Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 18

Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu

Ita Kuti Vateereri Vadzidze Chimwe Chinhu

1 VaKorinde 9:19-23

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti vateereri vafunge, kuti vasare vachiona kuti pane chimwe chinhu chinokosha chavadzidza.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga zvinotozivikanwa nevateereri vako. Pane kungotaura zvinhu zvavanotoziva, vabatsire kuti vave nemamwe maonero panyaya yavagara vachiziva.

  • Tsvaga mashoko uye fungisisa. Pazvinenge zvichiita, taura zvinhu zvisinganyanyi kuzivikanwa nevateereri kana zvinhu zvichangobva kuitika kuti utsanangure pfungwa huru. Nyatsofunga kuti zvinhu izvozvo zvinobatana sei nenyaya yauchataura nezvayo.

  • Ratidza kuti mashoko acho anoshanda sei. Tsanangura kuti pfungwa dziri muMagwaro dzinogona kubatsira sei vateereri vako muupenyu hwavo. Taura mamiriro ezvinhu, mafungiro, kana maitiro anonyatsobatwa nepfungwa dzauri kudzidzisa.