Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

‘Munofanira kuva vadzidzisi.’ (VaH. 5:12) Chimbozvifunga! Jehovha, Mudzidzisi anopfuura vese kudenga nepanyika, ndiye ari kutipa basa rekudzidzisa vamwe nezvake! Kudzidzisa nezvaJehovha, mungava mumhuri, muungano, kana kuti muushumiri iropafadzo, asiwo ibasa rakakura. Tingaitei kuti tidzidzise nemazvo?

Mhinduro yacho iri mumashoko akanyorwa nemuapostora Pauro kuna Timoti ekuti: “Ramba uchishingairira kuverenga paruzhinji, kukurudzira, uye kudzidzisa.” Pauro akawedzera kuti: “Kana ukadaro uchazviponesa iwe pachako, nevaya vanokuteerera.” (1 Tim. 4:13, 16) Une mashoko anoponesa vanhu. Saka zvinokosha kuti uvandudze maverengero nemadzidzisiro ako. Bhuku rino rakanyorerwa kuti rikubatsire kuita izvozvo. Chimboona zvimwe zviri mariri.

Papeji imwe neimwe panenge paine rugwaro rune chekuita nepfungwa yechidzidzo chacho kana kuti runoratidza kuti vamwe vakambozviita sei kare

Jehovha ndiye ‘Murayiridzi Mukuru.’ (Isa. 30:20) Bhuku rino richakubatsira kuti uvandudze unyanzvi hwako pakuverenga nepakudzidzisa asi usakanganwa kuti mashoko atinodzidzisa anobva kuna Jehovha uye kuti ndiye anoita kuti vanhu vauye kwaari. (Joh. 6:44) Saka gara uchinyengeterera mweya mutsvene. Gara uchishandisa Shoko raMwari. Ita kuti vanhu vafunge nezvaJehovha, kwete iwewe. Edza kuita kuti vanhu vaunenge uchidzidzisa vamude zvikuru.

Wakapiwa basa rekudzidzisa mashoko anokosha chaizvo kupfuura mamwe ese. Tinovimba kuti uchabudirira kana ‘ukavimba nesimba rinopiwa naMwari.’—1 Pet. 4:11.

Vadzidzisi sewe,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha