Mari
Nei kunyanya kuda mari kwakaipa?
Ona “Kuvimba Nemari Nezvinhu”
Bhaibheri rinoratidza sei kuti hapana chakaipa nekushanda kuti uriritire mhuri?
Mup 7:12; 10:19; VaE 4:28; 2VaT 3:10; 1Ti 5:8, 18
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 31:38-42—Rabhani akaramba achibiridzira Jakobho achichinja mubhadharo wake asi Jakobho akaramba achishanda nesimba uye Jehovha akakomborera zvese zvaaiita kuti ariritire mhuri yake
-
Ru 19:12, 13, 15-23—Mufananidzo wakataurwa naJesu unoratidza kuti panguva yaakararama vanhu vaiendesa mari kubhengi kuti ibereke
-
Bhaibheri rinotii nezvekukwereta uye kukweretesa mari?
Nei tisingafaniri kungokwereta-kwereta?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ne 5:2-8—Vamwe vaIsraeri vemunguva yaNehemiya vaiitira utsinye vanhu vaiva nezvikwereti zvavo
-
Mt 18:23-25—Mufananidzo waJesu unotiyeuchidza kuti munhu anogona kurangwa kana akasabhadhara chikwereti chake
-
Zvii zvatinofanira kuita tisati tatanga kuita bhizinesi nemumwe munhu angava chapupu, munhu weukama kana mumwewo munhu?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 23:14-20—Abrahamu paakatenga nzvimbo yaaida kuviga Sara akaita kuti pave nezvapupu kuitira kuti zvisazonetsa mangwana
-
Jer 32:9-12—Muprofita Jeremiya paakatenga munda kune imwe hama yake, akanyora gwaro rekutenga achibva agadzira kopi yegwaro racho uye akabhadhara mari yacho pamberi pezvapupu
-
Nei kuri kuchenjera kugara waronga kuti unoda kuzoshandisa sei mari yako?
Nei tisingafaniri kurega nyaya dzemari dzichiita kuti titadze kuwirirana nevamwe muungano?
Onawo VaR 12:18; 2Ti 2:24
Tingashandisa sei mari yedu kuti tiwane mufaro wechokwadi?