Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kururama

Kururama

Ndiani ane kodzero yekutiudza kuti zvakanaka uye zvakaipa ndezvipi?

Dhe 32:4; Eze 33:​17-20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 18:​23-33—Jehovha akaratidza Abrahamu kuti iye ndiye Mutongi akarurama

    • Pis 72:​1-4, 12-14—Pisarema iri rinorumbidza Mambo Mesiya uyo akarurama sezvakaita Jehovha

Kurarama tichitevedzera mitemo yaJehovha yakarurama kwakanakirei?

Pis 37:​25, 29; Jak 5:16; 1Pe 3:12

Onawo Pis 35:24; Isa 26:9; VaR 1:17

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Job 37:​22-24—Erihu akarumbidza Jehovha nekuti akarurama. Ukuru hwaJehovha hunoita kuti vanhu vake vamuremekedze

    • Pis 89:​13-17—Munyori wePisarema akarumbidza Jehovha nekuti anotonga zvakarurama nguva dzese

Zvinorevei kutsvaga kururama kwaJehovha?

Eze 18:​25-31; Mt 6:33; VaR 12:​1, 2; VaE 4:​23, 24

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 6:​9, 22; 7:1—Noa akaratidza kuti akarurama kuburikidza nekuita zvese zvaakaudzwa naJehovha kuti aite

    • VaR 4:​1-3, 9—Jehovha akati Abrahamu akarurama nekuti airatidza kuti aitenda maari

Nemhaka yei tichifanira kuva vanhu vakarurama zvichibva pakuti tinoda Jehovha kwete kuda kufadza vanhu?

Mt 6:1; 23:​27, 28; Ru 16:​14, 15; VaR 10:10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 5:20; 15:​7-9—Jesu akaudza vanhu kuti vave vakarurama asi vasatevedzere vanyori nevaFarisi, avo vainyanya kukoshesa kuda kuonekwa sevakarurama kupfuura kuteerera mutemo waMwari

    • Ru 18:​9-14—Jesu akataura mufananidzo achida kutsiura vanhu vanoda kuzviona sekuti vakarurama kupfuura vamwe vanhu vese

Nemhaka yei kuva munhu akanaka kuri nani kupfuura kuva munhu akarurama?

Nemhaka yei tichifanira kungwarira kuti tisazviona setakarurama uye tisaratidza kuti ndisu takarurama kupfuura vamwe vese?