CHITSAUKO 18
‘Tsvagai Mwari, Mumuwane’
Pauro anochinja kuti ataure zvinoenderana nevanhu vaava kuparidzira, otanga nenyaya isingamutse nharo
1-3. (a) Chii chiri kunyanya kunetsa muapostora Pauro muAtene? (b) Tinodzidzei pane zvakaitwa naPauro?
PAURO ari kunetswa nezvaari kuona. Ari muguta reAtene, kuGirisi, unova muzinda wedzidzo, kwakambodzidzisa vadzidzisi vakakurumbira vakadai saSocrates, Plato naAristotle. Atene iguta rakazara vanhu vanoda zvekunamata. Pese paari kutarisa ari kungoona zvidhori zvega zvega zvinonamatwa nevaAtene, zvakazara mututemberi, munzvimbo dzinoungana vanhu, nemumigwagwa. Pauro anoziva kuti Jehovha, Mwari wechokwadi, anoona sei nyaya yekunamata zvidhori. (Eks. 20:4, 5) Iyewo anosema zvidhori sezvinongoitwa naJehovha!
2 Zvaanozoona paanopinda mumusika ndizvo zvakatozomuvhundutsa. Pane zvidhori zvakawandisa zvinoratidzika senhengo yechirume zvamwari anonzi Hemesi zviri pedyo nemusuo uri nechekuchamhembe kwakadziva kumavirira. Musika wacho wakazara nenzvimbo dzekunamatira. Pauro achaparidza sei munzvimbo ino yakazara kunamata zvidhori? Acharamba akadzikama, otsvaga nyaya yaanogona kutaurirana nevanhu ava asingamutsi nharo here? Achakwanisa kubatsira kana munhu mumwe chete zvake kuti atsvage Mwari wechokwadi omuwana here?
3 Matauriro akaita Pauro nevanhu vekuAtene vakadzidza atinoverenga nezvawo pana Mabasa 17:22-31, anotidzidzisa unyanzvi hwekutaura, kutaura nekungwarira uye kunzwisisa vanhu vatinenge tichitaura navo. Tikanyatsoongorora zvakaitwa naPauro, tinogona kudzidza zvakawanda nezvekutanga kuparidzira vanhu tichishandisa nyaya dzisingamutse nharo uye kuvabatsira kufunga.
Kudzidzisa “Pamusika” (Mabasa 17:16-21)
4, 5. Pauro akaparidzira kupi muAtene, uye aizoparidzira vanhu vakaita sei?
4 Rwendo rwaita kuti Pauro asvike muno muAtene ndirwo rwendo rwechipiri rweumishinari rwaakaita munenge muna 50 C.E. a Paakanga akamirira Sirasi naTimoti kuti vasvike vachibva kuBheriya, Pauro akatanga “kukurukura nevaJudha musinagogi,” sezvaaiwanzoita. Akaendawo ‘kumusika’ kunova ndiko kwaaigona kuwana vanhu vemuAtene vakanga vasiri vaJudha. (Mab. 17:17) Musika weAtene wakanga wakakura chaizvo uye waiva pedyo negomo rainzi Acropolis. Musika wacho waisangova nzvimbo yekutenga nekutengeserana, asi kuti ndimo maitoungana vanhu. Rimwe bhuku rinoti nzvimbo iyi ndiyo yaiva “muzinda wenyaya dzese kubvira panyaya dzezveupfumi, zvematongerwo enyika uye zvetsika nemagariro evanhu.” Vanhu vemuAtene vainakidzwa nekuungana panzvimbo iyi vachikurukura nezvedzidzo yavo.
5 Pauro akasangana nevanhu vakanga vasiri nyore kuparidzira. Vamwe vavo vaiva vaEpikuro nevaStoiki, nhengo dzezvikoro zvaikwikwidzana zvichidzidzisa dzidziso dzaipesana. b VaEpikuro vaiti upenyu hwakangovapo hwega. Muchidimbu vaidzidzisa kuti: “Mwari haafaniri kutyiwa; Kana wafa hapana chinokurwadza; Unogona kuita zvakanaka; Unogona kutsungirira zvakaipa.” VaStoiki vaikoshesa kushandisa pfungwa uye vaingotora Mwari sesimbawo haro risina pfungwa semunhu. VaEpikuro nevaStoiki vaisatenda kuti vakafa vachamutswa sezvaidzidziswa nevadzidzi vaKristu. Zviri pachena kuti mapoka aya ese ari maviri aidzidzisa zvinhu zvisingaenderani nechokwadi chaiparidzwa nevaKristu vakaita saPauro.
6, 7. Vamwe vaGiriki vakadzidza vakati chii nezvezvavaiparidzirwa naPauro, uye mazuva ano vanhu vanogona kuita sei patinovaparidzirawo?
6 Vanhu vechiGiriki vakati chii nezvezvavaiparidzirwa naPauro? Vamwe vakashandisa shoko rinoreva munhu “anongowawata,” kana kuti “munhongi wemhodzi.” (Mab. 17:18) Mumwe muongorori akataura kuti shoko iri rechiGiriki, “pakutanga raishandiswa richireva kamwe kashiri kainhonga-nhonga tsanga dzezviyo, ndokuzopedzisira rava kushandiswa pavanhu vainhonga zvainge zvasarira pamusika. Rakazenge rava kushandiswa kumunhu aingonhonga-nhonga mashoko aanzwa, zvikurukuru kana asingagoni kuzoabatanidza kuti abudise nyaya ine musoro.” Saka vanhu vakadzidza ava vaiti Pauro ari kutaura zvinhu zvaasingazivi zvaakangonzwawo zvichitaurwa nevamwe. Asi kutsvinyirwa ikoko hakuna kumboita kuti Pauro atye kuvaparidzira.
7 Hazvina kusiyanawo nezviri kuitika mazuva ano. SeZvapupu zvaJehovha, tinowanzopiwa mazita ekutsvinyirwa nemhaka yezvatinotenda. Vamwe vadzidzisi vanodzidzisa nyaya yekuti zvinhu zvakangovapo zvega, uye kuti munhu wese ane pfungwa dzinoshanda anofanira kuzvibvuma. Saka vanenge vachiti vaya vasingatendi zvavanodzidzisa vakapusa. Vanhu ivavo vakadzidza vanoda kuti isusu titorwe sevanhu vanongowawata patinotaura zvinodzidziswa neBhaibheri tichiratidza uchapupu hwekuti zvinhu zvakasikwa. Asi hazviiti kuti titye kuvaparidzira. Tinototaura nechivimbo patinotsigira dzidziso yekuti upenyu huri panyika hwakasikwa naJehovha Mwari.—Zvak. 4:11.
8. (a) Vamwe vakanzwa Pauro achiparidza vakati chii? (b) Chii chingave chikonzero chakaita kuti Pauro aendeswe kuAreyopago? (Ona mashoko emuzasi ari papeji 142.)
8 Vamwewo vakanzwa Pauro achiparidza pamusika vaiva nemamwewo maonero. Vakati: “Anenge muparidzi wavanamwari vekune imwe nyika.” (Mab. 17:18) Asi Pauro akanga achidzidzisa vaAtene nezvevamwe vanamwari vavasingazivi here? Iyi yakanga isiri nyaya yekutamba nayo, nekuti yakanga yakafanana neimwe yakanga yaurayirwa Socrates mazana emakore akanga apfuura. Ndokusaka Pauro akazoendwa naye kuAreyopago achinzi atsanangure dzidziso dzaakanga achitaura dzakanga dzisina kujairika kuvanhu vekuAtene. c Aizotsanangura sei zvaaiparidza kuvanhu vakanga vasingatombozivi Magwaro?
“Vanhu vemuAtene, Ndinoona Kuti” (Mabasa 17:22, 23)
9-11. (a) Pauro akaedza sei kuwana nyaya yaaibvumirana nevateereri vake? (b) Tingatevedzera sei zvakaitwa naPauro muushumiri hwedu?
9 Yeuka kuti Pauro haana kufara nekunamatwa kwezvidhori kwaaiona pese pese. Asi pane kuti atange kutaura achishora kunamata zvidhori, akaramba akadzikama. Akanyatsotaura nekungwarira, achiedza kuti awane chimwe chinhu chaanobvumirana nevanhu vakanga vakamuteerera. Akatanga nekuti: “Vanhu vemuAtene, ndinoona kuti pazvese zvamunoita munenge munotya vanamwari kupfuura zvinoita vamwe.” (Mab. 17:22, mashoko emuzasi) Aiita sekuti ari kuvaudza kuti, ‘Ndinoona kuti munofarira nyaya dzekunamata.’ Akaratidza kuchenjera nekuvarumbidza nekuti vaifarira nyaya dzechitendero. Aiziva kuti vamwe vainge vakapofumadzwa nedzidziso dzenhema vanogona kunge vaine mwoyo inogamuchira mashoko akanaka. Pauro aiziva kuti iye pachake akatomboita zvinhu ‘nekusaziva uye asina kutenda.’—1 Tim. 1:13.
10 Achitangira panyaya iyoyo yavaibvumirana, Pauro akataura kuti chakaita kuti aone kuti vaifarira zvekunamata iatari yakanyorwa kuti “Kuna Mwari Asingazivikanwi.” Rimwe bhuku rinoti, “VaGiriki vaiva netsika yekugadzira atari kuna ‘vanamwari vasingazivikanwi,’ vachityira kuti pavanenge vachinamata vanogona kunge vasiyirira mumwe mwari angazovatsamwira.” Kugadzira kwavakaita atari iyoyo kwairatidza kuti vaAtene vaibvuma kuti kuna Mwari wavasingazivi. Pauro akashandisa nyaya yeatari iyi kuti achinjire kumashoko akanaka aakanga achiparidza. Akatsanangura kuti: “Chamuri kunamata musingazivi, ndicho chandiri kukuzivisai.” (Mab. 17:23) Pauro akataura achitenderera asi mashoko ake aiva nesimba. Akanga asingaparidzi nezvamwari mutsva kana kuti asinganzwisisiki, sezvakanga zvataurwa nevamwe. Aivatsanangurira nezvaMwari wavakanga vasingazivi ivo, Mwari wechokwadi.
11 Tingatevedzera Pauro sei muushumiri hwedu? Kana tichicherechedza, tinogona kuona chimwe chinhu chinoratidza kuti munhu anofarira zvekunamata, chingava chaakapfeka kana kuti chiri mumba make kana pachivanze. Tinogona kubva tati: ‘Ndaona kuti munofarira zvekunamata. Ndanga ndichitotsvagawo munhu akadaro kuti nditaure naye.’ Kana tikaratidza nekungwarira kuti tinoremekedza chitendero chemunhu tichawana pekutangira kutaura naye pasina nharo. Yeuka kuti chinangwa chedu hachisi chekutonga vanhu maererano nezvavanotenda. Pakati pedu pane vakawanda vaitombotenda nemwoyo wese dzidziso dzenhema.
Mwari Haasi “Kure Nemumwe Nemumwe Wedu” (Mabasa 17:24-28)
12. Pauro akataura sei zvinoenderana nevateereri vake?
12 Pauro aizokwanisa kuramba achipupurira vateereri vake zvisingamutsi nharo here? Achiziva kuti vateereri vake vakanga vakadzidza dzidziso dzechiGiriki, vasingazivi Magwaro, akashandisa nzira nhatu kuti nyaya yake irambe ichifadza vateereri vake. Nzira yekutanga ndeyekuti akataura dzidziso dzeBhaibheri asi asingatori Magwaro sezvaari. Yechipiri ndeyekuti akataura navo achizviisawo pakati pavo, achishandisa mashoko akadai sekuti “wedu” uye “tive.” Yechitatu ndeyekuti akatorawo mashoko mumabhuku echiGiriki kuti avaratidze kuti zvimwe zvinhu zvaaivadzidzisa zvaitobvawo mumabhuku avo. Iye zvino ngatichiongororai mharidzo yaPauro ine simba. Akabudisa chokwadi chipi nezvaMwari akanga asingazivikanwi nevaAtene?
13. Pauro akatsanangura kuti zvinhu zvese zvakabva kupi, uye mashoko ake airevei?
13 Mwari ndiye akasika zvinhu zvese. Pauro akati: “Mwari akaita nyika nezvinhu zvese zviri mairi ndiye Ishe wedenga nenyika, saka haagari mutemberi dzakaitwa nemaoko.” d (Mab. 17:24) Zvinhu hazvina kungovapo zvega. Mwari wechokwadi ndiye Musiki wezvinhu zvese. (Pis. 146:6) Changamire Ishe wedenga nenyika haakwani mutemberi dzakavakwa nevanhu sezvaiita vanamwari vakadai saAthena nevamwe vaitofanira kuvakirwa temberi neatari kuti vakudzwe. (1Mad. 8:27) Mashoko aPauro akanga akajeka: Mwari wechokwadi mukuru uye anoshamisa kupfuura zvidhori zvese zvakagadzirwa nevanhu zvaiwanikwa mutemberi dzakaitwa nevanhu.—Isa. 40:18-26.
14. Pauro akaratidza sei kuti Mwari haana chaanoda kubatsirwa nacho nevanhu kuti avepo?
14 Mwari haana chaanoda kubatsirwa nacho nevanhu kuti avepo. Vanhu vainamata zvidhori vaiwanzozvipfekedza mbatya dzinodhura, vachizviunzira zvipo zvinodhura, vachitozviunzira zvekudya nezvekunwa, sekunge kuti zvidhori zvacho zvairaramiswa nezvinhu zvakadaro! Asi pane vamwe pakati pevaGiriki ivavo vanogona kunge vaitenda kuti vanamwari havana chavanoda kubva kuvanhu. Kana zvakadaro, vanofanira kunge vakabvumirana nemashoko aPauro paakati Mwari “haashandirwi nemaoko evanhu sekunge kuti pane chaanoshayiwa.” Musiki wedu hapana chaanoshayiwa chaangada kuti vanhu vamupe! Ndiye anotopa vanhu vese “upenyu nemweya wekufema nezvinhu zvese,” kusanganisira zuva, mvura inonaya, uye ivhu rinobereka. (Mab. 17:25; Gen. 2:7) Saka Mwari, anova ndiye Mupi, haararamiswi nevanhu vaanopa vacho.
15. Pauro akabata sei nyaya yekuti vaAtene vaiona munhu wese asiri muGiriki seakaderera kuvapfuura, uye tinowana chidzidzo chipi panzira yaakashandisa?
15 Mwari ndiye akasika vanhu. VaAtene vaifunga kuti kana munhu asiri muGiriki akaderera kuvapfuura. Asi kudada nenyika yako kana rudzi rwako kunopesana nechokwadi chiri muBhaibheri. (Dheut. 10:17) Pauro akashandisa unyanzvi uye akataura nekungwarira nyaya iyi iri nyore kutsamwisa vamwe vanhu. Paakati, “[Mwari] akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete,” anofanira kunge akaita kuti vateereri vake vafunge. (Mab 17:26) Aitaura nyaya yaAdhamu, mubereki wevanhu vese, iri muna Genesisi. (Gen. 1:26-28) Sezvo vanhu vese vakabva kumunhu mumwe chete, hapana rudzi rwunonzi runopfuura rumwe. Vanhu vaiteerera Pauro vaisambotadza kunzwisisa zvaaireva. Pane zvatinodzidza panzira yaakashandisa iyi. Kunyange zvazvo zvichikosha kuti tingwarire uye tive vanhu vanonzwisisa patinoparidza, hatizofaniri kuvanza zviri muBhaibheri tichida kufadza vanhu.
16. Mwari akasika vanhu nechinangwa chei?
16 Chinangwa chaMwari ndechekuti vanhu vaswedere pedyo naye. Kunyange zvazvo vanhu vakadzidza vechiGiriki vaitaurwa navo naPauro vakanga vava nemakore vachiitisana nharo nezvechinangwa cheupenyu, hapana akanga akwanisa kuchitsanangura zvinogutsa. Asi Pauro akanyatsobudisa chinangwa chakasikirwa vanhu chekuti, “vatsvage Mwari, pamwe vachitoita zvekumutsvanzvadzira, vomuwana, kunyange zvazvo asiri kure nemumwe nemumwe wedu.” (Mab. 17:27) Mwari akanga asingazivikanwi nevaAtene anokwanisa kuzivikanwa. Haasi kure nevaya vanonyatsoda kumuwana uye kudzidza nezvake. (Pis. 145:18) Cherechedza kuti Pauro akashandisa shoko rekuti “wedu” achireva kuti naiyewo aiva pakati pevanhu vaifanira ‘kutsvaga Mwari’ uye ‘kumutsvanzvadzira.’
17, 18. Nei vanhu vachifanira kuswedera pedyo naMwari, uye tingadzidzei panzira yakashandiswa naPauro kuti anyatsobatsira vateereri vake?
17 Vanhu vakasikwa vachifanira kuswedera pedyo naMwari. Pauro akati Mwari “ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” Vamwe vaongorori vanoti Pauro aishandisa mashoko emudetembi wekuKrete anonzi Epimenides, akararama mazana emakore akanga apfuura uye “aikosheswa zvikuru panyaya dzechitendero nevaAtene.” Pauro akapa chimwe chikonzero nei vanhu vachifanira kuswedera pedyo naMwari paakati: “Sezvakatotaurwa nevamwe vadetembi venyu kuti, ‘Nekuti tiri vana vakewo.’” (Mab. 17:28) Vanhu vanofanira kunzwa vari pedyo naMwari nekuti ndiye akavasika vachibva pamunhu mumwe chete. Pauro akatora mashoko pazvinyorwa zvechiGiriki zvairemekedzwa nevateereri vake achida kuti mashoko acho anyatsoti dyoo paaida. e Isuwo tinogona kutevedzera zvakaitwa naPauro, nekutora mamwe mashoko mumabhuku ekunyika, maduramanzwi, nemamwewo avanoremekedza, asi tisingazonyanyisi. Tikatora mashoko mune rimwe bhuku rinoremekedzwa tinogona kubatsira mumwe munhu asiri Chapupu kunzwisisa kuti zvimwe zvinhu zvinoitwa mune zvimwe zvitendero zvakabva mudzidziso dzenhema.
18 Kusvika pari zvino, Pauro ane zvinhu zvinoverengeka zvinokosha zvaadzidzisa nezvaMwari, achishandisa mashoko anoenderana nevanhu vaari kutaura navo. Muapostora Pauro ari kuda kuti vanhu vaari kutaura navo vaite sei nezvaari kuvadzidzisa? Akabva atanga kuvataurira zvaari kuda kuti vaite.
“Vanhu Vese Kwese Kwese . . . Vanofanira Kupfidza Zvivi Zvavo” (Mabasa 17:29-31)
19, 20. (a) Pauro akabudisa sei nekungwarira chokwadi chekuti kunamata zvidhori zvakaitwa nevanhu upenzi? (b) Idanho ripi raifanira kutorwa nevanhu vaitaurwa navo naPauro?
19 Pauro akanga agadzirira kukurudzira vateereri vake kuti vashandise zvaaidzidzisa. Achidzokera kumashoko aya akatorwa muzvinyorwa zvechiGiriki, akati: “Sezvo tiri vana vaMwari, hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana negoridhe kana nesirivha kana nedombo, sechimwe chinhu chakafungwa nemunhu akachiveza.” (Mab. 17:29) Zvaari kutaura ndezvekuti, kana vanhu vakasikwa naMwari, zvingaita here kuti zvinzi akafanana nezvidhori zvakatogadzirwa nevanhu vacho? Mashoko akataurwa naPauro nekungwarira akaratidza kuti kunamata zvidhori zvakagadzirwa nevanhu upenzi. (Pis. 115:4-8; Isa. 44:9-20) Kuzvibatanidza kwaakaita achiti “hatifaniri” kunofanira kunge kwakaita kuti mashoko acho asarwadza vaianzwa.
20 Pauro akabva avaratidza pachena kuti vaifanira kuita chimwe chinhu achiti: “Mwari akafuratira nguva dzekusaziva kwakadaro [kwekufunga kuti Mwari aizofarira vanhu vanonamata zvidhori]; asi iye zvino ari kuzivisa vanhu vese kwese kwese kuti vanofanira kupfidza zvivi zvavo.” (Mab. 17:30) Vamwe vainzwa Pauro achitaura vanofanira kunge vakavhunduka paakataura nezvekupfidza zvivi. Asi mharidzo yake ine simba yakanyatsobudisa pachena kuti upenyu hwavo hwaibva kuna Mwari, saka vaizvidavirira kwaari. Vaifanira kutsvaga Mwari, kudzidza chokwadi nezvake, uye kuita kuti upenyu hwavo hwese huenderane nechokwadi ichocho chavainge vadzidza. Vaifanira kuziva kuti kunamata zvidhori chivi vosiyana nako.
21, 22. Pauro akapedzisa mharidzo yake nemashoko api ane simba, uye mashoko iwayo anorevei kwatiri nhasi?
21 Pauro akapedzisa mharidzo yake nemashoko ane simba ekuti: “[Mwari] akatara zuva raanoda kutonga nyika nekururama achishandisa munhu waakagadza, uye akaratidza vanhu vese kuti achazviita nekumumutsa kuvakafa.” (Mab. 17:31) Kuziva kuti Mwari wechokwadi ane zuva raachatonga nyika kunofanira kuita kuti vanhu vamutsvage uye vamuwane! Pauro haana kutaura zita reMutongi wacho akagadzwa. Asi Pauro akataura chimwe chinhu chinoshamisa nezveMutongi uyu: Akanga ararama semunhu wenyama, akazofa, uye akanga amutswa naMwari!
22 Mashoko ekupedzisira iwayo ane simba anoreva zvakawanda kwatiri nhasi. Tinoziva kuti Mutongi wacho akagadzwa naMwari ndiJesu Kristu. (Joh. 5:22) Tinozivawo kuti zuva racho richatongwa vanhu rakareba makore 1 000 uye kuti rava pedyo zvikuru. (Zvak. 20:4, 6) Isu hatityi zuva iroro nekuti tinoziva kuti richaunza makomborero anoshamisa kuvanhu vese vachanzi vakarurama. Kumutswa kwakaitwa Jesu Kristu, kunova ndiko chishamiso chikuru chati chamboitika, kunoita kuti tive nechokwadi chekuti tariro yedu yeramangwana rinoshamisa ichazadziswa!
“Vamwe . . . Vakava Vatendi” (Mabasa 17:32-34)
23. Vanhu vakaita sei pavakanzwa mharidzo yaPauro?
23 Mharidzo yaPauro yakagamuchirwa zvakasiyana-siyana nevanhu vaakaparidzira. “Vamwe vakatanga kuseka” pavakanzwa nezvekumuka kwevakafa. Vamwe vakaremekedza havo zvaakataura asi havana kuvimbisa kuti vachaita chimwe chinhu, vachingoti, “Tozokunzwa zvakare uchitaura izvozvo.” (Mab. 17:32) Asiwo kune vamwe vashomanana vakafarira mashoko ake nekuti “vamwe vanhu vakabatana naye, vakava vatendi. Vamwe vavo vaiva Dhiyonisiyo, mutongi wedare reAreyopago, nemumwe mukadzi ainzi Dhamarisi, nevamwewo.” (Mab. 17:34) Ndizvo zvatinosanganawo nazvo muushumiri. Vamwe vanhu vanogona kutitsvinyira, asi vamwewo vanogona kupindura zvine ruremekedzo asi vasingaiti zvatinoparidza. Asi tinofarawo kana vamwe vakagamuchira Shoko reUmambo vova vatendi.
24. Tinodzidzei pamharidzo yakapiwa naPauro paAreyopago?
24 Patinofungisisa mharidzo yaPauro, tinodzidza zvakawanda nezvekuronga pfungwa dzatinoda kukurukura zvinonyatsotevedzana uye kupa uchapupu hunogutsa hunoenderana nevanhu vatiri kuparidzira. Tinodzidzawo kuva nemwoyo murefu uye kungwarira patinoparidzira vanhu vakapofumadzwa nedzidziso dzenhema. Tinowanawo chimwe chidzidzo ichi chinokosha: Hatifaniri kuvanza chokwadi chiri muBhaibheri kuti tifadze vanhu. Asi kana tichitevedzera muapostora Pauro, tichava vadzidzisi vanobudirira muushumiri. Uye vatariri vanobva vakwanisa kunyatsodzidzisa muungano. Saka tichange tanyatsokwanisa kubatsira vamwe kuti “vatsvage Mwari . . . vomuwana.”—Mab. 17:27.
a Ona bhokisi rakanzi “ Atene, Guta Rakanga Rakakurumbira, Raiitwa Zvakawanda”.
b Ona bhokisi rakanzi “ VaEpikuro nevaStoiki”.
c Areyopago yaiva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweAcropolis. Ndiyo nzvimbo yaiunganira dare guru reAtene. Shoko rekuti “Areyopago” rinogona kunge richireva dare racho kana kuti gomo pacharo. Saka vanoongorora vanosiyana panyaya yekuti Pauro akaendeswa pagomo iri kana kuti pedyo naro here kana kuti kudare raiungana kune imwe nzvimbo, zvichida pamusika.
d Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “nyika” ndikoʹsmos, raishandiswa nevaGiriki kureva zvinhu zvese zvinooneka panyika nemudenga. Pauro anogona kunge akashandisa shoko iri richireva izvozvo achiitira kuti arambe achinzwisisana nevateereri vake.
e Pauro akatora mashoko kubva munhetembo yainzi Phaenomena, yakanyorwa nemudetembi wechiStoiki ainzi Aratus. Mamwe mashoko akafanana neiwayo anowanika mune mamwe mabhuku echiGiriki, kusanganisira rinonzi Hymn to Zeus, rakanyorwa naCleanthes munyori wechiStoiki.