Kuzvidya Mwoyo
Unombozvidya mwoyo here pamusana pezvinhu zvakadai seurombo, nzara kana kushaya pekugara?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Mari 3:19—Jerusarema parakaparadzwa, muprofita Jeremiya nevamwe vaJudha vakawanda vakasara vasisina pekugara
2VaK 8:1, 2; 11:27—VaKristu vekuMakedhoniya kusanganisira Pauro vakasangana nedambudziko rekushaya zvekudya, zvekupfeka uye pekugara pamusana peurombo
Magwaro anonyaradza:
Unombozvidya mwoyo here pamusana pekuti unenge uchityira kuti ungazoshaya shamwari kana vanhu vanokuda?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
1Mad 18:22; 19:9, 10—Muprofita Eriya akanzwa sekuti ndiye ega akanga asara pavashumiri vaJehovha vakatendeka
Jer 15:16-21—Muprofita Jeremiya ainzwa seasara ega pakati pevanhu vaida mafaro akanyanyisa avo vairamba shoko raaiparidza
Magwaro anonyaradza:
Mienzaniso yemuBhaibheri inonyaradza:
1Mad 19:1-19—Jehovha akapa muprofita Eriya zvekudya uye mvura yekunwa, akamuteerera achitaura zvaimudya mwoyo, uye akamukurudzira achimuratidza kuti aiva nesimba rekumubatsira
Joh 16:32, 33—Jesu aiziva kuti shamwari dzake dzaizomusiya asi aisanetseka nekuti aiziva kuti Jehovha aizoramba ainaye