Mhemberero
Mhemberero dzinoitwa nevaKristu
Ndeipi mhemberero inofanira kuitwa nevaKristu?
Vanhu vaMwari vanonakidzwa nekuungana vachinamata
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
2Mak 30:1, 6, 13, 14, 18-27—Mambo Hezekiya akaronga kuti paitwe mhemberero yakakura yePaseka
-
Mhemberero dzisingaitwi nevaKristu
Zvakaipirei kubatanidzwa mumhemberero dzine chekuita nechitendero chenhema?
1VaK 10:21; 2VaK 6:14-18; VaE 5:10, 11
Onawo “Kubatana Nemamwe Machechi Pakunamata”
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Eks 32:1-10—Jehovha akarwadziwa vaIsraeri pavakanamata chidhori vachiti vaimunamata
-
Nu 25:1-9—Jehovha akaranga vanhu vake pavakabatanidzwa mumhemberero dzechitendero chenhema uye pavakaita unzenza
-
VaKristu vanofanira kupemberera Krisimasi here?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ru 2:1-5—Jesu akaberekwa panguva yainzi nevaRoma vanhu vaende kunonyoreswa. VaJudha vaipandukira saka zvaisaita kuti vaRoma vavamanikidze kuti vafambe munguva yechando yainaya mvura
-
Ru 2:8, 12—Jesu paakaberekwa vafudzi vaigara kunze kwemisha yavo. Izvi hazviwanzoitiki muna December nekuti mumwedzi iwoyo kunenge kuchitonhora nekunaya
-
VaKristu vanofanira kupemberera mazuva ekuberekwa here?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 40:20-22—Farao ainamata vanamwari venhema uye akapemberera zuva rake rekuberekwa. Pazuva iroro akabva aita kuti mushandi wake aurayiwe
-
Mt 14:6-11—Mambo Herodhi aivenga vateveri vaKristu uye akapemberera zuva rake rekuberekwa. Pazuva iroro akabva aita kuti Johani Mubhabhatidzi aurayiwe
-
Mhemberero dzaiva muMutemo waMozisi
VaKristu vanofanira kutevedzera Mutemo waMozisi, uyo unosanganisira kupemberera mhemberero dzakasiyana-siyana here?
VaKristu vanofanira kuita Sabata raiitwa vhiki rega rega here?
Onawo Eks 31:16, 17
Mhemberero dzenyika
VaKristu vanofanira kubatanidzwa mumhemberero dzenyika here?
VaKristu vanofanira kubatanidzwa pakupemberera mazuva akadai serekuyeuka magamba, zuva iro nyika yakawana kuzvitonga kana kuti mamwe akarerekera ikoko here?
Onawo “Hurumende—VaKristu Havana Divi Ravanotsigira” uye “Hondo”
VaKristu vanofanira kubatanidzwa mumhemberero dzinopa vanhu rukudzo runofanira kungopiwa Jehovha Mwari chete here?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Mab 12:21-23—Mwari akaranga Mambo Herodhi Agripa I nekuti akabvuma kupiwa rukudzo rwaifanira kungopiwa Mwari chete
-
Mab 14:11-15—Pauro naBhanabhasi vakaramba kunamatwa
-
Zva 22:8, 9—Ngirozi yaJehovha yakaramba kunamatwa
-