Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hurumende

Hurumende

VaKristu vanotsigira uye vanoteerera hurumende yaani?

Mt 6:​9, 10, 33; 10:7; 24:14

Onawo Dha 7:​13, 14

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 89:​18-29—Jehovha akagadza Mesiya kuti ave Mambo wenyika yese

    • Zva 12:​7-12—Pakatanga mazuva ekupedzisira, Jesu Kristu akagadzwa saMambo weUmambo hwaMwari uye Satani akabva adzingwa kudenga

Basa revaKristu vakazodzwa vanenge vachiri panyika nderei?

VaKristu vanoremekedza hurumende

Nei tichiteerera mitemo yehurumende uye tichibhadhara mitero?

VaR 13:​1-7; Tit 3:1; 1Pe 2:​13, 14

Onawo Mab 25:8

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mt 22:​15-22—Jesu akapindura neungwaru mubvunzo waakabvunzwa nezvekuti vateveri vake vanofanira kubhadhara mutero here

Nemhaka yei tisingadzoreri patinotambudzwa?

VaKristu havana divi ravanotsigira

Ndepapi vaKristu pavasingateereri hurumende?

Mab 4:​18-20; 5:​27-29

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 3:​1, 4-18—Vakomana vatatu vechiHebheru vakaramba kuteerera mutemo wakaiswa muBhabhironi nekuti waipesana nemutemo waMwari

    • Dha 6:​6-10—Dhanieri haana kuteerera mutemo wehurumende waimurambidza kunyengetera kuna Mwari wake

Jesu akaratidza sei kuti vaKristu havafaniri kupindira mune zvematongerwo enyika?

Mutemo waMwari unorambidza kunamata zvidhori unobatsira sei muKristu kuziva kuti nei asingafaniri kupindira mune zvematongerwo enyika?

Eks 20:​4, 5; 1VaK 10:14; 1Jo 5:21

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Dha 3:​1, 4-18—Mambo Nebhukadhinezari akagadzira chifananidzo, zvimwe chaimiririra mwari wenhema ainzi Marduk, achibva aisa murayiro wekuti vanhu vese vaifanira kuchinamata

Magwaro api anogona kubatsira muKristu anenge anzi nehurumende atsigire hondo?

Isa 2:4; Joh 18:36

Onawo Pis 11:5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 26:​50-52—Jesu akaratidza kuti vateveri vake havabatanidzwi muhondo

    • Joh 13:​34, 35—MuKristu anogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinenge ndichiteerera murayiro uyu here wakapiwa naJesu kana ndikaenda kuhondo zvimwe ndichitonouraya hama nehanzvadzi dzangu?’

Nei vaKristu vasingaratidziri vachinyunyuta zviri kuitwa nehurumende?

Tinozviziva sei kuti hurumende inogona kutipomera ichiti tiri vapanduki uye tinokonzera mhirizhonga?

Ru 23:​1, 2; Joh 15:​18-21

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira: