CHIDZIDZO 3
Kubvunza Mibvunzo
Mateu 16:13-16
PFUPISO YECHIDZIDZO: Bvunza mibvunzo inoita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa, inobatsira vateereri kuti vafunge uye inosimbisa pfungwa huru.
MAITIRWO AZVO:
-
Ita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa. Bvunza mibvunzo yekuti vanhu vapindure vega mupfungwa dzavo kana kuti inoita kuti vade kunzwa mhinduro.
-
Ita kuti vanhu vafunge. Ita kuti vateereri vako vafambe newe panyaya yako kuburikidza nekubvunza mibvunzo inotevedzana inoita kuti vasvike vega pamhedziso.
-
Simbisa pfungwa huru. Paunenge wava kubudisa pfungwa huru, bvunza mubvunzo unoita kuti vanhu vade kunzwa. Bvunza mibvunzo yekudzokorora pfungwa inokosha yaunenge wapedza kutaura kana kuti yekupedzisa nayo nyaya yawanga uchitaura.