Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 20

Mhedziso Yakanaka

Mhedziso Yakanaka

Muparidzi 12:13, 14

PFUPISO YECHIDZIDZO: Pamashoko ako ekupedzisa, batsira vateereri kuti vabvume zvavadzidza uye kuti vazviite.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti mhedziso yako ibatane nemusoro wenyaya yako. Dzokorora musoro wako nepfungwa huru. Unogonawo kuzviita uchishandisa mamwe mashoko.

  • Kurudzira vateereri vako. Ratidza vateereri vako zvavanofanira kuita, uye vape zvikonzero zvinogutsa zvekuita izvozvo. Taura zvichibva pamwoyo, uchiratidza kuti unotenda zvakasimba kuti zvauri kutaura zvinokosha.

  • Mashoko ako ekupedzisa ngaave nyore uye mapfupi. Usatange kutaura dzimwe pfungwa huru itsva. Uchishandisa mashoko mashoma, kurudzira vateereri vako kuti vaite zvavadzidza.