Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuregerera

Kuregerera

Jehovha anoda kuregerera vanhu here?

Pis 86:5; Dha 9:9; Mik 7:18

Onawo 2Pe 3:9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 78:​40, 41; 106:​36-46—Jehovha akarwadziswa nevaIsraeri kakawanda asi airamba achingovaregerera

    • Ru 15:​11-32—Kuti aratidze kuti Jehovha anoregerera, Jesu akataura mufananidzo wababa vakaregerera mwana wavo akaita zvakaipa akazopfidza

Chii chakaitwa naJehovha kuti tikwanise kuregererwa zvivi zvedu?

Joh 1:29; VaE 1:7; 1Jo 2:​1, 2

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • VaH 9:​22-28—Muapostora Pauro akatsanangura kuti ropa raJesu ndiro rega rinoita kuti tiregererwe zvivi zvedu

    • Zva 7:​9, 10, 14, 15—Johani akanyora kuti Mwari anoregerera zvivi zvevanhu ‘veboka guru’ nekuti vanotenda muchibayiro chaJesu

Kana tichida kuti Jehovha atiregerere, tinofanira kuita sei vamwe pavanotikanganisira?

Mt 6:​14, 15; Mk 11:25; Ru 17:​3, 4; Jak 2:13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 42:​7-10—Jehovha akatanga ati Jobho anyengeterere shamwari dzake nhatu dzakanga dzamupomera zvenhema asati amukomborera uye amuporesa

    • Mt 18:​21-35—Jesu akataura mufananidzo unonyatsoratidza kuti tinofanira kuregerera vamwe kana tichida kuti Mwari atiregererewo

Nei zvichikosha kuti munhu areurure uye apfidze zvechokwadi?

Mab 3:19; 26:20; 1Jo 1:​8-10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 32:​1-5; 51:​1, 2, 16, 17—Mambo Dhavhidhi akarwadziwa uye akanetseka chaizvo paakaita zvivi zvakakura, asi akapfidza zvechokwadi

    • Jak 5:​14-16—Jakobho akatsanangura kuti tinofanira kutaura nevakuru kana taita chivi chakakura

Zvii zvatinofanira kuita kana tichida kuti Jehovha atiregerere?

Zvi 28:13; Isa 55:7; VaE 4:28

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mad 21:​27-29; 2Mak 18:​18-22, 33, 34; 19:​1, 2—Mambo Ahabhi akazvininipisa paakatsiurwa asi haana kupfidza zvechokwadi, saka Jehovha haana kumuregerera uye pakupedzisira akaita kuti afe

    • 2Mak 33:​1-16—Mambo Manase aiva akaipa chaizvo asi Jehovha akamuregerera paakapfidza. Manase akaratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi kuburikidza nekubatsira vanhu kuti vatangezve kunamata Jehovha zvakachena

Kana mutadzi akapfidza Jehovha anomuregerera zvakadii?

Pis 103:​10-14; Isa 1:18; 38:17; Jer 31:34; Mik 7:19

  • Muenzaniso wemuBhaibheri Unogona Kukubatsira:

Jesu akaratidza sei kuti Jehovha akagadzirira kuregerera vanhu?

Pis 86:5; Ru 23:​33, 34

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Tinoziva sei kuti kuregerera kwaJehovha kune pakunogumira?

Mt 12:31; VaH 10:​26, 27; 1Jo 5:​16, 17

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 23:​29-33—Jesu akaudza vanyori nevaFarisi kuti kana vakasapfidza vaizopiwa mutongo wekukandwa muGehena, kureva kuparadzwa zvachose

    • Joh 17:12; Mk 14:21—Jesu akadana Judhasi Iskariyoti kuti “mwanakomana wekuparadzwa” uye akawedzera kuti zvaitova nani dai asina kutombozvarwa

Chii chichatibatsira kuti tiregererewo vamwe?