Kukurudzirana
Nei zvichikosha kuti vashumiri vaMwari vakurudzirane?
Isa 35:3, 4; VaK 3:16; 1VaT 5:11; VaH 3:13
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 32:2-8—Mambo Hezekiya akakurudzira vaJudha pavakauya kuzorwiswa nevaAsiriya
-
Dha 10:2, 8-11, 18, 19—Ngirozi yakakurudzira uye yakasimbisa Dhanieri paakanga akwegura uye asisina simba
-
Nei Jehovha achida kuti vakuru vakurudzire vamwe?
Onawo Mt 11:28-30
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dhe 3:28; 31:7, 8—Jehovha akaudza Mozisi kuti akurudzire uye asimbise Joshua nekuti ndiye aizomutsiva uye ndizvo zvaakaita
-
Mab 11:22-26; 14:22—Pauro naBhanabhasi vakakurudzira vaKristu vaiva muAndiyoki pavaitambudzwa
-
Nei tichifanira kutaurawo zvakanaka zviri kuitwa nemunhu patinenge tichimukurudzira?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Vat 11:37-40—Vasikana vemuIsraeri vaienda kunorumbidza mwanasikana waJefta gore rega rega nemhaka yekuzvipira kwaakaita kushanda patebhenekeri
-
Zva 2:1-4—Kunyange zvazvo Jesu akatsiura vaKristu vaiva muEfeso, akavaudzawo zvakanaka zvavaiita
-
Tingakurudzira sei hama nehanzvadzi dzedu?
Zvi 15:23; VaE 4:29; VaF 1:13, 14; VaK 4:6; 1VaT 5:14
Onawo 2VaK 7:13, 15, 16
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 23:16-18—Jonatani akaziva kuti Dhavhidhi aida kukurudzirwa saka akamutsvaga kuti amusimbise
-
Joh 16:33—Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vamutevedzere uye akavayeuchidzawo kuti vaigona kukunda nyika sezvaakaita
-
Mab 28:14-16—Pauro akanzwa asimbiswa paakaona hama dzakanga dzauya kuzomuchingura kuti dzimukurudzire paaiva munzira kuenda kunotongwa kuRoma
-
Nei tisingafaniri kugara tichingonyunyuta kana kutaura mashoko anoodza vamwe mwoyo?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Nu 11:10-15—Mozisi akaora mwoyo vaIsraeri pavakanyunyuta uye pavasina kuteerera
-
Nu 13:31, 32; 14:2-6—Zvakataurwa nevasori 10 vakanga vasina kutenda zvakaodza mwoyo yevaIsraeri uye zvakaita kuti vapandukire Jehovha
-
Kuungana nevatinonamata navo kungatibatsira sei kuti tive neushingi?
Zvi 27:17; VaR 1:11, 12; VaH 10:24, 25; 12:12
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mak 20:1-19—VaJudha pavakarwiswa neuto guru, Mambo Jehoshafati akaunganidza vanhu kuti vanyengetere
-
Mab 12:1-5, 12-17—Pashure pekunge muapostora Jakobho aurayiwa uye Petro asungwa, ungano yaiva muJerusarema yakaungana kuti inyengetere
-
Kufunga nezvetariro yedu kunotibatsira sei kuti tirambe tichitsungirira patinosangana nematambudziko?
Mab 5:40, 41; VaR 8:35-39; 1VaK 4:11-13; 2VaK 4:16-18; 1Pe 1:6, 7
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 39:19-23; 40:1-8—Josefa akaramba akavimbika uye achibatsira vamwe kunyange zvazvo akanga asungirwa mhosva yaasina kupara
-
2Mad 6:15-17—Muprofita Erisha aisatya paakauya kuzorwiswa neuto uye akanyengetera kuti mushandi wake avewo neushingi
-
Bhaibheri rinogona kutikurudzira
Jehovha anovimbisa kuti achatibatsira sei?
Kufunga nezvemwoyo murefu uye ngoni dzaJehovha kungatikurudzira sei?
Jehovha anogona kuitirei vaya vanonzwa vasina simba?
Pis 46:1; Isa 12:2; 40:29-31; VaF 4:13
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 1:10, 11, 17, 18—Hana akanyengetera paaishungurudzika uye Jehovha akapindura munyengetero wake akamubatsira kuti atangezve kufara
-
1Mad 19:1-19—Muprofita Eriya paakanga akaora mwoyo, Jehovha akamupa zvekudya uye mvura yekunwa. Akamupa tariro yakamukurudzira nekumunyaradza
-
Zvinovimbiswa neBhaibheri zvingatipa sei ushingi?
2Mak 15:7; Pis 27:13, 14; VaH 6:17-19; 12:2
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Job 14:1, 2, 7-9, 13-15—Jobho akanyaradzwa netariro yerumuko zvinhu pazvakanga zvakamuomera
-
Dha 12:13—Dhanieri paakanga akwegura akakurudzirwa nengirozi payakamuudza nezvemubayiro waaizowana mune ramangwana
-
Kunyengetera kuna Jehovha uye kufungisisa nezvake kungatikurudzira sei?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 30:1-9—Dhavhidhi paakasangana nedambudziko, akanyengetera kuna Jehovha achibva awanazve simba
-
Ru 22:39-43—Jesu akanyengetera nemwoyo wese achikumbira kuti Jehovha amubatsire, Jehovha achibva atuma ngirozi kuti izomukurudzira
-
Kunzwa zvakanaka zviri kuitika kune vamwe uye kuzviudzawo vamwe kungatikurudzira sei?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mab 15:2-4—Pauro naBhanabhasi vakasimbisa chaizvo hama nehanzvadzi dzemuungano dzavaishanyira
-
3Jo 1-4—Muapostora Johani paakanga akwegura, akanzwa akurudzirwa chaizvo paakanzwa kuti vanhu vaakadzidzisa vakanga vachiri vakatendeka
-