Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuperera Kuna Mwari

Kuperera Kuna Mwari

Zvinorevei kuperera kuna Mwari?

Pis 18:​23-25; 26:​1, 2; 101:​2-7; 119:​1-3, 80

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Re 22:​17-22—Jehovha aida kuti vaIsraeri vape zvibayiro zvakanaka zvisina kuremara; shoko rekuti “zvakanaka” rakada kufanana nerechiHebheru rakashandurwa kuti “kuperera,” saka kuperera kuna Mwari zvinoreva kumupa zvakanakisisa zvedu, tichizvipira kwaari nemwoyo wedu wese

    • Job 1:​1, 4, 5, 8; 2:3—Mararamiro aJobho anotidzidzisa kuti kana munhu achinzi akaperera kuna Mwari anofanira kunge achimuremekedza, achimunamata nemwoyo wese uye achivenga zvaanovenga

Nei tichifanira kuperera kuna Mwari?

Chii chinoita kuti tide kuramba takaperera kuna Mwari?

Tingaita sei kuti tirambe takaperera kuna Mwari?

Jos 24:​14, 15; Pis 101:​2-4

Onawo Dhe 5:29; Isa 48:​17, 18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 31:​1-11, 16-33—Jobho akaratidza kuti akanga akaperera kuna Mwari kuburikidza nekusachiva vamwe vakadzi uye kubata vanhu vese nemutsa uye neruremekedzo. Haana kumbonamata zvidhori, asi akaramba achinamata Jehovha chete uye akanga asinganyanyi kukoshesa zvinhu kupfuura Mwari

    • Dha 1:​6-21—Dhanieri neshamwari dzake vakaramba vakaperera kuna Mwari kunyange pavakanga vakapoteredzwa nevanhu vasingamushumiri. Vakaramba kutyora mutemo waMwari waivarambidza kudya zvimwe zvinhu

Kana munhu achinge aita zvivi zvakakura, anokwanisa kuzovazve akaperera kuna Mwari here?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 9:​2-5; Pis 78:​70-72—Mambo Dhavhidhi akapfidza achibva aregererwa, uye Jehovha akamuti akanga aine mwoyo wakaperera kwaari

    • Isa 1:​11-18—Kunyange zvazvo Jehovha akati vanhu vake vakanga vaita zvivi zvakakura, akavavimbisa kuti aizovaregerera kana vaizopfidza vochinja mararamiro avo