Kunamata
Ndiani chete watinofanira kunamata?
Eks 34:14; Dhe 5:8-10; Isa 42:8
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Mt 4:8-10—Satani akati aizopa Jesu umambo hwese huri panyika kana akangomunamata kamwe chete; Jesu akaramba uye akati Jehovha chete ndiye anofanira kunamatwa
Zva 19:9, 10—Ngirozi yakaramba kunamatwa naJohani
Jehovha anoda kuti timunamate sei?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Isa 1:10-17—Jehovha haagamuchiri manamatiro evanhu vasingadi kurarama zvinoenderana nemitemo yake
Mt 15:1-11—Jesu akaratidza kuti Jehovha haagamuchiri kunamata kwedu kana tichikoshesa tsika dzedu kupfuura mitemo yaMwari
Kana zvichiita, tinofanira kunamata tiina vanaani nguva dzese?
Onawo Pis 133:1-3
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Mab 2:40-42—Makore akatanga chiKristu, vaKristu vaiungana kuti vanyengetere, vawadzane, uye vadzidze magwaro akafemerwa nemweya mutsvene
1VaK 14:26-40—Pauro akati misangano yeungano inofanira kuitwa zvakarongeka uye ichikurudzira kuitira kuti wese anenge aripo abatsirike
Tinofanira kuita sei kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
VaH 11:6—Pauro akati tinofanira kuva nekutenda kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu
Jak 2:14-17, 24-26—Jakobho munin’ina waJesu akati kutenda kwedu kunofanira kuva nemabasa; kutenda kwedu kunoita kuti tiite chimwe chinhu