Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 15

Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura

Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura

1 VaTesaronika 1:5

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ratidza kuti unotenda zvakasimba kuti zvauri kutaura ndezvechokwadi uye zvinokosha.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsogadzirira. Dzidza nyaya yako kusvikira wava kunzwisisa pfungwa huru uye wava kunzwisisa kuti Magwaro anoratidza sei kuti ndedzechokwadi. Edza kutaura pfungwa dzacho huru nemashoko mashoma uye ari nyore. Nyanya kufunga nezvekuti dzichabatsira sei vateereri vako. Nyengeterera mweya mutsvene.

  • Shandisa mashoko anoratidza kuti une chokwadi nezvauri kutaura. Pane kungodzokorora mashoko akanyorwa sezvaari, shandisa mashoko ako. Mashoko aunoshandisa anofanira kuratidza kuti une chokwadi nezvauri kutaura.

  • Taura uchiratidza kuti uri kurevesa uye uri pachokwadi. Taura nenzwi rinonyatsonzwika. Kana zvisina kuipa munharaunda yenyu, ramba uchitarisana nevateereri.