CHIDZIDZO 12
Kufarira Vanhu Nekuvanzwira Tsitsi
MAITIRWO AZVO:
-
Funga nezvevateereri vako. Kuti ugadzirire mwoyo wako, funga matambudziko avari kusangana nawo. Fungidzira kuti vari kunzwa sei.
-
Nyatsosarudza mashoko ako. Taura zvinoita kuti vateereri vazorodzwe, vanyaradzwe, uye vakurudzirwe. Usataura mashoko anogona kuvagumbura, uye usatsoropodza vanhu vasingatendi kana kuti dzidziso dzavanokoshesa.
-
Ratidza kuti unoda vateereri. Inzwi rako nezvaunoita nhengo dzemuviri ngazviratidze kuti unoda vateereri. Fungawo nezvechiso chako; nyemwerera kakawanda.