Vabereki
Nemhaka yei Jehovha akatanga urongwa hwewanano?
Vabereki vanofanira kuona sei vana vavo?
Onawo “Vana; Vechidiki”
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 33:4, 5—Jakobho aiona vana vake sechipo chakabva kuna Jehovha
-
Eks 1:15, 16, 22; 2:1-4; 6:20—Amramu naJokebhedhi vakabereka Mozisi uye vakaita zvese zvavaigona kuti vamuchengetedze
-
Vabereki vanofanira kuitirei vana vavo?
Zvakanakirei kudzidzisa vana kuti vateerere Jehovha?
Onawo 2Ti 3:14, 15
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 2:18-21, 26; 3:19—Vabereki vaSamueri vakaendesa mwanakomana wavo kunoshumira patebhenekeri, asi vaigara vachimushanyira uye vachimuendesera zvinhu zvaaida pakurarama; Samueri akakura ari murume aida Jehovha uye akamushumira akatendeka
-
Ru 2:51, 52—Jesu aiteerera vabereki vake kunyange zvazvo vakanga vaine chivi
-
Vabereki vangawana kupi mazano anogona kuvabatsira pakurera vana vavo?
Dhe 6:4-9; VaE 6:4; 2Ti 3:14-17
Onawo Pis 127:1; Zvi 16:3
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Vat 13:2-8—Manoa paakaziva kuti Jehovha aizoita chishamiso chekuti iye nemudzimai wake vave nemwanakomana, akabvunza mazano kuna Jehovha kuti avaudze kuti vaifanira kuzorera sei mwana wacho
-
Pis 78:3-8—Jehovha anoda kuti vabereki vadzidzise vana vavo Bhaibheri
-
Nemhaka yei mwana akarerwa nevabereki vanoda Jehovha achigona kusarudza kusamushumira?
Vabereki vanofanira kutanga riini kudzidzisa vana vavo zvinodiwa naJehovha?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Dhe 29:10-12, 29; 31:12; Ezr 10:1—VaIsraeri vaienda nevana vavo pavaienda kunoungana kuti vadzidze nezvaJehovha
-
Ru 2:41-52—Josefa naMariya vaigara vachienda naJesu nevanin’ina vake kumitambo yePaseka yaiitirwa patemberi yaiva muJerusarema
-
Mienzaniso ipi yemuBhaibheri inogona kubatsira vabereki panyaya yekudzivirira vana vavo pavanhu vanogona kuvakanganisa?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Eks 19:4; Dhe 32:11, 12—Jehovha akazvifananidza negondo rinotakura, rinodzivirira uye rinochengetedza vana varo
-
Isa 49:15—Jehovha anovimbisa kuti achachengetedza vashumiri vake kupfuura zvinoitwa navanaamai vanoyamwisa
-
Mt 2:1-16—Satani akaedza kuuraya Jesu achiri mucheche paakaita kuti vazivi venyeredzi vaudze Mambo akaipa Herodhi nezvekuzvarwa kwaJesu, asi Jehovha akadzivirira mwanakomana wake paakaudza Josefa kuti atamise mhuri yake kuenda kuIjipiti
-
Mt 23:37—Jesu akafananidza kuda kwaanoita kubatsira vateveri vake nekudzivirira kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo
-
Nemhaka yei vabereki vachifanira kutaura nevana vavo nyaya dzebonde?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Re 15:2, 3, 16, 18, 19; Dhe 31:10-13—Mutemo waMozisi waitaura nyaya dzebonde uye Jehovha akati vana vanofanira kunge varipo paunenge uchiverengwa
-
Pis 139:13-16—Dhavhidhi akarumbidza Jehovha nemhaka yemasikirwo anoshamisa akaitwa muviri wemunhu kusanganisirawo kukwanisa kubereka mwana kwatinoita
-
Zvi 2:10-15—Ruzivo uye uchenjeri zvinobva kuna Jehovha zvinotidzivirira kuvanhu vakaipa uye vane unyengeri
-
Nemhaka yei vabereki vachifanira kuranga vana vavo nerudo?
Zvi 13:24; 29:17; Jer 30:11; VaE 6:4
Onawo Pis 25:8; 145:9; VaK 3:21
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Pis 32:1-5—Jehovha akaranga Dhavhidhi paakatadza uye Dhavhidhi akanyaradzwa nekuziva kuti Jehovha anoregerera vanhu vanopfidza zvechokwadi
-
Jon 4:1-11—Muprofita Jona akatsamwira Jehovha uye akataura achiratidza kusaremekedza asi Jehovha akataura naye nemutsa uye achimuitira mwoyo murefu. Izvi zvakadzidzisa Jona kuti Jehovha ane ngoni
-
Nei tichiti mubereki anoranga mwana wake anenge achiratidza kuti anomuda?
Onawo Zvi 15:32; Zva 3:19