Kunyepa
Jehovha anoona sei vanhu vasingaiti zvavanenge vavimbisa?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Eks 9:27, 28, 34, 35—Farao akabvuma kuti vanhu vaMwari vaende; asi akazochinja pfungwa
Eze 17:11-15, 19, 20—Jehovha akaranga Mambo Zedhekiya nekuti haana kuita zvaakanga avimbisana namambo weBhabhironi
Mab 5:1-10—Ananiyasi naSafira vakanyepa pavakati vakanga vapa mari yese yavakawana pakutengesa kwavakaita munda
Jehovha anonzwa sei nezvevanhu vanotaura zvenhema nezvevamwe?
Pis 15:1-3; Zvi 6:16-19; 16:28; VaK 3:9
Onawo Zvi 11:13; 1Ti 3:11
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
2Sa 16:1-4; 19:24-30—Zibha akataura zvenhema nezvaMefibhosheti
Zva 12:9, 10—Dhiyabhorosi anopomera vashumiri vaMwari zvenhema