Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusabatwa Zvakanaka

Kusabatwa Zvakanaka

Tinonzwa sei patinobatwa zvisina kunaka nevamwe?

Pis 69:20; Zvi 18:14; Mup 4:​1-3; Mar 2:​13-16; VaK 3:21

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Sa 10:​1-5—Dhavhidhi akaratidza mutsa wakakura kumasoja ake akanga anyadziswa zvakanyanya nevavengi

    • 2Sa 13:​6-19—Amnoni akabata Tamari chibharo achibva amudzinga mumba make. Tamari akabvarura nguo yake akatanga kufamba achichema

Chii chinoratidza kuti Jehovha anoona zvese zvinenge zvichiitika mumwe munhu paanobatwa zvisina kunaka uye zvii zvaachaita mune ramangwana?

Job 34:​21, 22; Pis 37:​8, 9; Isa 29:​15, 19-21; VaR 12:​17-21

Onawo Pis 63:​6, 7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 25:​3, 14-17, 21, 32-38—Nabhari aiva neutsinye uye akaisa upenyu hwevanhu veimba yake vese pangozi paakatuka Dhavhidhi. Papera mazuva, Jehovha akamuranga achibva amurova akafa

    • Jer 20:​1-6, 9, 11-13—Jeremiya akaora mwoyo mupristi Pashuri paakamurova achibva amuisa muzvisungo zvematanda; Jehovha akazomukurudzira achibva amununura