Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 3

Kubvunza Mibvunzo

Kubvunza Mibvunzo

Mateu 16:13-16

PFUPISO YECHIDZIDZO: Bvunza mibvunzo inoita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa, inobatsira vateereri kuti vafunge uye inosimbisa pfungwa huru.

MAITIRWO AZVO:

  • Ita kuti vanhu vafarire uye varambe vachida kunzwa. Bvunza mibvunzo yekuti vanhu vapindure vega mupfungwa dzavo kana kuti inoita kuti vade kunzwa mhinduro.

  • Ita kuti vanhu vafunge. Ita kuti vateereri vako vafambe newe panyaya yako kuburikidza nekubvunza mibvunzo inotevedzana inoita kuti vasvike vega pamhedziso.

  • Simbisa pfungwa huru. Paunenge wava kubudisa pfungwa huru, bvunza mubvunzo unoita kuti vanhu vade kunzwa. Bvunza mibvunzo yekudzokorora pfungwa inokosha yaunenge wapedza kutaura kana kuti yekupedzisa nayo nyaya yawanga uchitaura.