAVA hombe ine mufananidzo wakanzi “Vanakomana vaZeusi,” iyo inogona kunge yakatakura gorosi, iri kufamba mugungwa reMediterranean yakananga kuItari ichibva kuchitsuwa cheMarita. Rinofanira kunge riri gore ra59 C.E. Mungarava macho mune muapostora Pauro, musungwa ari kufamba akachengetedzwa, uye Ruka naAristako. (Mab. 27:2) Vazivisi vemashoko akanaka ava havasi kutarisira kuchengetedzwa nemapatya anonzi Castor naPollux, vanakomana vaZeusi mwari wechiGiriki. (Mab. 28:11) Pauro nevamwe vake vanonamata Jehovha, uyo akaudza Pauro kuti aizopupurira chokwadi kuRoma uye kuti aizomira pamberi paKesari.—Mab. 23:11; 27:24.
2, 3. Ngarava iri kufamba naPauro inoenda nekupi, uye ndiani anga achimutsigira kubvira paatanga rwendo rwake?
2 Ngarava yacho inosvika kuSirakusi, guta rekuSisiri rakanaka zvikuru rinotokwikwidzana neAtene neRoma, yoita mazuva matatu ikoko yozosimudzira yakananga kuRegiyumu kumaodzanyemba kweItari. Inozonanga kuchiteshi chePuteori, (pedyo neyava kunzi Naples), rwendo rwemakiromita 320, yotora mazuva maviri chete kuti isvike sezvo iri kubatsirwa nemhepo.—Mab. 28:12, 13.
3 Iye zvino Pauro ava kupedzisa rwendo rwake rwekuenda kuRoma, kwaachanomira pamberi paMambo Nero. Kubvira paatangira rwendo urwu kusvika arwupedza, “Mwari wekunyaradza kwese” anaye. (2 VaK. 1:3) Sezvatichaona, kutsigirwa kwaari kuitwa naMwari hakudzikiri; uye Pauro haaregi kushingaira semumishinari.
“Pauro . . . Akaonga Mwari, Akanzwa Asimbiswa” (Mabasa 28:14, 15)
4, 5. (a) Pauro nevamwe vake vakagamuchirwa sei pachitsuwa chePuteori, uye chii chinogona kunge chakaita kuti apiwe rusununguko rwakakura kudaro? (b) Kuzvibata zvakanaka kunobatsira sei vaKristu kunyange vari mumajeri?
4 KuPuteori, Pauro nevamwe vake ‘vakawana hama uye dzakavakumbira kuti vambogara nadzo kwemazuva manomwe.’ (Mab. 28:14) Uku ndiko kunonzi kubata vaenzi zvakanaka sevaKristu! Hapana mubvunzo kuti zvese zvavakashandisa vakazozvidzorerwa zvapetwa kana tichitarisa kukurudzirwa kwavakazoitwa naPauro nevamwe vake panyaya dzekunamata. Asi musungwa akanga akachengetedzwa aizopiwa sei rusununguko rwakadaro? Pamwe zvakaitwa nekuti Pauro akanga ava kuvimbwa naye nemasoja aimuchengeta.
5 Mazuva ano vashumiri vaJehovha vanenge vari mumajeri, vanowanzopiwa rusununguko kana kubvumirwa kuita zvimwe zvinhu pamusana pekuzvibata kwavo sevaKristu. KuRomania, mumwe murume akatongerwa kugara mujeri kwemakore 75 pamusana pekuba, ndokuzotanga kudzidza Shoko raMwari achibva achinja unhu hwake. Izvi zvakaita kuti varindi vejeri vamupe basa rekupota achienda hake ega kunotenga zvinhu zvejeri racho! Asi chinokosha kupfuura zvese ndechekuti kuzvibata kwedu zvakanaka kunoita kuti Jehovha akudzwe.—1 Pet. 2:12.
6, 7. Hama dzekuRoma dzakaratidza sei rudo rwechokwadi kuna Pauro nevamwe vake?
6 Vachibva muPuteori, Pauro nevamwe vake vanofanira kunge vakaita zvekufamba netsoka makiromita anenge 50 kuenda kuCapua iri mumugwagwa weApiyo, waienda kuRoma. Mugwagwa uyu wakanga wakagadzirwa zvakanaka nematombo wakanga wakakurumbira waiita kuti munhu anyatsoona nzvimbo dzakasiyana-siyana dzeItari, uye pamwe pacho waigona kutoona Gungwa reMediterranean. Mugwagwa wacho waipfuura nepaMusika weApiyo waiva munzvimbo ine machakwi yainzi Pontine Marshes, anenge makiromita 60 kubva kuRoma. Ruka akanyora kuti: “Hama dzaiva kuRoma, padzakanzwa nezvedu, dzakauya kuzotichingura.” Anoti vamwe vavo vakatovachingura vachiri kuMusika weApiyo, vamwe vakavamirira paHotera Nhatu, nzvimbo yekuzororera yaiva anenge makiromita 50 kubva kuRoma. Hama dzaiva nerudo rwechokwadi idzi!—Mab. 28:15.
7 Musika weApiyo wakanga usingaiti kuti munhu akanga aneta nerwendo azorore zvakanaka. Mumwe mudetembi wekuRoma anonzi Horace anorondedzera Musika wacho achiti “waizara nevafambisi vezvikepe uye vachengeti vehotera yacho vaitsvinya.” Akanyora kuti “mvura yeko yaisemesa.” Akatoramba kudyira ipapo! Asi pasinei nezvese izvi, hama dzakabva kuRoma dzakamirira Pauro nevamwe vake dzichifara kuti vazoenda naye vakamuchengetedza kuti apedzise rwendo rwake.
8. Nei Pauro akaonga Mwari ‘paakaona’ hama dzake?
8 Nyaya yacho inoti Pauro paakaona hama idzi, “akaonga Mwari, akanzwa asimbiswa.” (Mab. 28:15) Kungoona chete hama idzi dzaaida zvikuru, vamwe vacho vaangave aitozivana navo, kwakaita kuti asimbiswe uye anyaradzwe. Nei Pauro akaonga Mwari? Aiziva kuti rudo rwavakamuratidza chaiva chibereko chemweya. (VaG. 5:22) Mazuva ano mweya mutsvene unoitawo kuti vaKristu vazvipire kubatsirana uye kunyaradza vanenge vari mumatambudziko.—1 VaT. 5:11, 14.
9. Tingatevedzera sei zvakaitwa nehama dzakauya kuzochingura Pauro?
9 Mweya mutsvene unoita kuti vanhu vanobvuma kutungamirirwa nawo vagamuchire vatariri vematunhu, mamishinari, uye vamwe vashumiri venguva yakazara vakarega zvimwe zvinhu kuti vashumire Jehovha zvizere. Zvibvunze kuti: ‘Ndingawedzera pane zvandiri kuita pakutsigira mutariri wedunhu nemudzimai wake here, zvichida tichimukoka nemudzimai wake, kana akaroora, kuti tizodya pamwe chete? Ndingaronga kuzoshanda navo muushumiri here?’ Izvi zvinogona kuita kuti uzowana makomborero akawanda. Fungidzira kufara kwakaita hama dzekuRoma padzaiteerera Pauro nevamwe vake vachitaura zvakawanda zvavakasangana nazvo zvinosimbisa kutenda.—Mab. 15:3, 4.
“Kanoshorwa Kwese Kwese” (Mabasa 28:16-22)
10. Usungwa hwaPauro hwakanga hwakamira sei muRoma, uye akaita sei mazuva mashomanana achangosvika?
10 Pavakazosvika muRoma, “Pauro akabvumirwa kugara ega aine murwi aimuchengetedza.” (Mab. 28:16) Vasungwa vaibvumirwa kugara vega mumba vaiwanzosunganidzwa necheni nemurindi kuitira kuti vasatiza. Kunyange zvakadaro, Pauro aiva muzivisi weUmambo, saka cheni dzakanga dzisingagoni kumutadzisa kuparidza. Paakangoita mazuva matatu achizorodza nyama dzakanga dzaneta nerwendo, Pauro akaunganidza varume vakuru vevaJudha vaigara muRoma kuti avaudze nezvake uye kuti ape uchapupu.
11, 12. Paaitaura nevaJudha vekuRoma, Pauro akaedza sei kubvisa pfungwa dzakaipa dzavangave vaimufungira?
11 Pauro akati: “Varume, hama, kunyange ndisina kuita chinhu chinopesana nevanhu kana chinopesana netsika dzemadzitateguru edu, ndakasungwa kuJerusarema ndikaiswa mumaoko evaRoma. Uye pashure pekunge vandibvunzurudza, vaida kundisunungura, nekuti pakanga pasina chikonzero chekuti ndiurayiwe. Asi vaJudha pavakaramba kuti ndisunungurwe, ndaitofanira kukwidza nyaya yacho kuna Kesari, asi kwete nekuti ndaiva nechimwe chinhu chekupomera rudzi rwangu.”—Mab. 28:17-19.
12 Pauro ari kutaura nevaJudha achivati “hama,” kuitira kuti atangise nyaya yake zvisingamutsi nharo uye adzime zvakaipa zvese zvavangave vachimufungira. (1 VaK. 9:20) Ari kubvawo abuda pachena kuti haana kuuya ikoko kuzopa vaJudha mhosva, asi kuti akakwidza nyaya kuna Kesari. Asi vaJudha ivavo vakanga vachitova murima nezvekuti Pauro ane nyaya yaakanga akwidza. (Mab. 28:21) Nei vaJudha vekuJudhiya vasina kusvitsa mashoko kuRoma? Rimwe bhuku rinoti: “Ngarava yakauya naPauro inogona kunge yaitova yekutanga kusvika kuItari pashure pemwaka wechando, saka vanhu vaimiririra vakuru vakuru vevaJudha vekuJerusarema vanogona kunge vakanga vasati vasvika, kana kuti tsamba yaigona kunge isati yasvika.”
13, 14. Pauro akapinza sei nyaya yeUmambo, uye tingamutevedzera sei?
13 Pauro anobva apinza nyaya yeUmambo achishandisa mashoko aizoita kuti vaJudha vakanga vauya kwaari vade kunzwa zvakawanda. Akati: “Izvi ndizvo zvaita kuti ndikumbire kukuonai ndotaura nemi, nekuti ndakasungwa necheni idzi nekuda kwetariro yaIsraeri.” (Mab. 28:20) Tariro iyoyo tinoziva kuti yaisagona kuzadziswa pasina Mesiya neUmambo hwake, izvo zvinoziviswa neungano yechiKristu. Vakuru vevaJudha vakapindura vachiti: “Tinofunga kuti zvakanaka kuti tinzwe uchitaura wega zvaunofunga, nekuti chokwadi ndechekuti tinoziva kuti kapoka aka kanoshorwa kwese kwese.”—Mab. 28:22.
14 Patinenge tawana mukana wekuparidza mashoko akanaka, tinofanira kushandisa mashoko kana mibvunzo inoita kuti vanhu vade kunzwa zvakawanda. Mamwe mabhuku anogona kutibatsira kuita izvozvo ndiKukurukurirana Tichishandisa Magwaro, Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, uye Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa. Uri kushandisa zvakanaka mabhuku aya anobatsira pakudzidzisa here?
Tingatevedzera Sei Pauro Pakupa “Uchapupu Hwakasimba”? (Mabasa 28:23-29)
15. Tingatevedzera sei Pauro patinenge tichipa uchapupu?
15 Saka pazuva ravakanga varonga, vaJudha “vakauya vatowanda” kumba kwaigara Pauro. Akavatsanangurira “kubvira mangwanani kusvikira manheru . . . achivapa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari.” (Mab. 28:23) Pane zvinhu zvina zvatinodzidza pamaparidziro akaita Pauro. Chekutanga, akaisa pfungwa dzevateereri vake paUmambo hwaMwari. Chechipiri, akaedza kuita kuti vanhu vaaitaura navo vamuteerere achiita zvekunyengetedza. Chechitatu, akavabatsira kufunga achishandisa Magwaro. Chechina, akaratidza kuti akanga akazvipira, achipupurira “kubvira mangwanani kusvikira manheru.” Izvi zvidzidzo zvakazonaka zvatinogona kutevedzera! Saka ndezvipi zvakabuda mukuparidza kwake? “Vamwe vakatanga kutenda,” asi vamwe havana. Sezvakanyorwa naRuka, vanhu vakatanga kuitirana nharo, uye “vakatanga kuenda.”—Mab. 28:24, 25a.
16-18. Nei Pauro asina kushamiswa nekuramba kwakaita vaJudha vaiva muRoma shoko reUmambo, uye tinofanira kuita sei kana vanhu vakaramba kuparidzirwa?
16 Zvavakaita izvi hazvina kumboshamisa Pauro, nekuti zvainyatsoenderana neuprofita hweBhaibheri hwaainyatsoziva. (Mab. 13:42-47; 18:5, 6; 19:8, 9) Saka akaudza vanhu ava vakanga varamba kuteerera kuti: “Mweya mutsvene wakareva pawakataura kumadzitateguru enyu uchishandisa muprofita Isaya uchiti, ‘Enda kuvanhu ava unoti: “Kunzwa muchanzwa, asi hamuzombonzwisisi, uye kutarisa muchatarisa, asi hamuzombooni. Nekuti mwoyo yevanhu ava haichateereri.”’” (Mab. 28:25b-27) Shoko racho rakashandurwa kuti “haichateereri” rinopa pfungwa yekuti mwoyo yavo yakanga yaomarara kana kuti yazara mafuta zvekuti shoko reUmambo rakanga risisapindi. Vanonzwisa tsitsi zvechokwadi!
17 ‘Mamwe marudzi aitozoteerera’ ruponeso rwaiparidzwa naPauro rwakarambwa nevaJudha ivavo. (Mab. 28:28; Pis. 67:2; Isa. 11:10) Muapostora Pauro akataura mashoko aya nechivimbo nekuti akanga aona ega vanhu vemamwe marudzi vachigamuchira shoko reUmambo!—Mab. 13:48; 14:27.
18 Isuwo hatifaniri kuona sekuti ndisu tarambwa kana vanhu vakaramba mashoko akanaka. Handizvo here kuti tagara tichiziva kuti vashomanana ndivo vachapinda mumugwagwa unoenda kuupenyu? (Mat. 7:13, 14) Asi kana vaya vanoda havo upenyu husingaperi vakatsigira kunamata kwakachena ngatifarei, tovatambira nemaoko maviri.—Ruka 15:7.
Mabasa 28:30, 31)
‘Kuparidza Umambo hwaMwari’ (19. Pauro akashandisa sei zvakanaka nguva yake yaakanga ari muusungwa?
19 Ruka anopedzisa nyaya yake nemashoko anokurudzira ekuti: “[Pauro] akagara ipapo kwemakore maviri akazara ari mumba yake ega yaibhadharwa, uye aigamuchira zvakanaka vese vaimushanyira, achivaparidzira Umambo hwaMwari uye achivadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu, achitaura akasununguka, pasina anomurambidza.” (Mab. 28:30, 31) Tinodzidza zvakawanda pakushingaira kwake, kutenda kwake uye kutambira vanhu zvakanaka!
20, 21. Ndivanaani vamwe vakabatsirwa neushumiri hwaPauro ari muRoma?
20 Mumwe wevanhu vakatambirwa zvakanaka naPauro ndiOnisimo, aibva kuKorose, ari muranda aitiza tenzi wake. Pauro akabatsira Onisimo kuva muKristu, Onisimo wachowo akazova ‘hama yaPauro yakatendeka uye inodiwa.’ Pauro akatotaura nezvake achimuti “mwana wangu wandakava baba vake.” (VaK. 4:9; Fir. 10-12) Onisimo anofanira kunge aiva munhu aikurudzira Pauro zvikuru! a
21 Pane vamwewo vakabatsirwa nezvaiitwa naPauro. Akanyorera vaFiripi kuti: “Zviri kuitika kwandiri zvatozoita kuti mashoko akanaka afambire mberi, zvekuti kusungwa kwangu nekuda kwaKristu kwava kuzivikanwa neVarindi veMuzinda waMambo vese nevamwe vanhu vese. Hama dzakawanda munaShe dzava nechivimbo pamusana pekusungwa kwandakaitwa, uye dzava kutonyanya kuratidza ushingi pakutaura shoko raMwari dzisingatyi.”—VaF. 1:12-14.
22. Pauro akashandisa sei nguva yaakanga akasungwa muRoma?
22 Pauro akashandisa nguva yaakanga asingakwanisi kufamba ari muRoma kunyora tsamba dzinokosha dzatova mabhuku eBhaibheri. b Tsamba idzodzo dzakabatsira vaKristu vekutanga vaaidzinyorera. Isuwo tinobatsirwa netsamba dzaPauro nekuti mazano ari madziri akafemerwa anotoshanda kwatiri mazuva ano.—2 Tim. 3:16, 17.
23, 24. VaKristu mazuva ano vari kutevedzera sei Pauro pakuramba vachifara pasinei nekusungwa vasina mhosva?
23 Kunyange zvazvo zvisingataurwi muna Mabasa, Pauro akazosunungurwa pashure pemakore mana ari muusungwa, maviri ari kuKesariya uye maviri muRoma. c (Mab. 23:35; 24:27) Asi akaramba achifara, achiita zvese zvaaigona mubasa raMwari. Ndizvo zvinoitwawo nevashumiri vaJehovha mazuva ano, kuramba vachifara uye vachiparidza kunyange zvazvo vakasungwa vasina mhosva yavapara. Funga nezvaAdolfo, akaiswa mujeri kuSpain pamusana pekusapindira mune zvematongerwo enyika. Mumwe mukuru wemagadhijeri akati: “Unotishamisa chaizvo. Tanga tichikuomesera zvisingaiti, asi pataitonyanya kudaro ndipo pawaitowedzera kunyemwerera uye kutaura nesu zvakanaka.”
24 Adolfo akapedzisira ava kuvimbwa naye zvekuti dhoo remaakanga ari mujeri raisiyiwa rakavhurika. Masoja aimushanyira kuti amubvunze nezveBhaibheri. Mumwe wevarindi aitopinda maaigara kuti averenge Bhaibheri, Adolfo achitomira padhoo kuti atarise kana paine ari kuuya. Saka musungwa ndiye akanga ava kutoita seari kuchengetedza murindi! Ngatitevedzerei Zvapupu zvakadaro zvakatendeka pakuratidza ‘ushingi hwekutaura shoko raMwari tisingatyi’ kunyange pazvinenge zvakaoma.
25, 26. Pauro akaona uprofita hupi hunoshamisa huchizadziswa pasati patombosvika makore 30, uye izvi zvakafanana papi nezviri kuitika mazuva ano?
25 Zvinofadza sei kuti bhuku raMabasa rinopedzisa richitaura nezvemuapostora waKristu ari kugara mumba semusungwa ‘achiparidzira Umambo hwaMwari’ kuvanhu vese vaimushanyira! Muchitsauko chekutanga, takaverenga nezvemashoko aJesu achipa vateveri vake basa achiti: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Iye zvino pasati papera makore 30, mashoko eUmambo akanga “aparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.” d (VaK. 1:23) Mweya mutsvene une simba zvechokwadi!—Zek. 4:6.
26 Mweya mutsvene iwoyo uchiri kupa hama dzaKristu dzichiri pasi pano, pamwe chete neshamwari dzavo ‘dzemamwe makwai,’ simba rekuti varambe vachipa “uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari” munyika dzinopfuura 240! (Joh. 10:16; Mab. 28:23) Uri kuitawo basa iroro zvizere here?
a Pauro aida kuti Onisimo arambe achigara naye, asi izvi zvaizotyora mutemo weRoma uye kodzero dzatenzi wake, mumwe muKristu ainzi Firimoni. Saka Onisimo akadzokera kuna Firimoni, uye akaenda netsamba yakanyorwa naPauro yaikurudzira Firimoni kuti atambire muranda wake zvakanaka, sehama yechiKristu.—Fir 13-19.
b Ona bhokisi rakanzi “ Tsamba Shanu Dzakanyorwa naPauro Pausungwa Hwake Hwekutanga muRoma”.
c Ona bhokisi rakanzi “ Upenyu hwaPauro Pashure pa61 C.E.”.
d Ona bhokisi rakanzi “ Mashoko Akanaka ‘Akaparidzirwa Zvisikwa Zvese.’”