Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mararamiro evaKristu

Mararamiro evaKristu

Nei vaKristu vachifanira kurarama vachitevedzera zvavanotenda?

Ndiani watinofanira kutevedzera?

Zvakanakirei kuti vaKristu vatevedzere zvinodiwa naMwari muupenyu hwavo?

Magwaro anotevera anobatsira sei vaKristu kuti vasaita zvinhu zvakaipa?

Zvi 4:​23-27; Jak 1:​14, 15

Onawo Mt 5:28; 15:19; VaR 1:​26, 27; VaE 2:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Magwaro anotevera anobatsira sei vaKristu kuita zvinhu zvakanaka?

VaR 12:2; VaE 4:​22-24; VaF 4:8; VaK 3:​9, 10

Onawo Zvi 1:​10-19; 2:​10-15; 1Pe 1:​14-16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 39:​7-12—Josefa akakunda muedzo wekuita upombwe nemudzimai waPotifari

    • Job 31:​1, 9-11—Jobho akatsidza mumwoyo make kuti akanga asingazochivi vamwe vakadzi

    • Mt 4:​1-11—Jesu akakunda miedzo yakabva kuna Satani

Unhu hupi hwakaipa husingafaniri kuva nevaKristu?

Ona “Unhu Hwakaipa

Zvinhu zvipi zvakaipa zvisingafaniri kuitwa nevaKristu?

Ona “Zvinhu Zvakaipa

Unhu hupi hwakanaka hwatinofanira kuva nahwo?

Kuchena

2VaK 11:3; 1Ti 4:12; 5:​1, 2, 22; 1Pe 3:​1, 2

Onawo VaF 4:8; Tit 2:​3-5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 39:​4-12—Josefa akaramba kurara nemudzimai waPotifari kunyange zvazvo airamba achimumanikidza kuti arare naye

    • Rwi 4:12; 8:6—Musikana wekuShurami akanga akavimbika kumukomana wake waaida uye akaramba akachena; akafananidzwa nemunda wakakiyiwa

Kuvimba naJehovha

Ona “Kuvimba naJehovha

Kuona vamwe sevakuru kwatiri

Ona “Kuzvininipisa

Kugutsikana

Ona “Kugutsikana

Kushanda pamwe chete nevamwe

Mup 4:​9, 10; 1VaK 16:16; VaE 4:​15, 16

Onawo Pis 110:3; VaF 1:​27, 28; VaH 13:17

Ushingi

Ona “Ushingi

Kukurudzirana; kuvakana

Isa 35:​3, 4; VaR 1:​11, 12; VaH 10:​24, 25

Onawo VaR 15:2; 1VaT 5:11

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 23:​15-18—Jonatani akakurudzira Dhavhidhi paaida kuurayiwa naMambo Sauro

    • Mab 15:​22-31—Dare rinotungamirira rakatumira tsamba yaikurudzira kuungano

Kutsungirira; kumira takasimba

Mt 24:13; Ru 21:19; 1VaK 15:58; VaG 6:9; VaH 10:36

Onawo VaR 12:12; 1Ti 4:16; Zva 2:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • VaH 12:​1-3—Muapostora Pauro akataura nezvaJesu kuti akurudzire vaKristu kutsungirira

    • Jak 5:​10, 11—Jakobho akataura nezvekutsungirira kwaJobho uye kukomborerwa kwaakaitwa naJehovha

Kutendeka pazvinhu zvese

Ru 16:10

Onawo Ge 6:22; Eks 40:16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dha 1:​3-5, 8-20—Muprofita Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakateerera Mutemo waMozisi panyaya yezvinhu zvavaisafanira kudya

    • Ru 21:​1-4—Jesu akarumbidza kutenda kwakakura kwaiva nechirikadzi yaishayiwa yakapa chipo chayo chidiki

      Onawo “Kutendeseka

Kutya Jehovha

Job 28:28; Pis 33:8; Zvi 1:7

Onawo Pis 111:10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ne 5:​14-19—Nehemiya aitya Jehovha saka paakanga ava gavhuna haana kudzvinyirira vanhu vaMwari sezvaiitwa nemamwe magavhuna

    • VaH 5:​7, 8—Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya yekutya Mwari

Zvibereko zvemweya

Rupo

Ona “Rupo

Kuzvipira kuna Mwari

1Ti 6:6; 2Pe 2:9; 3:11

Onawo 1Ti 5:4; 2Ti 3:12

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mab 10:​1-7—Kunyange zvazvo Koniriyasi akanga asiri muJudha, Jehovha akaona kuti akanga ari munhu aitya Mwari, akazvipira kwaari uye aiva nerupo

    • 1Ti 3:16—Jesu ndiye muenzaniso mukuru panyaya yekuzvipira kuna Mwari

Kutaura zvine mutsa, zvinovaka

Zvi 12:18; 16:24; VaK 4:6; Tit 2:​6-8

Onawo Zvi 10:11; 25:11; VaK 3:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Pis 45:2—Uprofita hwaitaura nezvaMesiya hwakataura kuti Jesu aizotaura zvine mutsa

    • Ru 4:22—Vanhu vaishamiswa nematauriro akanaka aiitwa naJesu

Kugamuchira vaeni zvakanaka

Kuzvininipisa; kuva nemwero

Ona “Kuzvininipisa

Kusasarura

Ona “Rusarura

Kushanda nesimba; kushanda nemwoyo wese

Ona “Basa

Kuperera kuna Mwari

Kuva nehanya nevamwe

Kuvimbika

Ona “Kuvimbika

Ngoni

Ona “Ngoni

Kuva nemwero pane zvatinoita

Kuteerera

Ona “Kuteerera

Kurongeka

Kuramba tichinyengetera

Kugara takagadzirira kuregerera

Ona “Kuregerera

Kuremekedza vamwe

VaF 2:​3, 4; 1Pe 3:15

Onawo VaE 5:33; 1Pe 3:​1, 2, 7

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Nu 14:​1-4, 11—VaIsraeri pavasina kuremekedza muprofita Mozisi neMupristi Mukuru Aroni, Jehovha akaona sekuti vakanga vasina kuremekedza iye

    • Mt 21:​33-41—Jesu akataura mufananidzo unoratidza zvichaitika kune yava vasingaremekedzi vaprofita vaJehovha neMwanakomana wake

Kunamata; kuisa Jehovha pekutanga muupenyu

Mt 6:33; VaR 8:5; 1VaK 2:​14-16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • VaH 11:​8-10—Abrahamu akagara mumatende semutorwa nekuti aiona Umambo hwaMwari sechinhu chaicho

    • VaH 11:​24-27—Zvisarudzo zvakaitwa nemuprofita Mozisi zvinoratidza kuti aiona Jehovha semunhu chaiye

Kuzviisa pasi

VaE 5:21; VaH 13:17

Onawo Joh 6:38; VaE 5:​22-24; VaK 3:18

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 22:​40-43—Jesu akateerera Baba vake kunyange pazvakanga zvakaoma

    • 1Pe 3:​1-6—Muapostora Pauro akataura kuti vakadzi vechiKristu vanofanira kutevedzera Sara pakuzviisa pasi

Kunzwira vamwe tsitsi

Ona “Tsitsi

Kutaura chokwadi

Ona “Kutendeseka