Kusaroora; Kusaroorwa
Nei Bhaibheri richiti kusaroora kana kusaroorwa chipo?
Nei zvisina kunaka kuti timanikidze munhu kuroora kana kuroorwa?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
VaR 14:10-12—Muapostora Pauro akatsanangura kuti zvakaipirei kutonga mumwe munhu
-
1VaK 9:3-5—Muapostora Pauro aigona kusarudza kuroora; asi kusaroora kwaiita kuti ave nenguva yakawanda yekuita ushumiri hwake
-
Kuroora kana kuroorwa ndiko kuchaita kuti munhu afare here?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Vat 11:30-40—Mwanasikana waJefta haana kuroorwa uye zvakaita kuti akwanise kushumira patebhenekeri kweupenyu hwake hwese
-
Mab 20:35—Jesu haana kumboroora asi aifara. Mashoko aakataura anoratidza kuti mufaro wake waibva pakubatsira vamwe
-
1VaT 1:2-9; 2:12—Muapostora Pauro haana kumboroora uye akatsanangura kuti ushumiri hwakaita kuti afare nekuti akakwanisa kubatsira vakawanda kuziva Jehovha
-
Nemhaka yei vanhu vasiri muwanano vachifanira kuramba vachizvibata sezvinongoita vamwe vashumiri vese vaJehovha?
1VaK 6:18; VaG 5:19-21; VaE 5:3, 4
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Zvi 7:7-23—Mambo Soromoni akatsanangura zvakaitika kune rimwe jaya rakabvuma kutsauswa neimwe pfambi
-
Rwi 4:12; 8:8-10—Musikana wekuShurami akarumbidzwa nekuti akaramba achizvibata uye haana kumboita unzenza
-
Chii chingaita kuti muKristu asarudze kupinda muwanano?
Onawo 1VaT 4:4, 5