Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 10

Kusiyanisa Inzwi

Kusiyanisa Inzwi

Zvirevo 8:4, 7

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti zvauri kutaura zvijeke uye zvibate-bate vateereri vako kuburikidza nekukwidza kana kudzikisa inzwi rako, kurikoresa kana kuritetepesa, uye kukurumidza kana kunonoka kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Kwidza kana kuti dzikisa inzwi rako. Kwidza inzwi rako kuti usimbise pfungwa huru kana kuti ukurudzire vateereri. Itawo izvozvo paunenge uchiverenga mitongo iri muBhaibheri. Deredza inzwi kuti vateereri vave nechido chekunzwa zvawava kuda kutaura, kana kuti paunenge uchida kuratidza kutya kana kunetseka.

  • Koresa kana kuti tetepesa inzwi rako. Kana zvichiita mumutauro wako, tetepesa inzwi rako kuti uratidze kuti une chido nezvauri kutaura, kana kuti uratidze kukura kwechinhu kana kureba kwedaro. Dzikisa inzwi rako kuti uratidze kusuruvara kana kunetseka.

  • Kurumidza kana kuti nonoka kutaura. Taura uchikurumidza paunenge uchitaura zvinhu zvinonakidza. Taura uchinonokera paunenge uchitaura pfungwa dzinokosha.