CHIDZIDZO 18
Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu
1 VaKorinde 9:19-23
PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti vateereri vafunge, kuti vasare vachiona kuti pane chimwe chinhu chinokosha chavadzidza.
MAITIRWO AZVO:
-
Funga zvinotozivikanwa nevateereri vako. Pane kungotaura zvinhu zvavanotoziva, vabatsire kuti vave nemamwe maonero panyaya yavagara vachiziva.
-
Tsvaga mashoko uye fungisisa. Pazvinenge zvichiita, taura zvinhu zvisinganyanyi kuzivikanwa nevateereri kana zvinhu zvichangobva kuitika kuti utsanangure pfungwa huru. Nyatsofunga kuti zvinhu izvozvo zvinobatana sei nenyaya yauchataura nezvayo.
-
Ratidza kuti mashoko acho anoshanda sei. Tsanangura kuti pfungwa dziri muMagwaro dzinogona kubatsira sei vateereri vako muupenyu hwavo. Taura mamiriro ezvinhu, mafungiro, kana maitiro anonyatsobatwa nepfungwa dzauri kudzidzisa.