Kutsungirira
Vashumiri vaJehovha vanofanira kutsungirira here?
Tinoziva sei kuti vamwe vanhu vanogona kuramba kutiteerera kana kutotipikisa patinenge tichida kuvaparidzira?
Mt 10:22; Joh 15:18, 19; 2VaK 6:4, 5
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Pe 2:5; Ge 7:23; Mt 24:37-39—Vanhu havana kuteerera Noa paaivaparidzira, uye iye nemhuri yake ndivo vega vakapona paMafashamo
-
2Ti 3:10-14—Muapostora Pauro akataura nezvekutsungirira kwaakaita kuti akurudzirewo Timoti
-
Nei zvisingatishamisi kana vemumhuri vakatipikisa?
Mt 10:22, 36-38; Ru 21:16-19
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 4:3-11; 1Jo 3:11, 12—Kaini aiva akaipa uye akauraya munin’ina wake Abheri nekuti aiva munhu akarurama
-
Ge 37:5-8, 18-28—Josefa akarwiswa uye akatengeswa nevakoma vake nekuti akavaudza hope dzaakarota dzakanga dzabva kuna Jehovha
-
Nei tisingafaniri kutya kufa patinotambudzwa?
Onawo Zva 2:10
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dha 3:1-6, 13-18—Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaramba kunamata chifananidzo kunyange zvazvo mambo akati vaizokandwa mumoto kana vakasachinamata
-
Mab 5:27-29, 33, 40-42—Vaapostora vakaramba vachiparidza kunyange zvazvo vakanga vaudzwa kuti vaizourayiwa kana vakasarega
-
Chii chichatibatsira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha patinotsiurwa?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Nu 20:9-12; Dhe 3:23-28; 31:7, 8—Mozisi haana kufara paakatsiurwa asi izvozvo hazvina kuita kuti arege kushumira Jehovha
-
2Mad 20:12-18; 2Mak 32:24-26—Mambo Hezekiya ane zvaakakanganisa achibva atsiurwa, uye akabvuma chirango chacho akaramba achishumira Jehovha
-
Nei zvingatiomera kuti tirambe takatendeka vamwe pavanorega kushumira Jehovha?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 73:2-24—Munyori wepisarema paakaona kuti vanhu vakaipa vaiva neupenyu hwakanaka, akatanga kuona sekuti kushumira Jehovha hakuna zvakunobatsira
-
Joh 6:60-62, 66-68—Kutenda kwaiva naPetro kwakaita kuti arambe achitevera Jesu pasinei nekuti vamwe vakanga vasingachamuteveri
-
Chii chichatibatsira kuti titsungirire?
Kuramba tiri pedyo naJehovha
Kudzidza uye kufungisisa Shoko raMwari
Kugara tichinyengetera kuna Jehovha
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dha 6:4-11—Muprofita Dhanieri akaramba achinyengetera kuna Jehovha kunyange zvazvo zvaigona kumuurayisa
-
Mt 26:36-46; VaH 5:7—Pausiku hwake hwekupedzisira ari panyika, Jesu akanyengetera nemwoyo wese uye akakurudzirawo vamwe kuita kudaro
-
Kuungana nevamwe tichinamata
Kuisa pfungwa dzedu pane zvatakavimbiswa naJehovha
Kuwedzera kuda Jehovha uyewo hama nehanzvadzi dzedu
Kusimbisa kutenda kwedu
Kuziva kuti Jehovha anonzwa sei patinomuteerera kunotibatsira kuti titsungirire
Zvinobatsirei kana tikatsungirira takatendeka?
Zvinoita kuti Jehovha Mwari akudzwe
Zvi 27:11; Joh 15:7, 8; 1Pe 1:6, 7
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Job 1:6-12; 2:3-5—Satani akati Jehovha anodzivirira vanhu kuitira kuti varambe vachimushumira. Jobho aitofanira kutsungirira kuitira kuti aratidze kuti zvakataurwa naSatani ndezvekunyepa
-
VaR 5:19; 1Pe 1:20, 21—Kutsungirira kwakaita Jesu akatendeka kusvika pamugumo kwakapindura mubvunzo waivapo wekuti: Munhu asina chivi anokwanisa here kuramba akavimbika kuna Jehovha paanosangana nemiedzo yakaoma?
-
Zvinokurudzirawo vamwe kuti vatsungirire
Zvinotibatsira kuti tibudirire muushumiri
Zvinoita kuti tifarirwe naJehovha uye tiwane makomborero akavimbiswa