Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 4

Kusuma Magwaro Zvakanaka

Kusuma Magwaro Zvakanaka

Mateu 22:41-45

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti pfungwa dzevateereri dzigadzirire kunzwa rugwaro usati waruverenga.

MAITIRWO AZVO:

  • Funga kuti nei uri kuverenga rugwaro rwacho. Paunosuma rugwaro rwega rwega ita kuti vateereri vazive pfungwa huru yauri kuda kubudisa nerugwaro rwacho.

  • Ita kuti vanhu varemekedze Bhaibheri. Kana uchitaura nevanhu vanotenda muna Mwari ita kuti vaone kuti Bhaibheri iShoko raMwari, uchiratidza kuti hapana kumwe kwatingawana uchenjeri hungapfuura huri muBhaibheri.

  • Ita kuti vateereri vade kunzwa zviri murugwaro rwacho. Bvunza mubvunzo unopindurwa nerugwaro rwacho, taura dambudziko rinogona kugadziriswa nezviri murugwaro rwacho, kana kuti taura pfungwa inokosha inobudiswa nenyaya yemuBhaibheri yauchaverenga.