Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 1

Nhanganyaya Yakanaka

Nhanganyaya Yakanaka

Mabasa 17:22

PFUPISO YECHIDZIDZO: Nhanganyaya yako inofanira kuita kuti vanhu vade kunzwa zvauchataura, ichibudisa pachena nyaya yauri kuda kutaura, uye ichiratidza kuti nei vachifanira kukoshesa nyaya yacho.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti vanhu vade kunzwa. Tsvaga mubvunzo, chirevo, kana nyaya yakatoitika, kana zvakabuda munhau zvinogona kufarirwa nevateereri vako.

  • Budisa pachena nyaya yauri kuda kutaura. Ita kuti vateereri vazive nyaya yauri kuda kutaura uye chinangwa chako.

  • Ratidza kuti nyaya yacho yakakosherei. Ita kuti zvauri kutaura zvibatsire vateereri vako. Vanofanira kunyatsoona kushanda kunoita nyaya yacho muupenyu hwavo.