Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 2

Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri

Kuita Seuri Kutaurirana Nevateereri

2 VaKorinde 2:17

PFUPISO YECHIDZIDZO: Taura sezvaunoita mazuva ese, uchinyatsoratidza kuti unonzwa sei nezvenyaya yacho uye nezvevateereri vako.

MAITIRWO AZVO:

  • Nyatsogadzirira uye nyengetera. Nyengeterera kuti uise pfungwa dzako pamashoko auri kuda kutaura, kwete pauri. Nyatsoziva pfungwa huru dzauri kuda kutaura. Shandisa mashoko ako; usangodzokorora mashoko akanyorwa sezvaari.

  • Taura zvichibva pamwoyo. Funga kuti nei vateereri vako vachifanira kunzwa zvauri kuda kutaura. Isa pfungwa dzako pavari. Kana ukadaro, mamiriro ako, zvaunoita nhengo dzemuviri uye chiso chako, zvichabva zvaratidza kuti une ushamwari uye uri kutaura zvichibva pamwoyo.

  • Tarisa vateereri vako. Ramba uchitarisa vateereri vako kana zvisingazovavhiringi. Kana uchipa hurukuro, tarisa muteereri mumwe chete wozoenda pane mumwe, pane kungovatarisa seboka kana kuti kungokanda maziso pavari.