Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

“Shoko raJehovha Rakaramba Richikura”

“Shoko raJehovha Rakaramba Richikura”

Petro anonunurwa, uye mashoko akanaka anoramba achiparidzwa pasinei nekutambudzwa

Mabasa 12:1-25

1-4. Chii chinoitika kuna Petro, uye dai uri iwe waizonzwa sei?

 PETRO anovharirwa mujeri rine mazigedhi esimbi. Anoendeswa kuchitokisi chake ega akasungwa necheni akakombwa nevarindi vaviri veRoma. Hatizivi kuti akatora nguva yakareba zvakadii pfungwa dzichingogayana asingazivi kuti vari kuda kuita sei naye. Hapana chimwe chaari kuona imomo kunze kwemazidziro ejeri, masimbi, cheni dzake, uye varindiri.

2 Mutongo unopiwa Petro unomupedza simba. Mambo Herodhi Agripa I ari kuda kuti Petro aurayiwe nyange zvodini. a Ari kuda kuti Petro abudiswe kuti amiswe pamberi pevanhu pashure pePaseka, kuti vanhu vafare pavanonzwa kuti atongerwa rufu. Uku hakusi kutyisidzira chete, nekuti Jakobho, mumwe wevaapostora, akatourayiwa nemutongi iyeye.

3 Aya ndiwo manheru ekupedzisira zuva rakarongwa kuti aurayiwe risati rasvika. Petro ari kufungei ari muchitokisi ichocho murima? Achiri kuyeuka here zvaakaudzwa naJesu kuti achasungwa oendwa naye kuti anourayiwa? (Joh. 21:18, 19) Pamwe Petro ava kutofunga kuti ndizvo zvava kuda kuitika.

4 Dai waiva Petro, wainzwa sei? Vakawanda vaizoona pasina kana tariro. Asi kumuteveri waJesu Kristu wechokwadi, pane panganzi hapasisina tariro here? Tingadzidzei pane zvakaitwa naPetro nevamwe vaKristu pavakatambudzwa? Ngationei.

“Ungano Yaimunyengeterera Zvikuru” (Mabasa 12:1-5)

5, 6. (a) Nei Mambo Herodhi Agripa I akatambudza ungano yechiKristu, uye akazviita sei? (b) Nei kufa kwaJakobho waiva muedzo chaiwo kuungano?

5 Sezvatakadzidza muchitsauko chakapfuura, kutendeuka kwemurume wemamwe marudzi Koniriyasi nemhuri yake kwakafadza ungano yechiKristu. Asi vaJudha vakanga vasiri vaKristu vanofanira kunge vakanetseka pavakaziva kuti vaKristu vechiJudha vakanga vachinamata nevanhu vasiri vaJudha.

6 Herodhi, semunhu aiita zvematongerwo enyika, akatanga kutambudza vaKristu achitoona semukana wekufarirwa nevaJudha. Anofanira kunge aitonyatsoziva kuti Jakobho aiva pedyo zvikuru naJesu Kristu. Saka Herodhi “akauraya Jakobho mukoma waJohani nebakatwa.” (Mab. 12:2) Uyu waiva muedzo chaiwo kuungano! Jakobho akanga ari mumwe wevadzidzi vatatu vakaona Jesu achishanduka pamberi pavo uye achiita zvimwe zvishamiso zvisina kuratidzwa vamwe vaapostora. (Mat. 17:1, 2; Mako 5:37-42) Jesu akanga apa Jakobho nemunin’ina wake Johani zita rekuti “Vanakomana Vekutinhira” nekuti vanhu vaishingaira. (Mako 3:17) Saka ungano yakanga yarasikirwa nemuapostora wavaida zvikuru, murume akanga akatendeka uye akashinga.

7, 8. Ungano yakaita sei pakasungwa Petro?

7 Kuurayiwa kwaJakobho kwakafadza vaJudha sezvaitarisirwa naAgripa. Izvi zvakabva zvapa Herodhi manyawi, saka akanga ava kuda kuuraya Petro. Ndosaka akaita kuti asungwe sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino. Asi Agripa anofanira kunge aiziva kuti nyaya yekuisa vanhu mujeri yakambotadza kubudirira pavaapostora, sezvatakaona muChitsauko 5 chebhuku rino. Herodhi akanga asingadi kuti izvi zviitike zvakare, saka akaita kuti Petro asungwe necheni ari pakati pevarindi vaviri, vachiita majana ekumuchengeta masikati neusiku kuitira kuti muapostora wacho asatize. Varindi ndivo vaizopiwa mhosva kana akatiza. Vamwe vaKristu vaizobatsira Petro sei nekuomerwa kwaanga akaitwa?

8 Ungano yainyatsoziva zvayaifanira kuita. Mabasa 12:5 inoti: “Saka Petro akanga akavharirwa mujeri, asi ungano yaimunyengeterera zvikuru kuna Mwari.” Izvi zvinoratidza kuti vainyengeterera hama yavo nemwoyo wese. Rufu rwaJakobho haruna kuvapedza simba, uye havana kufunga kuti runoreva kuti munyengetero haubatsiri. Jehovha anokoshesa minyengetero chaizvo. Kana ichienderana nekuda kwake, achaipindura. (VaH. 13:18, 19; Jak. 5:16) Ichi chidzidzo chinokosha kuvaKristu nhasi.

9. Tingadzidzei panyaya yemunyengetero pane zvakaitwa nevamwe vaKristu pakasungwa Petro?

9 Pane vamwe vaunoziva vaunonamata navo vari kusangana nemiedzo yakawanda here? Vangave vari kutambudzwa, kurambidzwa kunamata nehurumende, kana kuti vari kusangana nenjodzi dzinongoitika dzega. Wadii kuvanyengeterera nemwoyo wese? Unogona kunge uine vamwe vaunoziva vari kusangana nematambudziko asinganyanyi kucherechedzwa nevamwe akadai sekusawirirana mumhuri, kuora mwoyo, kana zvimwe zvinokanganisa kutenda kwavo. Kana ukatanga wafungisisa, unogona kuyeuka vanhu vakawanda vekutaura nemazita paunenge uchitaura naJehovha, “Munzwi wemunyengetero.” (Pis. 65:2) Newewo unoda kuti hama nehanzvadzi dzako dzizokunyengetererawo kana wava mumatambudziko.

Tinonyengeterera hama dzedu dziri mujeri dzakasungirwa kutenda kwadzo

‘Nditevere’ (Mabasa 12:6-11)

10, 11. Tsanangura kuti ngirozi yaJehovha yakasunungura sei Petro mujeri.

10 Petro aizvidya mwoyo here nerufu rwaakanga atarisana narwo? Tingasaziva hedu, asi chatinoziva ndechekuti usiku ihwohwo hwekupedzisira ari mujeri, akanga akafa zvake nehope ari pakati pevarindi vaviri vakanga vakanyatsosvinura. Murume uyu akatendeka aiziva kuti chero zvaizoitika kwaari mangwana acho, ainge ari mumaoko aJehovha. (VaR. 14:7, 8) Asi Petro akanga asingazivi kuti chii chakanga chava kuda kuitika. Chiedza chakabva changoti bhaa muchitokisi maakanga ari. Ngirozi yaJehovha yakabva yamira muchitokisi imomo, zvichida isingaonekwi nevarindi, ndokuzunguza Petro ichimumutsa. Cheni dzakanga dzakasunga maoko ake, dzaiita sedzisingadambuki, dzakangodonha!

“[Vakasvika] pagedhi resimbi raipinda muguta, rikabva ravhurika rega.”​—Mabasa 12:10

11 Ngirozi yakaudza Petro zvekuita isingatauri zvakawanda ichiti: “Kurumidza kumuka! . . . Pfeka zvipfeko zvako neshangu dzako. . . . Chipfeka nguo yako yekunze.” Petro akabva angoita zvaaiudzwa. Ngirozi yacho yakazoti: ‘Nditevere,’ uye Petro ndozvaakaita. Vakabuda muchitokisi, vakafamba vachipfuura nepavarindi vakanga vakamira nechepanze pasuo rechitokisi, uye vakafamba chinyararire vakananga kugedhi guru resimbi. Vaizobuda sei pagedhi? Kana Petro akambova nemubvunzo iwoyo hauna kutora nguva usati wapindurwa. Vakasvika pagedhi, rikabva “ravhurika rega.” Petro asati atombonzwisisa zviri kuitika, vanobuda nepagedhi vopinda mumugwagwa, uye ngirozi inobva yanyangarika. Petro anosiyiwa ipapo, obva atanga kunyatsoona kuti zvese zvaakanga aona zvinhu zvaitonyatsoitika. Chakanga chisiri chiratidzo. Akanga asunungurwa!—Mab. 12:7-11.

12. Nei kununurwa kwakaitwa Petro naJehovha kuchitinyaradza?

12 Zvinonyaradza kuziva kuti Jehovha ane simba risingaperi rekununura vashumiri vake. Petro akanga asungwa namambo akanga apiwa masimba nehurumende yaiva nesimba kupfuura dzese dzakanga dzambovapo. Asi Petro akabuda mujeri achitofamba zvake! Jehovha haaitiri hake vashumiri vake vese zvishamiso zvakadaro. Haana kuzviita pana Jakobho; uye akazobvumira kuti Petro aurayiwe achizadzisa zvakanga zvataurwa naJesu kuti zvaizoitika kwaari. Mazuva ano vaKristu havatarisiri kuitirwa zvishamiso vachinunurwa. Asi Jehovha haana kuchinja. (Mar. 3:6) Uye ava pedyo kushandisa Mwanakomana wake kununura mamiriyoni evanhu murufu, urwo rwakafanana nejeri risingabudiki. (Joh. 5:28, 29) Vimbiso dzakadaro dzinotisimbisa zvikuru patinosangana nemiedzo.

“Vakamuona Vakashamiswa” (Mabasa 12:12-17)

13-15. (a) Nhengo dzeungano dzaiungana mumba maMariya dzakaita sei pakasvika Petro? (b) Bhuku raMabasa rinotanga kunyanya kutaura nezvaani, asi Petro akasiya hama nehanzvadzi dzichinzwa sei?

13 Petro anomira mumugwagwa murima, achifunga kuti onanga kupi. Akabva aziva kwekuenda. Paiva nemukadzi wechiKristu ainzi Mariya aigara pedyo. Kunenge kuti Mariya aiva chirikadzi inowana, nekuti aitova nemba yaishandiswa neungano. Aiva nemwana anonzi Johani Mako, uyo anotanga kutaurwa pano mubhuku raMabasa uye anozopedzisira ava kutorwa semwana chaiye naPetro. (1 Pet. 5:13) Usiku uhwu, vakawanda muungano yacho vaiva kumba kwaMariya vachinyengetera nemwoyo wese, pasinei nekuti nguva dzakanga dzafamba. Vanofanira kunge vainyengeterera kuti Petro asunungurwe, asi vakanga vasingatarisiri kuti Jehovha aitobva apindura munyengetero wavo ipapo!

14 Petro akagogodza pagedhi repachivanze. Mushandi wechisikana ane zita rekuti Rodha, rinoreva ruva rerozi pachiGiriki, akauya kugedhi. Zvaiita kunge ari kurota paakanzwa inzwi raPetro! Panzvimbo pekuvhurira Petro, musikana uyu akamusiya akamira kunze kwegedhi, ndokumhanyira mumba achifara, kuti anoudza vamwe kuti Petro akanga ari panze. Vakamuti aipenga, asi akaramba achingovaudza kuti aitaura chokwadi. Vamwe vakati angangodaro aona ngirozi iri kumiririra Petro. (Mab. 12:12-15) Pavaiitirana nharo kudaro, Petro akanga achingogogodza kusvikira vazoenda kugedhi ndokumuvhurira.

15 Pavakavhura gedhi, “vakamuona vakashamiswa,” vakatanga kuita ruzha vachifara! (Mab. 12:16) Petro akaita kuti vanyarare kuti akwanise kutaura zvakanga zvaitika, ndokuvaudza kuti vazoudza mudzidzi Jakobho nedzimwe hama nezvazvo, achibva aenda kuti asawanikwa nemasoja aHerodhi achiripo. Petro akatsvaga kumwe kwaaigona kuenderera mberi nebasa rake asingasungwi. Apa ndipo patinopedzisira kunzwa nezvaPetro mubhuku raMabasa kunze kwepaya panozotaurwa nyaya yekuchecheudzwa inotaurwa muchitsauko 15. Bhuku raMabasa rinobva ratanga kutaura nezvebasa nenzendo dzemuapostora Pauro. Asi tine chokwadi chekuti Petro anofanira kunge akasimbisa kutenda kwehama nehanzvadzi dzake kwese kwaakaenda. Paakabva pamba paMariya, akasiya vanhu vaivapo vachifara zvikuru.

16. Nei tiine chokwadi chekuti tichafadzwa nezvinhu zvakawanda mune ramangwana?

16 Dzimwe nguva Jehovha anomboitira vashumiri vake zvinopfuura zvavanenge vachitarisira zvekuti vanofara zvekufara zviya. Ndizvo zvakaitika kuhama nehanzvadzi dzaPetro usiku ihwohwo. Ndizvo zvatinoitawo patinokomborerwa naJehovha mazuva ano. (Zvir. 10:22) Mune ramangwana, tichaona zvese zvakavimbiswa naJehovha zvichizadziswa pasi rese. Zvinhu zvichaitika panguva iyoyo zvichange zvakanaka kupfuura zvatingafungidzira iye zvino. Saka tikangoramba takatendeka chete, tinoziva kuti kumberi uku kune zvakawanda zvichatifadza.

“Ngirozi yaJehovha Yakamurova” (Mabasa 12:18-25)

17, 18. Zvinhu zvakafamba sei kuti Herodhi azorumbidzwa nemhomho yevanhu?

17 Herodhi akashamiswawo nemabudiro akaita Petro, asi haana kufara nazvo. Herodhi akabva aita kuti atsvagwe, uye kuti varindi vakanga vakachengeta Petro vabvunzurudzwe. Akaita ‘kuti vaendeswe kunorangwa,’ izvo zvingareva kuti vakaurayiwa. (Mab. 12:19) Herodhi Agripa aizivikanwa semunhu ane utsinye, asina tsitsi. Murume uyu aiva neutsinye akazomborangwa here?

18 Agripa angave akanyadziswa hake nekutadza kwaakaita kuuraya Petro, asi akazowana mumwe mukana wekuti azvikudze zvakare. Pakava nemusangano wezvematongerwo enyika, vavengi vake vachikumbira kuti veregererwe pave nerugare, iye akabva atoti ndawana mukana wekuti ndimbotaura ndichinzwikwa nevanhu vakawanda. Ruka anoti, “Herodhi akapfeka zvipfeko zveumambo.” Josephus munyori wechiJudha anoti nguo yaHerodhi yakanga yakagadzirwa nesirivha, zvekuti paaivhenekwa nechiedza, mambo aiita seaibwinya. Mambo uyu aishamisira akabva ataura achiteererwa neruzhinji. Vanhu vakanga vakateerera vakabva vadaidzira kuti: “Inzwi ramwari, kwete remunhu!”—Mab. 12:20-22.

19, 20. (a) Nei Herodhi akarangwa naJehovha? (b) Kuurayiwa kwakaitwa Herodhi Agripa pakarepo kunogona kutinyaradza sei?

19 Sezvo kurumbidzwa kwakadaro kwakakodzera Mwari chete, Mwari akanzwa sei nezvaiitwa izvozvo? Herodhi akanga aine mukana wekuita kuti zvinhu zvisasvika pakumuipira. Aigona kuudza vanhu kuti vasamurumbidza zvakadaro. Panzvimbo pekudaro, zvakaitika kwaari zvakatozoratidza kuti mashoko anotaurwa kuna Zvirevo aya ndeechokwadi: “Kuzvikudza kunotangira kuparara.” (Zvir. 16:18) “Pakarepo ngirozi yaJehovha yakamurova” ikaita kuti afe rufu runorwadza uye runosemesa. Herodhi “akadyiwa nehonye, akafa.” (Mab. 12:23) Josephus akanyorawo kuti Agripa akarohwa pakarepo uye akawedzera kuti mambo akabvuma kuti chakaita kuti aurayiwe ndechekuti akasiya vanhu vachimurumbidza. Josephus akanyora kuti Agripa akarwara kwemazuva mashanu achibva azofa. b

20 Dzimwe nguva zvinomboita sekuti vanhu vakaipa vanoita zvinhu zvakaipa pasina chinovawana. Izvozvo hazvifaniri kutishamisa nekuti “nyika yese iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) Kunyange zvakadaro, zvinomborwadza vashumiri vaMwari pavanoona vanhu vakaipa vachiita zvinhu zvakaipa pasina anovaranga. Ndosaka nyaya dzakaita seino dzichinyaradza. Dzinoita kuti tiite setiri kuona Jehovha achipindira, achiyeuchidza vashumiri vake vese kuti anotonga zvakarurama. (Pis. 33:5) Tinoziva kuti Jehovha achatonga vakaipa nyangwe zvodini.

21. Ndechipi chidzidzo chikuru chiri muna Mabasa chitsauko 12, uye chinotinyaradza sei mazuva ano?

21 Nyaya iyi inopedziswa nemashoko anotokurudzira ekuti: “Shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira.” (Mab. 12:24) Mashoko aya ekufambira mberi kwakanga kuchiita basa rekuparidza anotiyeuchidza kuti Jehovha ari kukomborera sei basa redu rekuparidza ratiri kuita mazuva ano. Zviri pachena kuti nyaya iri muna Mabasa chitsauko 12 haisi yekungourayiwa kwemumwe muapostora uye kupukunyuka kwakaita mumwe wacho. Inotaura nezvaJehovha uye kuvhiringa kwaanoita mazano aSatani ekuparadza ungano yechiKristu nekutadzisa basa rekuparidza. Mazano iwayo akakundikana, uye acharamba achingokundikana. (Isa. 54:17) Asi vaya vanotsigira Jehovha naJesu Kristu vari kuita basa risingambofi rakakundikana. Kuziva izvi hakukurudzire here? Takakomborerwa zvikuru pakuti tiri kubatsira pakuparadzira “shoko raJehovha.”

a Ona bhokisi rakanzi “ Mambo Herodhi Agripa I”.

b Mumwe chiremba akanyora kuti marwariro akatsanangurwa naJosephus naRuka anogona kukonzerwa netumakonye twemudumbu tunogona kunge twakawanda zvekuvhara matumbu, zvoita kuti munhu afe. Tumakonye twakadaro tunogona kutorutswa, kana kubuda mumuviri memunhu paanenge achifa. Rimwe bhuku rinoti: “Matauriro akaita Ruka sachiremba anonyatsoratidza kuti Herodhi akafa zvinorwadza.”