Kufirwa
Inyaya dzipi dziri muBhaibheri dzinoratidza kuti hapana chakaipa nekuchema kana tafirwa?
Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda kunyaradza vanenge vafirwa?
Kuziva zvinoitika kana munhu afa kungatinyaradza sei?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ru 20:37, 38—Jesu akataura kuti rumuko ruchatoitika zvechokwadi zvekuti kuna Jehovha vakafa vanoita sevachiri kutorarama
-
Joh 11:5, 6, 11-14—Pashure pekunge shamwari yake Razaro yafa, Jesu akafananidza rufu nekurara
-
VaH 2:14, 15—Muapostora Pauro akatsanangura kuti hatifaniri kutya rufu
-
Nei Bhaibheri richiti zuva rekufa riri nani kupfuura zuva rekuberekwa?
Bhaibheri rinofananidza rufu nechii uye Mwari anovimbisa kuzoitei?
Nei tiine chokwadi chekuti vakafa vachamutswa?
Isa 26:19; Joh 5:28, 29; Mab 24:15
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 8 vakamutswa kuti vararamezve panyika uye rinotaurawo nezvaJesu akamutswa kuti ararame kudenga. Kana wakafirwa, nyaya idzi dzinogona kukunyaradza uye kukupa tariro yekuti kuchava nerumuko mune ramangwana
-
1Mad 17:17-24—Muprofita Eriya akamutsa mwanakomana weimwe chirikadzi yaigara mutaundi reZarefati raiva muSidhoni
-
2Mad 4:32-37—Muprofita Erisha akamutsa mumwe mukomana mutaundi reShunemi
-
2Mad 13:20, 21—Mumwe murume akamutswa mutumbi wake pawakagumha mapfupa aErisha
-
Ru 7:11-15—Muguta reNaini, Jesu akasangana neboka revanhu vaienda kunoviga mwanakomana weimwe chirikadzi, achibva amutsa mwana wacho
-
Ru 8:41, 42, 49-56—Jesu akamutsa mwanasikana waJairosi
-
Joh 11:38-44—Jesu akamutsa shamwari yake yepedyo Razaro
-
Mab 9:36-42—Muapostora Petro akamutsa imwe hanzvadzi yechiKristu yaizivikanwa nemabasa akanaka yainzi Dhokasi
-
Mab 20:7-12—Muapostora Pauro akamutsa mumwe mukomana ainzi Yutiko akanga adonha pahwindo achibva afa
-
-
Jesu Kristu akamutswa semunhu wemweya asingafi uye izvi zvakabva zvaita kuti zvimwe zvese zvakavimbiswa naMwari zvikwanise kuzozadzika
-
Jesu ndiye munhu wekutanga kumutswa kuti anorarama kudenga asingafi uye ndizvo zvinoitika kuvaKristu vakazodzwa 144 000 pavanofa
-
Zvii zvatingaita kuti tibatsire vanhu vakafirwa?