Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 8

Mienzaniso Inodzidzisa

Mienzaniso Inodzidzisa

Mateu 13:34, 35

PFUPISO YECHIDZIDZO: Vandudza madzidzisiro ako kuburikidza nekushandisa mienzaniso iri nyore uye inosvika pamwoyo yevateereri, ichidzidzisa pfungwa dzinokosha.

MAITIRWO AZVO:

  • Shandisa mienzaniso iri nyore. SaJesu, shandisa zvinhu zvidiki pakutsanangura zvinhu zvikuru, uye zvinhu zviri nyore pakutsanangura zvinhu zvakaoma. Usataura zvinhu zvisingakoshi, izvo zvinogona kuita kuti muenzaniso wacho uome. Iva nechokwadi chekuti zvauchataura mumuenzaniso wako zvinonyatsobudisa chidzidzo chacho kuti vateereri vako vasavhiringidzwa nezvinhu zvisinei nepfungwa yauri kutaura.

  • Funga vateereri vako. Sarudza mienzaniso yezvinhu zvinofarirwa nevateereri vako uye zvavanoita muupenyu. Chenjerera kuti mienzaniso yako irege kuvanyadzisa kana kuti kuvagumbura.

  • Dzidzisa pfungwa huru. Shandisa mienzaniso pakubudisa pfungwa huru, kwete pazvinhu zvidiki. Ita kuti vateereri vako vasangoyeuka muenzaniso wacho chete, asiwo pfungwa yavadzidza pamuenzaniso wacho.