Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuzvitsaurira

Kuzvitsaurira

Chinangwa chekuzvitsaurira kuna Jehovha ndechei?

Kana tichida kushumira Mwari, tinofanira kuona sei Bhaibheri?

Jehovha anoshandisei kutisunungura pachivi, uye isu zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsirwe neurongwa ihwohwo?

Kupfidza zvivi zvedu kunosanganisirei?

Mab 3:19; 26:20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 19:​1-10—Zakeyo aiva mukuru wevateresi uye akasiya mararamiro aaiita ekubiridzira vanhu, akadzorera vanhu mari dzavo

    • 1Ti 1:​12-16—Muapostora Pauro akatsanangura kuti akasiya sei upenyu hwakaipa hwaairarama uye kuregererwa kwaakaitwa zvivi zvake nemhaka yengoni dzaMwari naKristu

Kunze kwekungosiya mararamiro akaipa, ndezvipi zvimwe zvatinofanira kuita?

Zvii zvatisingafaniri kuita kana tichida kuti Jehovha agamuchire kunamata kwedu?

1VaK 6:​9-11; VaK 3:​5-9; 1Pe 1:​14, 15; 4:​3, 4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1VaK 5:​1-13—Muapostora Pauro akaudza ungano yeKorinde kuti idzinge murume aiita upombwe hunosemesa pakati pavo

    • 2Ti 2:​16-19—Muapostora Pauro akayambira Timoti kuti asateerera mashoko evakatsauka pakutenda aipararira seronda rinonyenga

Nei tisingafaniri kupindira muzvinhu zvenyika?

Isa 2:​3, 4; Joh 15:19

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Joh 6:​10-15—Jesu paakaita chishamiso chekupa vanhu vakawanda zvekudya, vanhu vakatanga kumutsvaga vachida kumuita mambo asi Jesu akatiza

    • Joh 18:​33-36—Jesu akataura kuti Umambo hwake haunei chekuita nehurumende dzevanhu

Mweya mutsvene unotibatsira sei kushumira Mwari?

Joh 16:13; VaG 5:​22, 23

Onawo Mab 20:28; VaE 5:18

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mab 15:​28, 29—Dare rinotungamirira raiva muJerusarema rakabatsirwa nemweya mutsvene pakuita chisarudzo chinokosha panyaya yekuchecheudzwa

Tingatevedzera sei Jesu Kristu pakushumira Jehovha?

Nei vaKristu vakazvitsaurira vachifanira kubhabhatidzwa?

Mt 28:​19, 20; Mab 2:​40, 41; 8:12; 1Pe 3:21

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 3:​13-17—Jesu akauya panyika kuti azoita kuda kwaBaba vake uye akaratidza izvi nekubhabhatidzwa

    • Mab 8:​26-39—Mumwe murume ainamata Jehovha wekuItiopiya akabhabhatidzwa pashure pekudzidza chokwadi nezvaJesu Kristu