Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 14

Kusimbisa Pfungwa Huru

Kusimbisa Pfungwa Huru

VaHebheru 8:1

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti vateereri vafambe newe muhurukuro yako, uye jekesa kuti pfungwa huru imwe neimwe inoenderana papi nechinangwa chehurukuro yako nemusoro wayo.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga kuti chinangwa chako ndechei. Funga kuti chinangwa chehurukuro yako ndechekuita kuti vateereri vazive zvimwe zvinhu here, vanyatsotenda zvimwe zvinhu here kana kuti ndechekuvakurudzira, wogadzirira hurukuro yako uchifunga izvozvo. Ita kuti pfungwa huru imwe neimwe ikubatsire pakuzadzisa chinangwa chako.

  • Simbisa musoro wenyaya yako. Ramba uchidzokorora musoro wenyaya yako kuburikidza nekudzokorora mashoko anokosha emusoro wacho kana kuti nekutaura mamwe mashoko anoreva zvakafanana nawo.

  • Ita kuti pfungwa huru dzijeke uye dzive nyore kubata. Sarudza pfungwa huru dzinoenderana nemusoro wako chete uye dzaunogona kunyatsodzidzisa munguva yawakapiwa. Usataura pfungwa huru dzakawandisa, taura pfungwa huru imwe neimwe zvakajeka, mira zvishoma usati wataura imwe, uye ratidza kuti pfungwa huru yawava kuda kukurukura inobatana papi neyawabva kutaura.