Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuteerera

Kuteerera

Nei kuteerera kuchikosha?

Eks 19:5; Dhe 10:​12, 13; Mup 12:13; Jak 1:22

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 15:​17-23—Muprofita Samueri akatsiura Mambo Sauro nekuti haana kuteerera Jehovha; Samueri akabva amutsanangurira kuti nei kuteerera kuchikosha

    • VaH 5:​7-10—Jesu agara achiteerera Baba vake, uye paaiva panyika akaramba achiteerera kunyange zvazvo zvaiita kuti aitirwe utsinye

MuKristu anofanira kuitei kana munhu ane chinzvimbo akamuti asateerere Mwari?

Mab 5:29

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 3:​13-18—VaHebheru vatatu vainge vakavimbika vakaramba kupfugamira chifananidzo chakagadzirwa naNebhukadhinezari kunyange zvazvo izvozvo zvaigona kuvaurayisa

    • Mt 22:​15-22—Jesu akatsanangura kuti vateveri vake vanofanira kuteerera hurumende chero bedzi zvavari kunzi vaite zvisingapesani nemutemo waJehovha

    • Mab 4:​18-31—Vaapostora havana kurega kuparidza pavakarambidzwa nevatungamiriri vevapristi nevakuru

Chii chatinofanira kuita kuti tirambe tichiteerera Jehovha?

Dhe 6:​1-5; Pis 112:1; 1Jo 5:​2, 3

Onawo Pis 119:​11, 112; VaR 6:1

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ezr 7:​7-10—Ezra akagadzirira mwoyo wake kuitira kuti aratidze muenzaniso wakanaka wekuteerera Mutemo waMwari uye kuudzidzisa vamwe

    • Joh 14:31—Jesu akataura chikonzero chinoita kuti aite zvaanonzi naBaba vake aite

Chii chinofanira kuita kuti tide kuteerera Jehovha naJesu?

Kuteerera kwatinoita kunoratidza sei kuti tine kutenda?

VaR 1:5; 10:​16, 17; Jak 2:​20-23

Onawo Dhe 9:23

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 6:​9-22; VaH 11:7—Noa akaratidza kuti aiva nekutenda kuburikidza nekuvaka areka achinyatsotevedzera zvaakanga audzwa naJehovha kuti aite

    • VaH 11:​8, 9, 17—Abrahamu akaratidza kuti aiva nekutenda kuburikidza nekubuda muguta reUri uye kubvuma kupa mwana wake sechibayiro

Jehovha anovimbisei vaya vanomuteerera?

Jer 7:23; Mt 7:21; 1Jo 3:22

Chii chichaitika kune vaya vasingateereri?

VaR 5:19; 2VaT 1:​8, 9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 2:​16, 17; 3:​17-19—Kusateerera kwakaita Adhamu naEvha kwakaita kuti vave nechivi, vadzingwe muEdheni uye varasikirwe nemukana wekurarama nekusingaperi

    • Dhe 18:​18, 19; Mab 3:​12, 18, 22, 23—Jehovha akagara ataura kuti kwaizouya Muprofita mukuru kupfuura Mozisi uye akatiwo vaya vasingazoteereri muprofita iyeye vaizorangwa

    • Jud 6, 7—Kusateerera kwakaita ngirozi dzakapanduka uye vagari vemuSodhomu neGomora kwakagumbura Jehovha

Nei tichifanira kuteerera Jesu Kristu?

Ge 49:10; Mt 28:18

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

Nei vaKristu vachiteerera vatariri vari muungano?

Nei hanzvadzi yechiKristu ichifanira kuzviisa pasi pemurume wayo?

Nei vana vachifanira kuteerera vabereki vavo?

Zvi 23:22; VaE 6:1; VaK 3:20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 37:​3, 4, 8, 11-13, 18—Josefa paakanga achiri mudiki akateerera baba vake pavakamutuma kunoona vakoma vake kunyange zvazvo vakoma vacho vaimuvenga

    • Ru 2:51—Jesu akaramba achiteerera Josefa naMariya kunyange zvazvo iye akanga asina chivi

Nei tichifanira kuteerera mukuru webasa kunyange pasina ari kutiona?

Nei vaKristu vachifanira kuteerera hurumende?