Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 7

Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo

Mashoko Akarurama Uye Ane Umboo

Ruka 1:3

PFUPISO YECHIDZIDZO: Taura zvinhu zvine umboo hwekuti ndezvechokwadi kuti ubatsire vateereri vako kuti vasare vaine pfungwa yakarurama.

MAITIRWO AZVO:

  • Tsvaga mashoko akarurama. Taura zviri muShoko raMwari, uchiriverenga pese pazvinoita. Kana uchizotaura zvakaongororwa nevesayenzi, kana zvakabuda munhau, kana zvimwe zvinhu zvakaitika, kana humwewo uchapupu, gara waongorora kuti mashoko acho akarurama here uye kuti haana kuzochinja here nekufamba kwenguva.

  • Usashandisa mashoko zvisiri izvo. Tsanangura magwaro zvisingapesani nenyaya inenge ichitaurwa, nedingindira reBhaibheri, uye nezvakabudiswa ‘nemuranda akatendeka, akangwara.’ (Mat. 24:45) Shandisa mashoko akanyorwa kana akataurwa nemumwe munhu usingapesani nepfungwa yaaitaura uye nechinangwa chake.

  • Batsira vateereri kuti vafunge uchishandisa uchapupu huripo. Kana waverenga rugwaro kana kuti wataura mashoko evamwe vanhu, bvunza mibvunzo yakakodzera kana kuti ipa muenzaniso wekushanda kwazvo kuti vateereri vaone vega kuti vanofanira kuitei.