CHITSAUKO 24
“Usatya!”
VaJudha vanorangana kuuraya Pauro, uye Pauro anonomiswa pamberi paFerikisi
1, 2. Nei Pauro asiri kushamiswa nekutambudzwa kwaari kuitwa muJerusarema?
PAURO ari muusungwa zvekare muJerusarema pashure pekununurwa mumaoko emhomho yanga ichida kumuita kanyama-kanyama. Zviri kuitika kwaari muJerusarema hazvisi kumushamisa. Akaudzwa kuti atarisire “jeri nematambudziko” muguta iri. (Mab. 20:22, 23) Uye kunyange zvake asiri kunyatsoziva kuti zvichamumirira sei, Pauro anoziva kuti acharamba achitambura nekuda kwezita raJesu.—Mab. 9:16.
2 Kunyange vaprofita vechiKristu vakamuudza kuti aizosungwa oiswa “mumaoko evanhu vemamwe marudzi.” (Mab. 21:4, 10, 11) Munguva pfupi yapfuura, vaJudha vakaedza kumuuraya, uye pashure pacho, Sanihedrini yakaita seichamuita “kanyama kanyama” ichiitirana nharo nezvake. Iye zvino ari muusungwa mumaoko emasoja eRoma achitarisana nekutongwa zvekare uye kupomerwa dzimwe mhosva. (Mab. 21:31; 23:10) Zvechokwadi, muapostora Pauro anoda kukurudzirwa!
3. Tinokurudzirwa sei kuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza?
3 Mumazuva ano ekupedzisira, tinoziva kuti “vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Tim. 3:12) Nesuwo tinomboda kukurudzirwa kuti tirambe tichiita basa redu rekuparidza. Tinotenda zvikuru mashoko anouya panguva yakakodzera uye anosimbisa atinowana mumabhuku uye pamisangano inorongwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’! (Mat. 24:45) Jehovha akativimbisa kuti hapana vavengi vemashoko akanaka vachabudirira. Havakwanisi kuparadza vashumiri vake vese kana kumisa basa ravo rekuparidza. (Isa. 54:17; Jer. 1:19) Ko muapostora Pauro akakurudzirwa here kuti arambe achipa uchapupu hwakasimba pasinei nekupikiswa? Kana zvakadaro, akakurudzirwa sei, uye akaita sei paakakurudzirwa?
‘Zvavakanga Varangana Vachisimbisa Nemhiko’ Zvakashayiswa Basa (Mabasa 23:11-34)
4, 5. Pauro akakurudzirwa sei, uye nei tingati panguva yazvakaitika ndipo paainyatsoda kukurudzirwa?
4 Paakanunurwa mumaoko eSanihedrini, Pauro akakurudzirwa chaizvo usiku hwakatevera. Nyaya yacho yakafemerwa inoti: “Ishe akamira pedyo naye, akati: ‘Usatya! Nekuti unofanirawo kupa uchapupu hwakasimba nezvangu kuRoma sezvawanga uchiita muJerusarema.’” (Mab. 23:11) Mashoko iwayo anokurudzira akataurwa naJesu akaita kuti Pauro azive kuti achanunurwa. Akabva aziva kuti aizosvika kuRoma ari mupenyu ova nemukana wekupupurira nezvaJesu ikoko.
5 Pauro akaudzwa mashoko aya panguva yaainyatsoda kukurudzirwa. Mangwana acho, varume vechiJudha vanopfuura 40 “vakarangana, vakaita mhiko yekuti vatukwe kana vakadya kana kunwa vasati vauraya Pauro.” Kusimbisa zvavakanga varangana nemhiko kunonyatsoratidza kuti vaJudha ivavo vaida kuti Pauro aurayiwe chero zvodini. Kana vakakundikana kuita zvavakanga varonga vaitoti vainge vava vanhu vakatukwa, kana kuti zvinhu zvakaipa zvaizoitika kwavari. (Mab. 23:12-15) Vakanga vabvumirana nevatungamiriri vevapristi nevakuru kuti vadzose Pauro kuSanihedrini kuti vazomubvunzisisa, sekunge kuti vari kuda kunyatsoongorora nyaya yake. Asi vaida kuti vamuhwandire asati ambosvika, vobva vamuuraya.
6. Zano rekuuraya Pauro rakafumurwa sei, uye vechidiki vangatevedzera sei jaya riri kutaurwa munyaya iyi?
6 Zvakazoitika ndezvekuti muzukuru waPauro akanzwa nezvazvo achibva audza Pauro. Pauro akabva aita kuti mukomana wacho audze mutungamiriri weuto reRoma Kraudhiyo Risiyasi. (Mab. 23:16-22) Jehovha anofanira kunge achifadzwa chaizvo nevechidiki vakaita semuzukuru waPauro, uyo asina kutaurwa nezita, vanoratidza ushingi pakudzivirira vanhu vaMwari vachitozviisa pangozi, uye vanoita zvese zvavanogona kuti vatsigire basa reUmambo.
7, 8. Kraudhiyo Risiyasi akaita urongwa hupi kuti anunure Pauro?
7 Paakangonzwa zvakanga zvarongwa nevaJudha, Kraudhiyo Risiyasi, uyo aiva nevarume 1 000, akaronga kuti masoja 470 aiva nemapfumo nemabhiza abude muJerusarema usiku ihwohwo oendesa Pauro kuKesariya. Aifanira kuendeswa kuna Gavhuna Ferikisi kana asvika ikoko. a Kunyange zvazvo Kesariya, iro raiva guta guru reRoma munharaunda yeJudhiya, rakanga riine vaJudha vakati wandei, vagari vazhinji vemo vakanga vasiri vaJudha. Kudzikama kwakanga kwakaita zvinhu muguta iri kwakanga kwakasiyana zvachose nezvakanga zvakaita kuJerusarema uko kwaiwanzonetsana vanhu nenyaya dzechitendero zvichimutsa mhirizhonga. Kesariya ndiwo waivawo muzinda weuto reRoma muJudhiya.
8 Risiyasi akatevedzera mutemo weRoma, ndokutumira tsamba kuna Ferikisi achitsanangura nyaya yaPauro. Risiyasi akataura mutsamba yacho kuti paakaona kuti Pauro aiva chizvarwa cheRoma, akamununura vaJudha vava “kuda kumuuraya.” Risiyasi akataura kuti Pauro akanga asina mhosva yakakodzera kuti “aurayiwe kana kuti asungwe,” asi sezvo akaona kuti vaJudha vakanga varangana kumuuraya, akanga ava kumutumira kuna Ferikisi kuitira kuti gavhuna anzwe nyaya yacho uye ape mutongo wake.—Mab. 23:25-30.
9. (a) Kodzero dzaPauro sechizvarwa cheRoma dzakatyorwa sei? (b) Chii chinogona kuita kuti tishandise kodzero dzedu dzepamutemo munyika dzatinenge tichigara?
9 Risiyasi akataura zvechokwadi here mutsamba yake? Zvimwe zvacho hazvisi. Kunenge kuti aida kutsvaga dzvene kuna gavhuna. Nyaya yekuti Pauro aiva chizvarwa cheRoma handiyo yakaita kuti amununure. Haanawo kutaura kuti akanga amboita kuti Pauro “asungwe necheni mbiri” uye kuti akanga audza masoja kuti vamubvunzurudze “achiita zvekurohwa.” (Mab. 21:30-34; 22:24-29) Risiyasi akanga atyora kodzero dzaPauro sechizvarwa cheRoma. Mazuva ano, Satani anoshandisa vanhu vanonyanya kushingairira zvitendero zvavo kuti vatidenhere vanhu vanotitambudza, uye tinogona kuona kodzero dzedu dzava kutyorwa. Asi vanhu vaMwari vanongoita zvakaitwa naPauro, kushandisa kodzero dzavo sevanhu vemunyika, voshandisa mitemo inenge iripo kuzvidzivirira.
“Ndinofara Kutaura Ndichizvidavirira Panyaya Yandiri Kupomerwa” (Mabasa 23:35–24:21)
10. Inyaya dzipi dzaipomerwa Pauro dzaigona kuita kuti atongerwe pakuru?
10 KuKesariya, Pauro ‘akachengetedzwa mumuzinda waHerodhi’ achimirira kuti vaimupomera vasvike vachibva kuJerusarema. (Mab. 23:35) Vakazosvika papfuura mazuva mashanu. Kwakauya mupristi mukuru Ananiyasi, gweta rainzi Teturo, nevamwe vakuru vakati wandei. Teturo akatanga nekurumbidza Ferikisi achimutenda nezvaaitira vaJudha, uku kuri kuda kutsvaga dzvene kuti afarirwe. b Akabva azopinza nyaya yake mudariro achitaura nezvaPauro, achiti: “Murume uyu anetsa uye ari kufurira vanhu vechiJudha kupandukira hurumende munyika yese, uye ari kutungamirira kamwe kapoka kevaNazareta. Akaedzawo kusvibisa temberi, saka takamubata.” Vamwe vaJudha “vakabva vapindirawo mukupomera kwacho, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.” (Mab. 24:5, 6, 9) Kufurira vanhu kuti vapandukire hurumende, kutungamirira kamwe kapoka kechitendero kakaipa, uye kusvibisa temberi; zvese izvi zvaaipomerwa zvaigona kuita kuti munhu atongerwe rufu.
11, 12. Pauro akaramba sei zvaaipomerwa?
11 Pauro akazonzi achitaurawo. Akatanga nekuti: “Ndinofara kutaura ndichizvidavirira panyaya yandiri kupomerwa.” Akaramba zvachose nyaya dzavaimupomera. Akati akanga asina kusvibisa temberi uye akanga asina kumboedza kufurira vanhu kuti vapandukire hurumende. Akataura kuti akanga atova ‘nemakore akawanda’ asiri muJerusarema uye kuti akazouya achiunza “zvipo zvekubatsira varombo,” kuvaKristu vangangodaro vaitambura pamusana penzara kana kutambudzwa nevanhu. Pauro akaramba achidzokorora kuti akanga “akachena maererano neMutemo” asati apinda mutemberi uye kuti aiedza “nguva dzese kuva nehana yakachena pamberi paMwari nevanhu.”—Mab. 24:10-13, 16-18.
12 Pauro akabvuma kuti aiitira Mwari wemadzibaba ake basa dzvene “nenzira iyi yavanoti kapoka.” Akaramba achiti aitenda “zvinhu zvese zvakanyorwa muMutemo nezvakanyorwa neVaprofita.” Akatoti aiva netariro yaivawo nevanhu vaimupomera yekuti “kuchava nekumuka kwevakarurama nevasina kururama.” Akabva ati vaimupomera vacho vataure uchapupu hwezvavaimupomera achiti: “Varume vari pano ngavataure vega kana paine chakaipa chavakawana pandakamira pamberi peSanihedrini, kunze kwechinhu chimwe chete chandakashevedzera ndakamira pakati pavo ndichiti: ‘Nhasi ndiri kutongwa pamberi penyu pamusoro pekumuka kwevakafa!’”—Mab. 24:14, 15, 20, 21.
13-15. Tinogona kudzidzei pana Pauro nezvekupa uchapupu pamberi pematare?
13 Zvakaitwa naPauro zvakakodzera kuti tizvitevedzere patinomiswa pamberi pematare pamusoro pekunamata kwedu tichipomerwa kuti tinofurira vanhu kuti vapanduke, kana kuti chechi yedu inokanganisa magariro evanhu. Pauro haana kutsvaga kubata gavhuna kumeso nekutaura mashoko ekumurumbidza sezvakaitwa naTeturo. Pauro akaramba akadzikama uye achiremekedza. Akataura nekungwarira, achipa uchapupu hwakajeka uye hwechokwadi. Pauro akataura kuti “vaJudha vaibva kunharaunda yeEzhiya” vakanga vamupomera kuti aisvibisa temberi vakanga vasipo uye kuti maererano nemutemo, vaifanira kumupomera varipo vachionana.—Mab. 24:18, 19.
14 Uye chinokosha kupfuura zvese ndechekuti Pauro haana kurega kupa uchapupu hwezvaaitenda. Akadzokorora nyaya yekutenda kwake murumuko, inova ndiyo yakanga yamutsa mheremhere paakanga ari pamberi peSanihedrini. (Mab. 23:6-10) Pauro akashandisa tariro yake yerumuko pakuratidza kuti haana mhosva. Nei akadaro? Nekuti akanga achipupurira nezvaJesu uye kumuka kwake kubva kuvakafa, zvinova ndizvo zvairambwa nevanhu vaimupikisa. (Mab. 26:6-8, 22, 23) Nyaya yese yaaipomerwa yaibva pakutenda kuti Jesu akafa akamutswa.
15 Tinogona kupupurawo neushingi sezvakaitwa naPauro, tichiwana simba pamashoko akataurwa naJesu kuvadzidzi vake, paakati: “Muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu. Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.” Tinofanira kuzvinetsa nezvekuti tichataurei here? Kwete. Nekuti Jesu akavimbisa kuti: “Pavanenge vachikuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pekuti muchataurei; asi taurai zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nekuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mweya mutsvene ndiwo unenge uchitaura.”—Mako 13:9-13.
“Ferikisi Akatya” (Mabasa 24:22-27)
16, 17. (a) Ferikisi akatonga sei Pauro? (b) Chii chingadaro chakaita kuti Ferikisi atye, asi akarambirei achida kuonana naPauro?
16 Aka handiko kekutanga kuti Gavhuna Ferikisi anzwe zvinhu zvinotendwa nevaKristu. Nyaya yacho inoti: “Sezvo Ferikisi ainyatsoziva zvese nezveNzira iyi [kureva chiKristu semadanirwo achaiitwa panguva iyoyo], akambovamisa achiti: ‘Kana Risiyasi mutungamiriri weuto auya, ndichazopa mutongo panyaya yenyu.’ Uye akaudza mukuru weuto kuti murume wacho achengetwe muusungwa asi achibvumirwa kuita zvimwe zvinhu, uye kuti abvumirwe kuitirwa zvaanenge achida nevanhu vake.”—Mab. 24:22, 23.
17 Pashure pemazuva mashomanana, Ferikisi nemudzimai wake Drusira, uyo aiva muJudha, akashevedza Pauro “kuti amuteerere achitaura nezvekutenda muna Kristu Jesu.” (Mab. 24:24) Asi Pauro paakazotaura “nezvekururama nekuzvidzora uye kutongwa kuchauya, Ferikisi akatya,” pamwe nekuti hana yake yaimunetsa semunhu aiva nemararamiro akaipa. Saka akabva ati: “Iye zvino chimboenda hako, ndozokushevedzazve kana ndawana mumwe mukana.” Ferikisi akazoonanazve naPauro kanoverengeka, kwete nekuti aida kudzidza chokwadi, asi nekuti aitarisira kuti Pauro amupe chiokomuhomwe.—Mab. 24:25, 26.
18. Nei Pauro akataura naFerikisi nemudzimai wake “nezvekururama nekuzvidzora uye kutongwa kuchauya”?
18 Nei Pauro akataura naFerikisi nemudzimai wake “nezvekururama nekuzvidzora uye kutongwa kuchauya”? Yeuka kuti vaida kuziva kuti “kutenda muna Kristu Jesu” kwairevei. Pauro aiziva kuti vaiva vanhu vasingazvibati, vaiva neutsinye uye vakanga vasingatongi vanhu zvakarurama, saka aida kuti vanyatsojekerwa kuti kuva muteveri waJesu kunorevei. Zvakataurwa naPauro zvakanyatsoratidza kuti mararamiro aFerikisi nemudzimai wake akanga akasiyana zvakadii nemitemo yaMwari yezvinonzi zvakarurama. Izvi zvaifanira kuvabatsira kuona kuti vanhu vese vachazvidavirira kuna Mwari pamusoro pezvavanofunga, zvavanotaura uye zvavanoita, uye kuti mutongo waizopiwa Pauro wakanga usingakoshi kana uchienzaniswa newavaizopiwa naMwari. Ndosaka Ferikisi “akatya”!
19, 20. (a) Muushumiri hwedu, tinofanira kuita sei nevanhu vanoita sevari kufarira chokwadi asi ivo vaine zvavari kutsvaga zvavo? (b) Tinoziva sei kuti Ferikisi akanga asiri shamwari yaPauro?
19 Muushumiri hwedu tinogona kuwana vanhu vakaita saFerikisi. Vanogona kutanga vachiita sevari kufarira chokwadi asi ivo vaine zvavari kuda kuwana zvavo. Tinofanira kugara takangwarira vanhu vakadaro. Asi tinofanira kuvaudza mitemo yaMwari yakarurama nekungwarira sezvakaitwa naPauro. Pamwe chokwadi chacho chinogona kuzovabaya mwoyo. Asi patinoona kuti zviri pachena kuti havasi kuda kusiya mararamiro avo akaipa, tinovasiya totsvaga vaya vanenge vachinyatsoda kuziva chokwadi.
20 Ferikisi anozonyatsooneka paiva nemwoyo wake mumashoko aya: “Pakapfuura makore maviri, Ferikisi akatsiviwa naPokiyo Festo; uye sezvo Ferikisi aida kufarirwa nevaJudha, akasiya Pauro akasungwa.” (Mab 24:27) Ferikisi akanga asiri shamwari yechokwadi kuna Pauro. Ferikisi aiziva kuti vateveri ‘veNzira Iyi’ vakanga vasingapandukire hurumende kana kuedza kuchinja utongi huripo. (Mab. 19:23) Aizivawo kuti Pauro akanga asina mutemo weRoma waakanga atyora. Asi Ferikisi akamusiya akasungwa achida “kufarirwa nevaJudha.”
21. Chii chakaitika kuna Pauro kubvira pakatanga kutonga Pokiyo Festo, uye anofanira kunge akaramba achisimbiswa nei?
21 Vhesi yekupedzisira yechitsauko 24 chaMabasa, inoratidza kuti Pauro akanga achiri musungwa Ferikisi paakatsiviwa naPokiyo Festo pakuva gavhuna. Uye Pauro akazotongwa nevatongi vakasiyana-siyana, mumwe pashure pemumwe. Zvechokwadi muapostora uyu akashinga akamiswa “pamberi pemadzimambo nemagavhuna.” (Ruka 21:12) Tichaona kuti akatozomira pamberi pemutongi mukuru kupfuura vamwe vese vepanguva iyoyo. Pese ipapo, Pauro haana kumbozununguka pakutenda kwake. Anofanira kunge akaramba achiwana simba pane zvakataurwa naJesu paakati: “Usatya!”
a Ona bhokisi rakanzi “ Ferikisi, Gavhuna weJudhiya”.
b Teturo akatenda Ferikisi achiti aiita kuti vanhu ‘vanyatsogara murunyararo.’ Asi chokwadi ndechekuti tichitoenzanisa nevamwe vatongi vakambotonga Judhiya, panguva yaFerikisi pakanga pasina runyararo zvachose kusvikira panguva yakazopandukirwa Roma. Uye paaitaura kuti vaJudha ‘vaitenda zvikuru’ zvinhu zvakanga zvachinjwa naFerikisi, akanga asingatauri chokwadi. Chokwadi ndechekuti Ferikisi aitovengwa nevaJudha pamusana pekuvaomesera kwaaiita uye utsinye hwaaiitira vanhu vanenge vaonekwa kuti vari kupandukira hurumende.—Mab. 24:2, 3.