CHITSAUKO 17
“Akakurukura Navo Achivabatsira Kunzwisisa Magwaro”
Patinofanira kutora zvatinodzidzisa; muenzaniso wakanaka wevaBheriya
1, 2. Ndivanaani vari kufamba kubva kuFiripi vachienda kuTesaronika, uye vangangodaro vari kufunga nezvei?
VARUME vatatu Pauro, Sirasi naTimoti vari kufamba mumugwagwa vachibva kuFiripi vakananga kuTesaronika, rwendo rwemakiromita anopfuura 130. Mugwagwa wavari kufamba nawo unopfuura nemumakomo uye wakagadzirwa zvakanaka nemainjiniya eRoma. Pavari kufamba vari kunzwa ruzha rwakasiyana-siyana rwakadai serwemavhiri engoro dziri kufamba mune matombo, kukuma kwemadhongi, uye vashandi vakasiyana-siyana vakadai semasoja, vatengesi, nemhizha. Rwendo rwacho harusi nyore, kunyanya kuna Pauro naSirasi. Vachiine maronda ekurohwa kwavakaitwa kuFiripi.—Mab. 16:22, 23.
2 Varume ava vari kuita sei kuti vasanzwa nungo nekureba kwakaita rwendo rwavo? Kudya nyaya kunowanzoita kuti rwendo rwuite rupfupi. Nyaya yekutendeuka kwemurindi wejeri nemhuri yake muFiripi ndiyo imwe yenyaya dzavanofanira kunge vachiri kukurukura nezvayo. Nyaya iyi inofanira kunge iri kuvapa simba rekuti varambe vachiparidza shoko raMwari. Asi pavava kusvika muguta reTesaronika riri pamhenderekedzo yegungwa, vanofanira kunge vava kufunga nezvekuti vaJudha vari muguta iroro vachavabata sei. Vachapikiswa here, kana kurohwa, sezvavakaitwa kuFiripi?
3. Ushingi hwakaratidzwa naPauro hunotibatsira sei mazuva ano?
3 Pauro akazotaura kuti ainzwa sei parwendo urwu mutsamba yaakanyorera vaKristu vekuTesaronika achiti: “Kunyange zvazvo takambotambura pakutanga uye takanyadziswa kuFiripi sezvamunoziva, takazvishingisa tichibatsirwa naMwari wedu kuti tikuudzei mashoko akanaka aMwari tichipikiswa zvakaoma.” (1 VaT. 2:2) Saka mashoko aPauro anoratidza kuti akatomboti zezei kupinda muTesaronika pamusana pezvakanga zvaitika kuFiripi. Unogona kumunzwisisawo here? Unomboona zvichikuomera kuzivisa mashoko akanaka here? Pauro akavimba naJehovha kuti amusimbise uye amubatsire kuva neushingi hwaaifanira kuva nahwo. Kana ukadzidza zvakaitwa naPauro zvinogona kukubatsira kuti uitewo zvaakaita.—1 VaK. 4:16.
“Akakurukura Navo Achivabatsira Kunzwisisa Magwaro” (Mabasa 17:1-3)
4. Nei tichiti Pauro anogona kunge akagara kuTesaronika kwenguva yakareba kupfuura mavhiki matatu?
4 Nyaya yacho inotiudza kuti Pauro paaiva muTesaronika akaparidza musinagogi kwemaSabata matatu. Izvi zvinoreva kuti akangogara muguta iri kwemavhiki matatu chete here? Kwete. Hatizivi kuti pavakasvika ikoko vakazotanga riini kuenda kusinagogi. Uye tsamba dzaPauro dzinoratidza kuti pavaiva kuTesaronika, vaimbopota vachishanda kuti vawane chekurarama nacho. (1 VaT. 2:9; 2 VaT. 3:7, 8) Uyewo akatomboita zvekutumirwa zvinhu zvekurarama nazvo kaviri kese nehama dzekuFiripi achiri ikoko. (VaF. 4:16) Saka anogona kunge akagara kuTesaronika kwemavhiki anopfuura matatu.
5. Pauro akaita sei kuti vanhu vanyatsoona kuti zvaaitaura zvaiva zvechokwadi?
5 Paakawana ushingi hwekutaura, Pauro akatanga kuparidzira vanhu vakanga vakaungana musinagogi. Sezvaaiwanzoita, “akakurukura navo achivabatsira kunzwisisa Magwaro kwemasabata matatu, achitsanangura uye achiratidza nezvakanyorwa kuti Kristu aifanira kutambura uye kumuka kuvakafa, achiti: ‘Jesu uyu wandiri kukuzivisai nezvake ndiye Kristu.’” (Mab. 17:2, 3) Cherechedza kuti Pauro haana kuda kutaura zvekungoti vateereri vake vanakidzwe nezvaari kutaura vasingafungi; akaita kuti vafunge. Aiziva kuti vanhu vaiuya kusinagogi vaiziva Magwaro uye vaiaremekedza. Asi vakanga vasinganyatsoanzwisisi. Saka Pauro akavabatsira kunzwisisa, achitsanangura, uye achiratidza neMagwaro kuti Jesu wekuNazareta ndiye aiva Mesiya kana kuti Kristu akanga ataurwa kuti aizouya.
6. Jesu akabatsira sei vadzidzi vake kufunga achishandisa Magwaro, uye zvakaita kuti vanzwe sei?
6 Pauro akatevedzera zvaiitwa naJesu, pakutora zvese zvaaidzidzisa muMagwaro. Jesu achiita ushumiri hwake, akaudza vateveri vake kuti maererano neMagwaro, Mwanakomana wemunhu aifanira kutambura, kufa, ozomutswa. (Mat. 16:21) Paakanga amutswa, Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake. Izvozvo zvega zvaigona kungovaratidza kuti akanga avaudza chokwadi. Asi haana kungogumira pakuzviratidza kwavari. Bhaibheri rinoti akataura nevamwe vadzidzi vake “achitangira pane zvakanyorwa naMozisi neVaprofita vese, akavadudzira zvinhu zvainge zvakataurwa nezvake muMagwaro ese.” Vakanzwa sei paakavaudza? Vadzidzi vakati: “Hatina here kunzwa kutsva kwanga kuchiita mwoyo yedu paanga achitaura nesu mumugwagwa achinyatsotizarurira Magwaro!”—Ruka 24:13, 27, 32.
7. Nei zvichikosha kuti titore zvese zvatinodzidzisa muMagwaro?
7 Shoko raMwari rine simba. (VaH. 4:12) Ndosaka vaKristu mazuva ano vachitora zvese zvavanodzidzisa muShoko raMwari, sezvaiitwa naJesu, Pauro, nevamwe vaapostora. Nesuwo tinobatsira vanhu kufunga, tichivatsanangurira zvinorehwa neMagwaro, tichiratidza uchapupu hwezvatinodzidzisa nekuvhura Bhaibheri kuti tiratidze vanasaimba zvarinotaura. Tinoita izvi nekuti shoko ratinoparidza harisi redu. Kana tichishandisa Bhaibheri kakawanda, tinobatsira vanhu kuti vaone kuti zvatiri kutaura hazvisi zvedu, asi idzidziso dzaMwari. Isuwo tinofanira kunyatsova nechivimbo chakazara chekuti zvinhu zvatiri kudzidzisa zvinobva muShoko raMwari. Rakavimbika zvakakwana. Handizvo here kuti kana uchiziva izvozvo unova neushingi hwekuparidza mashoko akanaka sezvaiitwa naPauro?
‘Vamwe Vakava Vatendi’ (Mabasa 17:4-9)
8-10. (a) Vanhu vekuTesaronika vakaita sei pavakanzwa mashoko akanaka? (b) Nei vamwe vaJudha vakanzwira Pauro godo? (c) VaJudha vaipikisa Pauro vakaita sei?
8 Pauro akanga atozvionera ega kuti mashoko aJesu ndeechokwadi, ekuti: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu.” (Joh. 15:20) Ndizvo zvakaitikawo kuna Pauro kuTesaronika; vamwe vaida kuteerera shoko raaiparidza, vamwe vakanga vasingadi. Ruka anonyora nezvevaya vakateerera achiti zvakataurwa naPauro zvakaita kuti “vamwe vavo vave vatendi, ndokubatana naPauro naSirasi, uye vanhu vakawanda vechiGiriki vainamata Mwari pamwe chete nevamwe vakadzi vakati wandei vakakurumbira, vakabatanawo navo.” (Mab. 17:4) Chokwadi vadzidzi vatsva ava vakafara kuti vakabatsirwa kunzwisisa Magwaro.
9 Kunyange zvazvo paine vakafarira mashoko aPauro, vamwe vakatomushatirirwa. Vamwe vaJudha vemuTesaronika vainzwira Pauro godo nekuti “vanhu vakawanda vechiGiriki” vakanga vagamuchira mashoko ake. VaJudha ava vakanga vadzidzisa vaGiriki Magwaro echiHebheru nechinangwa chekuvatendeutsa, saka vaitovatora sevanhu vavo. Saka vakatoona sekunge Pauro aivabira vanhu ivavo, apa achizviitira pasinagogi chaipo! Izvi zvakagumbura vaJudha.
10 Ruka anotiudza zvakazoitika achiti: “VaJudha vakanzwa godo, vakaunganidza vanhu vakaipa vaingofamba-famba pamusika ndokuita kuti muguta muve nemhomho yaikonzera mhirizhonga. Vakapinda mumba maJasoni nechisimba, vachida kuti Pauro naSirasi vabudiswe panze varwiswe nemhomho. Pavakavashaya, vakazvuzvurudzira Jasoni nedzimwe hama kuvatongi veguta, vachishevedzera kuti: ‘Varume vaya vari kunyonganisa nyika yese vari munowo, uye vanotova vaenzi vaJasoni. Varume ava vese vanoita zvinopesana nemirayiro yaKesari, vachiti kune mumwe mambo, anonzi Jesu.’” (Mab. 17:5-7) Mhirizhonga iyi yaizokanganisa sei Pauro nevamwe vake?
11. Pauro nevamwe vake vakapomerwa mhosva dzipi, uye vaivapomera vacho vangangodaro vaifunga nezvemutemo upi? (Ona mashoko emuzasi.)
11 Kana mhomho yevanhu ichiita mhirizhonga, inotyisa. Inotyisa sezvinoita rwizi rwakazara rwuri kuyerera nesimba. Ndiyo yakashandiswa sechombo nevaJudha vachida kupfuudza Pauro naSirasi. Pashure pekunge vaJudha vaita kuti “muguta muve nemhomho yaikonzera mhirizhonga,” vakaedza kuita kuti vatongi vaone sepane nyaya yakakura yaipomerwa varume ava. Mhosva yavakatanga kuvapomera ndeyekuti Pauro nevamwe vake vakanga “vari kunyonganisa nyika yese,” kunyange zvazvo Pauro neshamwari dzake vakanga vasiri ivo vakakonzera nyonganyonga iyi muTesaronika! Mhosva yechipiri yavakapomerwa yakanga yakatoipa kupfuura ipapo. VaJudha vacho vakati mamishinari aya aitaura kuti kune mumwe Mambo anonzi Jesu, izvo zvaipesana nemutemo wamambo weRoma. a
12. Chii chinoratidza kuti mhosva dzaipomerwa vaKristu vekuTesaronika dzaigona kuvapinza mutsekwende?
12 Yeuka kuti vatungamiriri vechitendero vakapomerawo Jesu mhosva yakafanana neyavari kupomera Pauro nevamwe vake. Vakati kuna Pirato: “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu . . . uye achizviti ndiye Kristu mambo.” (Ruka 23:2) Pirato akabva atongera Jesu rufu, zvichida achityira kuzonzi ari kutsigira Jesu pakupandukira mambo weRoma. Saka mhosva dzaipomerwa vaKristu vekuTesaronika dzaigona kuvapinza mutsekwende. Rimwe bhuku rinoti: “Kwakanga kusiri kuwedzeredza kutaura kuti nyaya iyi yaizovapinza mutsekwende nekuti ‘kungonzwika chete kuti uri kupandukira mambo kakawanda kacho waitoziva kuti pako pakuperera.’” Asi nhema dzavo dzaizobudirira here?
13, 14. (a) Nei vanhu vaiita zvemhirizhonga vakatadza kumisa basa rekuparidza? (b) Pauro akaratidza sei kuchenjera sekwaKristu, uye tingamutevedzera sei?
13 Vanhu vakatadza kumisa basa rekuparidza vachishandisa mhirizhonga. Nei vakakundikana? Chimwe chikonzero ndechekuti Pauro naSirasi vakanga vachishayikwa. Uyewo kunenge kuti vakuru veguta havana kuva nechokwadi chekuti zvaipomerwa varume ava zvaiva zvechokwadi. Vakasunungura Jasoni nedzimwe hama dzakanga dzaunzwa kwavari “pashure pekuvabvisisa mari yechibatiso.” (Mab. 17:8, 9) Pauro akashandisa zano raJesu rekuti, “ivai vakachenjera senyoka asi musina mhosva senjiva,” ndokuvanzvenga kuti anoparidzira kune imwe nzvimbo. (Mat. 10:16) Saka paakaratidza ushingi ndokutanga kuparidza hazvirevi kuti akanga asingangwariri upenyu. Mazuva ano vaKristu vangatevedzera sei zvaakaita?
14 Mazuva ano vafundisi vemachechi vanowanzokwenyera Zvapupu zvaJehovha mhomho dzevanhu kuti dzivarwise. Vanoita kuti vatongi vatambudze Zvapupu vachitipomera kuti tinopandukira hurumende kana kufurira vamwe kuti vadaro. Chinoita kuti vadaro ndechekuti vanotinzwira godo sezvaingoitwa nevaya vaipikisa vaKristu vekutanga. Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi havaiti zvekutotsvaga kuti vatambudzwe. Pazvinokwanisika, tinoedza kusatombonangana nevanhu vakatsamwa uye vasinganzwisisi, totsvaga kwekunoparidzira kwakanyarara, pamwe tichizodzoka kana zvinhu zvadzikama.
“Vakanga Vaine Pfungwa Dzakanaka” (Mabasa 17:10-15)
15. Vanhu vekuBheriya vakaita sei pavakanzwa mashoko akanaka?
15 Pauro naSirasi vakaendeswa kuBheriya, anenge makiromita 65 kubva kuTesaronika kuti vasakuvadzwa nemhomho yaida kuvaurayisa. Pavakasvika ikoko, Pauro akaenda kusinagogi uye akanotaura nevanhu vakanga vakaungana ikoko. Anofanira kunge akafara zvikuru kuwana vanhu vaida kuteerera! Ruka akanyora kuti vaJudha vekuBheriya “vakanga vaine pfungwa dzakanaka kupfuura vekuTesaronika, nekuti vakagamuchira shoko nechido, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kuti vaone kana zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.” (Mab. 17:10, 11) Izvi zvinoreva kuti vaJudha vekuTesaronika vakanga vagamuchira chokwadi vakanga vasina pfungwa dzakanaka here? Handizvo! Pauro akatozovanyorera kuti: “Ndokusaka nesuwo tichiramba tichitenda Mwari, nekuti pamakagamuchira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko revanhu, asi sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, iro riri kushandawo mamuri imi vatendi.” (1 VaT. 2:13) Asi chii chakaita kuti vaJudha ava vekuBheriya vave nepfungwa dzakanaka kudaro?
16. Nei vaBheriya vachinzi “vakanga vaine pfungwa dzakanaka”?
16 Kunyange zvazvo vaBheriya vakanga vachinzwa zvinhu zvavakanga vasati vambonzwa, havana kupikisa, kana kumbobvira vafungira kuti zvavari kuudzwa zvinogona kuvakanganisa; asi vakanga vasiri vanhu vaingobvuma zvese zvese. Vakatanga nekunyatsoteerera zvaitaurwa naPauro. Vakabva vazotanga kushandisa Magwaro kunyatsoongorora zvavakanga vatsanangurirwa naPauro. Vaitodzidza Shoko raMwari mazuva ese, kwete paSabata chete. Uye vaizviita “nechido,” vachitoita nguva yakawanda vachiongorora Magwaro kuti vanyatsoziva kuti anotii nezvedzidziso itsva yavakanga vachinzwa. Vakabva varatidza kuti vanhu vanozvininipisa nekuchinja mararamiro avo, nekuti “vakawanda vavo vakava vatendi.” (Mab. 17:12) Ndosaka Ruka achizoti “vakanga vaine pfungwa dzakanaka”!
17. Nei zvakaitwa nevaBheriya zvichirumbidzwa chaizvo, uye tingaramba sei tichivatevedzera pasinei nekuti tava nenguva yakareba tiri muchokwadi?
17 VaBheriya ivavo havana kumboziva kuti zvavakaita pavakanzwa mashoko akanaka zvaizochengetwa muShoko raMwari zvoramba zvichidzidzisa vanhu kusvikira nhasi. Vakaita zvavaitarisirwa naPauro kuti vaizoita chaizvo uye zvaidiwa naJehovha Mwari kuti vaite. Ndozvatinokurudzirawo vanhu kuti vaite, kunyatsoongorora Bhaibheri kuitira kuti kutenda kwavo kuvakirwe zvakasimba paShoko raMwari. Asi kana tangova vatendi ndipo panobva pagumira kuongorora Magwaro here? Aiwa; kana tava vatendi zvinobva zvatowedzera kukosha kuti tigare tichidzidza nezvaJehovha tokurumidza kuita zvaanenge achitidzidzisa. Kana tikadaro tinenge tichibvumira Jehovha kuti atiumbe uye atidzidzise maererano nekuda kwake. (Isa. 64:8) Tinobva taramba tichikosha kuna Baba vedu vekudenga uye tichivafadza.
18, 19. (a) Chii chakaita kuti Pauro abve muBheriya, uye akaratidza sei kutsungirira kwatinofanira kutevedzera? (b) Pauro akanga ava kuzonoparidzira ndima ine vanhu vakaita sei?
18 Pauro haana kugara muBheriya kwenguva yakareba. Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “VaJudha vekuTesaronika pavakanzwa kuti shoko raMwari raiziviswawo muBheriya naPauro, vakaenda ikoko kunofurira mhomho yevanhu kuti iite mhirizhonga. Hama dzakabva dzakurumidza kuendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara imomo. Vaya vaiperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene, vakadzokera pashure pekunge avaudza kuti Sirasi naTimoti vakurumidze kuuya kwaari.” (Mab. 17:13-15) Vavengi ava vemashoko akanaka vakanga vasiri kudzoka kumashure! Vakadzinga Pauro muTesaronika; iye zvino vamutevera kuBheriya uye vava kuedza kumumutsira mhirizhonga sezvavakamboita, zvese zvikashaya basa. Pauro aiziva kuti ndima haiperi; saka akangoenda kunoparidza kune imwe nzvimbo. Isuwo ngatisasiyai vanhu vanenge vachipikisa vachititadzisa kuita basa redu rekuparidza!
19 Paakanga apa uchapupu hwakasimba kuvaJudha vaiva muTesaronika nemuBheriya, Pauro akanga adzidza zvakawanda nezvekukosha kwekupupura neushingi uye kubatsira vanhu kuti vafunge achishandisa Magwaro. Nesuwo tadzidza zvakawanda. Asi iye zvino Pauro ava kuzonoparidzira vanhu vakasiyana nevaakamboparidzira, vanhu vemamwe marudzi vekuAtene. Zvichamufambira sei muguta iroro? Ngationei muchitsauko chinotevera.
a Mumwe muongorori weBhaibheri anoti panguva iyoyo paiva nemurayiro waKesari wairambidza vanhu kutaura kuti “paizova nemumwe mambo kana umambo, zvikurukuru kana zvichinzi mambo wacho aizotsiva aripo uyu kana kumutonga.” Vavengi vaPauro vangangodaro vakaona mashoko ake sekutyorwa kwemurayiro uyu. Ona bhokisi rakanzi “ VanaKesari Vaivepo Panguva Dzakanyorwa Bhuku raMabasa”.