Mazita Ekuremekedza
VaKristu vanofanira kushandisa mazita ekuremekedza echitendero here?
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Ru 18:18, 19—Jesu aiva munhu akanaka asi akaramba kunzi “Mudzidzisi Akanaka.” Akataura kuti Jehovha chete ndiye akanaka
-
Nei tisingashandisi mazita ekuremekedza echitendero akadai “saBaba,” kana kuti “Mutungamiriri”?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mt 23:9-12—Jesu akataura kuti vateveri vake havafaniri kushandisa mazita ekuremekedza akadai “saBaba” kana kuti “Mutungamiriri”
-
1VaK 4:14-17—Muapostora Pauro akanga akaita sababa kuvanhu vakawanda asi hapana panotaurwa kuti aishevedzwa nezita rekuremekedza rakadai sekuti Baba Pauro
-
Nei zvakakodzera kuti vaKristu vashevedzane kuti hama kana hanzvadzi?
Onawo Mab 12:17; 18:18; VaR 16:1
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Mt 12:46-50—Jesu akaratidza kuti aiona vateveri vake sehama nehanzvadzi dzake chaidzo
-
Nei zvisina kuipa kuti muKristu ashevedze munhu nezita rake rekuremekedza rezvematongerwo enyika kana rinoratidza basa raanoita?
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Mab 26:1, 2, 25—Muapostora Pauro paaitaura nevakuru vakuru vehurumende vakadai saAgripa uye Festo, aivashevedza nemazita avo ebasa
-