Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kubatana Nemamwe Machechi Pakunamata

Kubatana Nemamwe Machechi Pakunamata

Vanhu vese vanoenda kumachechi vanonamata Mwari mumwe chete here?

Bhaibheri rinoti zvitendero zvese zvinofadza Mwari here kunyange zvazvo zvichidzidzisa dzidziso dzinopesana?

Mt 7:​13, 14; Joh 17:3; VaE 4:​4-6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jos 24:15—Joshua akaudza vaIsraeri kuti vasarudze kuti vanoda kushumira Jehovha here kana kuti vamwe vanamwari

    • 1Mad 18:​19-40—Jehovha akashandisa muprofita Eriya kuratidza kuti vanamati vaMwari wechokwadi havafaniri kunamata vamwe vanamwari vakadai saBhaari

Jehovha anoona sei nyaya yekunamata vamwe vanamwari?

Jehovha anonzwa sei vanhu pavanoti vari kumunamata asi vaine zvimwe zvinhu zvavanoita zvaanovenga?

Isa 1:​13-15; 1VaK 10:​20-22; 2VaK 6:​14, 15, 17

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 32:​1-10—Jehovha akatsamwa chaizvo Aroni paakagadzira mhuru yegoridhe, vanhu vachibva vaishandisa kuita mutambo wavaiti uri kuitirwa Jehovha

    • 1Mad 12:​26-30—Mambo Jerobhoamu aisada kuti vaIsraeri vaende kutemberi yaiva kuJerusarema saka akagadzira zvidhori achiti zvaimiririra Jehovha, asi zvaakaita zvakaita kuti vanhu vatadzire Mwari

Jehovha akaudzei vaIsraeri nezvekunamata vakabatana nevamwe vanhu vainamata vamwe vanamwari?

Jehovha ainzwa sei uye aiita sei vaIsraeri pavainamata vamwe vanamwari?

Vat 10:​6, 7; Pis 106:​35-40; Jer 44:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 11:​1-9—Madzimai aSoromoni ekune dzimwe nyika akaita kuti atange kunamata vamwe vanamwari. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri vatangewo kunamata vamwe vanamwari uye zvakagumbura Jehovha chaizvo

    • Pis 78:​40, 41, 55-62—Asafi akatsanangura kurwadziwa kwakaita Jehovha nemhaka yekupanduka kwakaita vaIsraeri uye kunamata kwavaiita zvidhori, zvichibva zvaita kuti avarambe

Jesu aiona sei dzidziso dzechitendero dzaipesana nezvaiva muShoko raMwari?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 16:​6, 12—Jesu akafananidza dzidziso dzevaFarisi nevaSadhusi nembiriso nekuti dzidziso dzenhema dzinokurumidza kupararira dzoita kuti vanhu vasazive chokwadi chaicho chiri muShoko raMwari

    • Mt 23:​5-7, 23-33—Jesu akashora zvinhu zveunyengeri zvaiitwa nevaFarisi nevanyori uye dzidziso dzenhema dzavaidzidzisa

    • Mk 7:​5-9—Jesu akafumura vanyori nevaFarisi nekuti vaikoshesa tsika dzevanhu kupfuura Shoko raMwari

Jesu aida kuti vateveri vake vatange machechi avo here?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Joh 15:​4, 5—Jesu akataura mufananidzo wemuzambiringa kuti aratidze kuti vateveri vake vanofanira kuramba vakabatana naye uye vachinamata vari boka rimwe

    • Joh 17:​1, 6, 11, 20-23—Muusiku hwake hwekupedzisira asati afa, Jesu akanyengeterera vateveri vake vechokwadi kuti varambe vakabatana

Ungano dzekutanga dzechiKristu dzaitenda zvinhu zvakafanana here uye dzichinamata nenzira yakafanana here?

Mab 16:​4, 5; VaR 12:​4, 5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Mwari anogamuchira machechi ese anoti anotenda muna Jesu here?

Mwari anogamuchira vanhu vanoti vanomunamata asi vasingateereri dzidziso dzaKristu nevaapostora here?

Mab 20:​29, 30; 1Ti 4:​1-3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 13:​24-30, 36-43—Jesu akataura mufananidzo wemasora anokura mumunda kuti aratidze kuti kwaizova nevaKristu vekunyepedzera vakawanda vaizopinda muungano

    • 1Jo 2:​18, 19—Zvakataurwa naJohani zvinoratidza kuti papera makore anenge 70 Jesu afa, vanhu vanopesana naKristu vakanga vatovapo

Chii chinogona kuitika kana vanhu vakasiyiwa vachidzidzisa dzidziso dzenhema uye vachiita zvakaipa muungano?

VaKristu vanofanira kuitei kuti varambe vakabatana?

Nei vaKristu vasingafaniri kubatanidzwa mukunamata kwenhema?

Nei tichifanira kufumura dzidziso dzenhema?

Nei zvisingatishamisi kana tikatanga kutambudzwa nevanhu vemamwe machechi vanopikisa kunamata kwechokwadi?