Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Kristu

Jesu Kristu

Basa rinoitwa naJesu rinokosha zvakadii pakuzadzisa chinangwa chaMwari?

Mab 4:12; 10:43; 2VaK 1:20; VaF 2:​9, 10

Onawo Zvi 8:​22, 23, 30, 31; Joh 1:10; Zva 3:14

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 16:​13-17—Muapostora Petro akati Jesu ndiye Kristu uye Mwanakomana waMwari

    • Mt 17:​1-9—Jesu paakashanduka paaiva mugomo, vadzidzi vake 3 vaaiva navo vakanzwa Jehovha achitaura kuti Jesu ndiye Mwanakomana wake

Nei Jesu akasiyana nevamwe vanhu vese?

Joh 8:58; 14:​9, 10; VaK 1:​15-17; 1Pe 2:22

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 21:​1-9—Jesu akazadzisa uprofita, hwaitaura nezvaMambo Mesiya akasarudzwa naJehovha, paakapinda muJerusarema akatasva dhongi

    • VaH 7:​26-28—Muapostora Pauro akatsanangura kuti Mupristi Mukuru Jesu akasiyana sei nevamwe vapristi vakuru vese

Zvishamiso zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisei nezvake uye Baba vake?

Joh 3:​1, 2; 5:36

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 4:​23, 24—Jesu akaratidza kuti ane simba kudarika madhimoni uye anokwanisa kubvisa zvirwere zvese

    • Mt 14:​15-21—Jesu akaita chishamiso chekupa zviuru zvevanhu zvekudya achishandisa zvingwa 5 nehove mbiri

    • Mt 17:​24-27—Jesu akaita chishamiso chekuti Petro awane mari yekubhadhara mutero wepatemberi kuitira kuti pasava nemutauro

    • Mk 1:​40, 41—Jesu akanzwira tsitsi mumwe murume aiva nemaperembudzi achibva amuporesa. Izvi zvinoratidza kuti anoda kuporesa vanorwara

    • Mk 4:​36-41—Jesu akadzikamisa dutu raiva nesimba kuratidza kuti Baba vake vakamupa simba rekudzora mamiriro ekunze

    • Joh 11:​11-15, 31-45—Jesu akachema pakafa shamwari yake Razaro achibva azomumutsa, izvi zvinoratidza kuti anovenga rufu uye marwadzo anokonzerwa nerufu

Jesu ainyanya kudzidzisa nezvei?

Ndehupi humwe unhu hwakaratidzwa naJesu paaiva panyika? Tarisa uone kuti akaratidza sei kuti . . .

Aiva nyore kutaura naye—Mt 13:2; Mk 10:​13-16; Ru 7:​36-50

Aiva nemutsa; aiva nengoni—Mk 5:​25-34; Ru 7:​11-15

Aiva neushingi—Mt 4:​2-11; Joh 2:​13-17; 18:​1-6

Aizvininipisa—Mt 11:29; 20:28; Joh 13:​1-5; VaF 2:​7, 8

Aiva nerudo—Joh 13:1; 14:31; 15:13; 1Jo 3:16

Aiteerera—Ru 2:​40, 51, 52; VaH 5:8

Aiva neuchenjeri—Mt 12:42; 13:54; VaK 2:3

Nei Jesu akazvipira kufa, uye kufa kwake kunotibatsira sei?

Nei zvichitifadza kuziva kuti Jesu Kristu ari kutonga saMambo kudenga?

Pis 72:​12-14; Dha 2:44; 7:​13, 14; Zva 12:​9, 10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 45:​2-7, 16, 17—Pisarema iri rinoratidza kuti Mambo akasarudzwa naMwari achakunda vavengi vake vese otonga achitsigira chokwadi, kururama uye achizvininipisa

    • Isa 11:​1-10—Jesu paanenge ava kutonga pasi rese, nyika ichange yava paradhiso ine rugare

Jesu achaitei mune ramangwana?