Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chivi

Chivi

Chii chinonzi chivi, uye nei tese tiinacho?

Bhaibheri rinotiratidza sei kuti tinogona kurwisa zvido zvatiinazvo zvekuita zvakaipa?

VaR 6:​12-14

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Sa 11:​2-5, 14, 15, 26, 27; 12:​1-13—Mambo Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura akarangwa uye akaratidza kuti akanga apfidza

    • VaR 7:​15-24—Pauro akanga aine kutenda kwakasimba uye akanga akazvipira kuna Mwari asi aifanira kushanda nesimba kuti abvise mafungiro nezvido zvakaipa zvaaiva nazvo

Chii chinoita kuti vanhu vakawanda vatadze?

Nemhaka yei iri nyaya hombe kana munhu akaramba achitadza nemaune?

Satani anogona kushandisei kuti atiedze?

Zvi 1:​10, 11, 15; Mt 5:28; Jak 1:​14, 15

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 3:​1-6—Satani akashandisa nyoka kuti aite kuti Evha atange kuzvifunga uye ave nemakaro uye izvi zvakaita kuti Evha asavimbe naJehovha

    • Zvi 7:​6-10, 21-23—Mambo Soromoni akataura nezverimwe jaya risina pfungwa rakapinda mumuedzo wekuita upombwe nepfambi

Tingakunda sei miedzo yaSatani?

VaE 4:27; 6:​10-18; Jak 4:​7, 8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Zvi 5:​1-14—Sezvinoita baba vanorayira mwanakomana wavo, Mambo Soromoni akataura mazano akanaka aibva kuna Jehovha nezvekuti nei tisingafaniri kuita upombwe uye kuti tingadzivisa sei muedzo wacho

    • Mt 4:​1-11—Jesu akashandisa zviri muShoko raMwari kuti akunde miedzo yaibva kuna Satani

Ndezvipi zvimwe zvivi zvakakura zvisingafaniri kuitwa nevaKristu?

Onawo “Zvinhu Zvakaipa

Kureurura zvivi

Nei tisingafaniri kuvanza zvivi zvatinenge taita?

Tinofanira kureurura zvivi zvedu kunaani?

Ndiani “mubatsiri” anotitetererera kuna Jehovha?

Munhu angaratidza sei kuti apfidza zvivi zvake?

Mab 26:20; Jak 4:​8-10

Onawo “Kupfidza

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 22:​1-12—Mutemo waMozisi waiti munhu anenge aba aifanira kuripa vanhu vaanenge abira

    • Ru 19:​8, 9—Zakeyo aiva mukuru wevateresi uye akaratidza kuti akanga apfidza nekuripa vanhu vaakanga abiridzira mari dzavo

Nei tiine chokwadi chekuti Jehovha anotiregerera?

Onawo “Kuregerera

Jehovha akaita urongwa hupi hwekubatsira vanhu vanenge vaita zvivi zvakakura uye hwekudzivirira ungano?

Chivi chikuru chinenge chaitwa nemunhu chinokanganisa sei veukama uye ungano?

VaH 12:​15, 16

Onawo Dhe 29:18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jos 7:​1-13, 20-26—Akani akaedza kuvanza chivi chakakura chaakanga aita uye izvozvo zvakakonzera dambudziko kuvaIsraeri vese

    • Jon 1:​1-16—Jona haana kuteerera mirayiridzo yaakapiwa naJehovha uye zvakapotsa zvaurayisa vanhu vaaiva navo mungarava

    • 1VaK 5:​1-7—Muapostora Pauro akafumura chivi chakakura chakaitwa muKorinde chaikanganisa ungano

Nei tisingafaniri kurega kutaura nevakuru tichitya kupiwa chirango?

Nei tisingafaniri kuramba tichizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare?

Onawo “Kuregerera

Kana tikaziva kuti mumwe munhu akaita chivi chakakura, nemhaka yei tichifanira kumukurudzira kuti aende kunotaura nevakuru?

Re 5:1

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Dhe 13:​6-9; 21:​18-20—Mutemo waMozisi waiti munhu aifanira kumhan’ara chivi chakakura chinenge chaitwa kunyange nemunhu wemumhuri