CHITSAUKO 6
“Stefani Akanga Azere Nenyasha dzaMwari Nesimba”
Zvatinodzidza paushingi hwakaratidzwa naStefani achipupura pamberi peSanihedrini
1-3. (a) Stefani akatarisana nemamiriro ezvinhu api anotyisa, uye ari kunzwa sei? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?
STEFANI akamira pamberi pedare. Zimba racho pacharo, iro rinofanira kunge riri pedyo netemberi muJerusarema, riri kutyisa uye varume 71 vakagara vakamupoteredza. Dare iri, iro rinonzi Sanihedrini, raungana kuti ritonge Stefani. Vatongi vacho varume vakakurumbira, vane simba, uye vakawanda vavo havatombooni kuti chii chinonzi mudzidzi waJesu. Munhu atounganidza dare racho, Mupristi Mukuru Kayafasi, ndiye aitungamirira pakatongerwa Jesu Kristu rufu neSanihedrini mwedzi mishomanana yapfuura. Stefani ari kuvadedera here?
2 Iye zvino chiso chaStefani chiri kushamisa pavakachitarisa. Vatongi vari kuona chiso chake “chakaita sechengirozi.” (Mab. 6:15) Ngirozi ndidzo dzinoendesa mashoko anobva kuna Jehovha Mwari, saka dzinogara dzakadzikama uye dzisingatyi. Stefani ndizvo zvaariwo, zvekuti kunyange vavengi vake vari kuzviona. Sei akadzikama kudaro?
3 VaKristu vemazuva ano vanogona kudzidza zvakawanda pamhinduro yemubvunzo iwoyo. Tinoda kuzivawo kuti Stefani aparei kuti azosvika paari iye zvino. Akanga ambotaura sei achitsigira kutenda kwake munguva yakapfuura? Uye tingamutevedzera sei?
“Vakakusvudzira Vanhu” (Mabasa 6:8-15)
4, 5. (a) Chii chinoratidza kuti Stefani aikosha kuungano? (b) Zvinorevei kuti Stefani akanga “azere nenyasha dzaMwari nesimba”?
4 Takatodzidza kuti Stefani aiva mudzidzi aikosha zvakadini kuungano yechiKristu yakanga ichangotanga. Muchitsauko chakapfuura, takaona kuti aiva pakati pevarume vanomwe vaizvininipisa vakabatsira vaapostora pabasa rekupa vanhu ruyamuro. Patinoona kuti murume uyu aiva nezvipo zvakawanda zvakadini, tinoona kuti murume uyu aizvininipisa. Pana Mabasa 6:8, tinoverenga kuti akapiwa simba rekuita “zvishamiso nezviratidzo,” sezvakaitwa vamwe vaapostora. Tinoudzwawo kuti akanga “azere nenyasha dzaMwari nesimba.” Zvinorevei izvozvo?
5 Stefani anofanira kunge aiva munhu aitaura uye aibata vanhu zvakanaka, zvine unyoro, uye nenyasha. Aitaura nevanhu nenzira inoita kuti vade kuteerera, vachinyatsoona kuti ari kutaura nemwoyo wese uye kuti chokwadi chaari kutaura chinovabatsira. Akanga azere nesimba nekuti mweya waJehovha waishanda maari, sezvo aibvuma kutungamirirwa nawo achizvininipisa. Panzvimbo pekuzvikudza nezvipo zvake uye kugona kwaaiita kuita zvinhu, akaita kuti kurumbidzwa kwese kuende kuna Jehovha uye akaratidza kuti aida vanhu vaaitaura navo uye aitsvaga zvaivabatsira. Neunyanzvi hwese hwaaiva nahwo, hazvishamisi kuti vanhu vaimupikisa vaimutya zvechokwadi!
6-8. (a) Vaipikisa Stefani vaimupomera mhosva dzipi? (b) Nei tingati muenzaniso waStefani unobatsira vaKristu mazuva ano?
6 Varume vakasiyana-siyana vakauya kuzoitisana nharo naStefani, asi “vakatadza kumukunda pamusana peuchenjeri nemweya zvaiva paari paaitaura.” a Pavakaona vamutadza, “vakabva vafurira vanhu pachivande” kuti vapomere murume uyu asina mhosva. “Vakakusvudzira vanhu,” varume vakuru nevanyori, kuti vabate Stefani vamuzvuzvurudzire pamberi peSanihedrini. (Mab. 6:9-12) Vaimupikisa vakamupomera kuti akanga achimhura Mwari pamwe chete naMozisi. Aimhura sei?
7 Vapomeri vaStefani vakamuti aimhura Mwari pakuti akazvidza ‘nzvimbo tsvene,’ kureva temberi yaiva muJerusarema. (Mab. 6:13) Vakati aimhura Mozisi pakuti aishora Mutemo waMozisi, achichinja tsika dzakanga dzapfuudzwa kwavari naMozisi. Nyaya dzavaimupomera dzakanga dzisiri dzekutamba nadzo nekuti vaJudha vaikoshesa temberi pamwe chete neMutemo waMozisi uye tsika dzakawanda dzaiita zvekutaurwa dzavakanga vawedzera paMutemo wacho. Saka zvavaimupomera zvaireva kuti Stefani aiva munhu akaipa, aikodzera kuurayiwa!
8 Chinorwadza ndechekuti kunyange mazuva ano vanhu vezvitendero vanowanzoshandisa nzira iyi kutambudza vashumiri vaMwari. Zvitendero zvinowanzofurira vatungamiriri vehurumende kuti vatambudze Zvapupu zvaJehovha. Tinofanira kuita sei pavanotaura mashoko nepasipo nezvedu kana kuti pavanotipomera zvenhema? Tinogona kudzidza zvakawanda pana Stefani.
Kupupura Neushingi ‘nezvaMwari Wekubwinya’ (Mabasa 7:1-53)
9, 10. Vamwe vanowanzoshora zvakataurwa naStefani pamberi peSanihedrini vachitii, asi tinofanira kuyeukei?
9 Sezvambotaurwa patangira chitsauko chino, chiso chaStefani chakanga chakadzikama sechengirozi, paakanga achiudzwa nyaya dzaaipomerwa. Iye zvino Kayafasi akatendeukira kwaari akati: “Ichokwadi here ichi?” (Mab. 7:1) Yakanga yava nguva yekuti Stefani ataure. Uye mashoko ake aiva nesimba!
10 Vamwe vanoshora zvakataurwa naStefani vachiti akawanza mashoko asi haana kupindura zvaaipomerwa. Asi chokwadi ndechekuti zvakaitwa naStefani zvakakodzera kuti tizvitevedzere patinenge tichipindura vanhu vanenge vachishora mashoko akanaka. (1 Pet. 3:15) Yeuka kuti Stefani aipomerwa kuti aimhura Mwari nekutaura zvakaipa nezvetemberi uye kuti aimhura Mozisi nekutaura zvaipesana neMutemo. Stefani anopfupikisa nhoroondo yevaIsraeri achisimbisa zvimwe zviitiko, achitangira panguva yemadzitateguru avo, ozoenda panguva yaMozisi, ozopedzisira nenguva yapakanga pava netebhenekeri uye temberi. Ngatikurukurei nezveimwe neimwe yenguva idzi.
11, 12. (a) Stefani akashandisa sei zvakaitika kuna Abrahamu pakudzidzisa vanhu? (b) Nei Stefani akataura nezvaJosefa?
11 Nguva yemadzitateguru evaIsraeri. (Mab. 7:1-16) Stefani akatanga nekutaura nezvaAbrahamu, uyo airemekedzwa nevaJudha nekuda kwekutenda kwake. Aona kuti nyaya iyi ndiyo yavaibvumirana nevateereri vake, Stefani akasimbisa kuti Jehovha, “Mwari wekubwinya,” akatanga kuzviratidza kuna Abrahamu kuMesopotamiya. (Mab. 7:2) Akatotaura kuti murume uyu aiva mutorwa muNyika Yakapikirwa. Abrahamu akanga asina temberi kana Mutemo waMozisi. Saka vanhu vangazotaura sei kuti munhu haagoni kuva akatendeka kuna Mwari pasina temberi kana Mutemo waMozisi?
12 Josefa muzukuru waAbrahamu ndemumwezve airemekedzwa nevanhu vaitaurwa navo naStefani, asi Stefani akavayeuchidza kuti vakoma vaJosefa, madzitateguru evaIsraeri, vakatambudza murume iyeye akanga akarurama vakatomutengesa semuranda. Asi ndiye akazoshandiswa naMwari kununura vaIsraeri vava kufa nenzara. Stefani anofanira kunge aiziva kuti zvakasangana naJosefa muupenyu hwake zvakangofanana nezvakaitika kuna Jesu, asi haana kutaura nezvazvo achiitira kuti vateereri vake varambe vachimupa nzeve.
13. Stefani akashandisa sei nyaya yaMozisi kupindura zvaaipomerwa, uye zvakaita kuti abudise pfungwa ipi pachena?
13 Nguva yaMozisi. (Mab. 7:17-43) Stefani akataura zvakawanda nezvaMozisi, kunova kuchenjera sezvo nhengo dzakawanda dzedare reSanihedrini dzaiva vaSadhusi avo vairamba mabhuku ese eBhaibheri kunze kweaya akanyorwa naMozisi. Yeukawo kuti Stefani aipomerwa kuti akanga amhura Mozisi. Mashoko aStefani aipindura zvaaipomerwa izvozvo nekuti akanyatsoratidza kuti airemekedza Mozisi uye Mutemo. (Mab. 7:38) Akataura kuti Mozisi akarambwawo nevaya vaaiedza kuponesa. Vakamuramba paakanga aine makore 40. Pakazopfuura mamwe makore 40, vakaratidza kakawanda kuti vakanga vasingaremekedzi utungamiriri hwake. b Saka Stefani akabudisa pachena zvishoma nezvishoma pfungwa yekuti vanhu vaMwari vagara vachiita tsika yekuramba vaya vanenge vagadzwa naMwari kuti vavatungamirire.
14. Stefani akabudisa pfungwa dzipi achishandisa nyaya yaMozisi?
14 Stefani akayeuchidza vateereri vake kuti Mozisi akanga ataura kuti kwaizouya muprofita akaita saMozisi muIsraeri. Aizova ani iyeye uye vanhu vaizomugamuchira sei? Stefani akazopindura mibvunzo iyi ava kunopedzisa kutaura. Imwe pfungwa inokosha yaakabudisa ndeyekuti Jehovha anogona kuita kuti chero nzvimbo ipi zvayo ive tsvene sezvaakaita paibvira gwenzi achitaura naMozisi. Saka Jehovha anofanira kungonamatwa muchivakwa chimwe chete chakadai setemberi iri muJerusarema here? Ngationei.
15, 16. (a) Stefani akataurirei nezvetebhenekeri? (b) Stefani akashandisa temberi yaSoromoni kubudisa chokwadi chipi?
15 Tebhenekeri uye temberi. (Mab. 7:44-50) Stefani akayeuchidza dare racho kuti muJerusarema musati mava netemberi, Mwari akaita kuti Mozisi avake tebhenekeri, chivakwa chaitakurika chakaita setende chavainamatira machiri. Ndiani angati tebhenekeri yaisakosha kana ichienzaniswa netemberi, iye Mozisi akatonamatira mutebhenekeri iyoyo?
16 Soromoni akazovaka temberi muJerusarema, uye paakanga achipa munyengetero wekuikumikidza akafemerwa kuti ataure chimwe chinhu chinokosha. Stefani akachitaura achiti, “Wekumusorosoro haagari mudzimba dzakavakwa nemaoko.” (Mab. 7:48; 2 Mak. 6:18) Jehovha anogona kushandisa temberi kuzadzisa zvinangwa zvake, asi haagari imomo. Saka vanhu vanomunamata havafaniri kufunga kuti haakwanisi kunamatwa pasina chivakwa chakavakwa nemaoko evanhu. Stefani akazopedzisa nyaya iyi nekutora mashoko mubhuku raIsaya, anoti: “Denga ndiro chigaro changu cheumambo, uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Mungandivakira imba yakaita sei? anodaro Jehovha. Kana kuti nzvimbo yangu yekuzororera iri kupi? Harusi ruoko rwangu here rwakagadzira zvinhu zvese izvi?”—Mab. 7:49, 50; Isa. 66:1, 2.
17. (a) Stefani akaratidza sei kuti vanhu vaimupomera vakanga vakarasika? (b) Stefani akapindura sei zvaaipomerwa?
17 Paunonyatsoongorora zvakataurwa naStefani kuSanihedrini, haubvumi here kuti akaratidza zvine unyanzvi kuti vanhu vaimupomera vakanga vakarasika? Akaratidza kuti chinangwa chaJehovha chinofambira mberi; hachitadziswi kufambira mberi netsika dzevanhu. Vaya vaikoshesa temberi zvakapfurikidza uye vaikoshesa tsika netumitemo zvakanga zvawedzerwa paMutemo waMozisi vakanga vasisanzwisisi chinangwa chaicho chakanga chaitirwa kuti Mutemo iwoyo netemberi zvivepo! Tingatoti Stefani aitovabvunza kuti: Kana muchikoshesa Mutemo netemberi, hamufaniri kuzviratidza nekuteerera Jehovha here? Iye Stefani pachake akatoita zvinoenderana nemashoko ake, nekuti akaita zvese zvaaigona kuti ateerere Jehovha.
18. Tingatevedzera sei Stefani?
18 Tinodzidzei pamashoko aStefani? Ainyatsoziva Magwaro. Isuwo kuti tibate “shoko rechokwadi zvakarurama,” tinofanira kunyatsodzidza Shoko raMwari. (2 Tim. 2:15) Tinodzidzawo kuva nenyasha uye kungwarira pakutaura. Vanhu vaaitaura navo vaimupikisa zvinotyisa! Asi akaedza zvese zvaaigona kuti varambe vachimuteerera kuburikidza nekutaura zvinhu zvaaiziva kuti varume ivavo vairemekedza. Akataurawo navo neruremekedzo, achivadana kuti “vanababa.” (Mab. 7:2) Isuwo tinofanira kutaura chokwadi chiri muShoko raMwari “neunyoro neruremekedzo rukuru.”—1 Pet. 3:15.
19. Stefani akaudza sei dare reSanihedrini kuti raizotongwa naJehovha nezvarakanga raita?
19 Asi hatizoregi kutaurira vanhu chokwadi chiri muShoko raMwari tichitya kuzovagumbura, kana kuchinja mashoko aJehovha ekutonga kwaachaita nyika ino tichida kufadza vanhu. Stefani haana kuita izvozvo. Anofanira kunge akaona kuti uchapupu hwese hwaakanga ataura pamberi peSanihedrini hwakanga husina zvahwaita pavarume ivavo vakanga vakaoma musoro. Saka achipiwa simba nemweya mutsvene, akapedzisa mashoko ake nekuratidza kuti varume ava vakanga vasina kumbosiyana nemadzitateguru avo akanga aramba Josefa, Mozisi uye vaprofita vese. (Mab. 7:51-53) Chokwadi ndechekuti vatongi ava veSanihedrini ndivo vakanga vaponda Mesiya uyo akanga ataurwa kuti aizouya naMozisi nevaprofita vese. Vakanga vatotyora Mutemo waMozisi kupfuura zvakanga zvati zvamboitwa!
“Ishe Jesu, Gamuchirai Simba Rangu Reupenyu” (Mabasa 7:54–8:3)
20, 21. Sanihedrini yakaita sei pakapedzisa Stefani mashoko ake, uye Jehovha akamusimbisa sei?
20 Chokwadi chakataurwa naStefani chakaita kuti vatongi ivavo vaviruke nehasha. Vakatadza kuramba vakadzikama, ndokutanga kumurumanisira mazino. Murume iyeye akatendeka anofanira kunge akanyatsoona kuti vakanga vava kuda kumuita zvakavaita Tenzi wake, Jesu.
21 Stefani aifanira kushinga kuti atarisane nezvavakanga vava kuda kumuita, uye anofanira kunge akashingiswa nezvaakazoratidzwa naJehovha. Stefani akaona kubwinya kwaMwari uye Jesu akamira kurudyi rwaJehovha! Paairondedzera zvaairatidzwa, vaimutonga vakavhara nzeve dzavo nemaoko. Vaizviitirei? Dare iroro parakambotonga Jesu, akariudza kuti ndiye aiva Mesiya uye kuti aizonova kuruoko rwerudyi rwaBaba vake. (Mako 14:62) Saka zvakaonekwa naStefani zvakaratidza kuti Jesu akataura chokwadi. Izvi zvakabva zvaratidza kuti dare reSanihedrini rakanga ratengesa uye rauraya Mesiya! Vakabva vamumomotera, vakamuzvuzvurudza kuti anotemwa nematombo. c
22, 23. Nei tingati Stefani akafa rufu rwakafanana nerwaTenzi wake, uye chii chinopa vaKristu mazuva ano chivimbo sechaiva naStefani?
22 Stefani akafa mafiro akaita Tenzi wake, mwoyo wake wakanyatsodzikama, achivimba zvizere naJehovha uye achikanganwira vanhu vaimuuraya. Akati, “Ishe Jesu, gamuchirai simba rangu reupenyu.” Pamwe akataura mashoko aya nekuti akanga achiri kuona Mwanakomana wemunhu aina Jehovha. Stefani anofanira kunge ainyatsoziva mashoko aJesu anokurudzira ekuti: “Ndini rumuko neupenyu.” (Joh. 11:25) Stefani akazopedzisira nekunyengetera kuna Mwari pachake nenzwi guru achiti: “Jehovha, musavatongera chivi ichi.” Paakataura mashoko aya, akabva arara murufu.—Mab. 7:59, 60.
23 Saka Stefani ndiye munhu wekutanga kufira kutenda pavateveri vaKristu. (Ona bhokisi rakanzi “ Nei Tingati Stefani Chapupu Chakafira Kutenda?”) Chinorwadza ndechekuti haasi iye wekupedzisira kuitirwa izvozvo. Nanhasi, vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vari kuurayiwa nevanhu vezvitendero, uye vezvematongerwo enyika vanopfuura mwero. Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechivimbo sechaiva naStefani. Iye zvino Jesu ari kutonga saMambo, achishandisa simba guru raakapiwa naBaba vake. Hapana chichamutadzisa kumutsa vateveri vake vakatendeka.—Joh. 5:28, 29.
24. Sauro akabatsira sei paiurayiwa Stefani, uye rufu rwaStefani rwakazobatsira sei vamwe vaKristu?
24 Pane mumwe murume wechidiki aiona zvese izvi zvichiitika anonzi Sauro. Aitoona pasina chakaipa pakuurayiwa kwaStefani, achitochengetera vanhu vaimuuraya hembe dzavo. Achingobva ipapo, akatanga kutambudza vaKristu zvinotyisa. Asi rufu rwaStefani rwakazoita nguva yakareba rwuchisimbisa vaKristu. Muenzaniso wake wakaita kuti vaKristu varambe vakatendeka uye vakunde sezvaakaitawo. Sauro, uyo akazenge ava kuzivikanwa saPauro, akazozvidemba nezvaakaitawo pakuurayiwa kwaStefani. (Mab. 22:20) Akazosvika pakuti: “Ndaimbova munhu anomhura, mutambudzi uye munhu anoita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Zviri pachena kuti Pauro haana kumbokanganwa Stefani nemashoko ane simba aakataura musi waakafa. Dzimwe mharidzo dzakazopiwa naPauro dzaitobata-bata nyaya dzakashandiswa naStefani paaitaura. (Mab. 7:48; 17:24; VaH. 9:24) Pauro akazopedzisirawo ava nekutenda neushingi zvakafanana nezvaStefani, murume akanga “azere nenyasha dzaMwari nesimba.” Mubvunzo ndewekuti, Tichadarowo here?
a Vamwe vevanhu vaimupikisa vaiva ‘veSinagogi reVakasununguka.’ Vanogona kunge vaive vanhu vakambotapwa nevaRoma vakazosunungurwa, kana kuti vaiva vanhu vakatendeukira kuchiJudha vaimbova varanda. Vamwe vaibva kuKirikiya, kwaibvawo Sauro wekuTaso. Hatizivi hedu kuti Sauro aivepowo here pavanhu ava vekuKirikiya vaiitisana nharo naStefani.
b Stefani akabudisa mamwe mashoko atisingawani mumamwe mabhuku eBhaibheri, akadai sedzidzo yakawanikwa naMozisi muIjipiti, zera rake paakatiza muIjipiti kekutanga uye kuti akagara kuMidhiyani kwemakore mangani.
c Hapana uchapupu hunoratidza kuti Sanihedrini yaibvumirwa nemutemo weRoma kutongera munhu rufu. (Joh. 18:31) Kunenge kuti Stefani akaita zvekupondwa nemhomho yevanhu yakanga yakashatirwa kwete kutongerwa rufu nedare.