Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 9

Kushandisa Zvakanaka Zvinhu Zvinooneka

Kushandisa Zvakanaka Zvinhu Zvinooneka

Genesisi 15:5

PFUPISO YECHIDZIDZO: Shandisa zvinhu zvinooneka kuti zvauri kudzidzisa zviwedzere kujeka uye kuti zvive nyore kuyeuka.

MAITIRWO AZVO:

  • Shandisa zvinhu zvinooneka zvichaita kuti zvauri kudzidzisa zvijeke. Shandisa mifananidzo, machati ane misi yakaitika zvinhu, mamepu, kana kuti zvimwewo zvinhu zvinooneka kuti usimbise pfungwa dzinokosha, kwete zvinhu zvidiki. Batsira vateereri kuti vasangoyeuka zvinhu zvinooneka zvaunenge washandisa chete, asi kuti vayeukewo pfungwa yawanga uchidzidzisa.

  • Iva nechokwadi chekuti vateereri vako vari kuona chinhu chauri kushandisa.