Vana; Vechidiki
Maonero anoita Mwari vana
Chii chinoratidza kuti Jehovha anokoshesa vana uye vechidiki?
Dhe 6:6, 7; 14:28, 29; Pis 110:3; 127:3-5; 128:3, 4; Jak 1:27
Onawo Job 29:12; Pis 27:10; Zvi 17:6
Onawo “Mhuri”
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Ge 1:27, 28—Jehovha aida kuti vanhu vave nevana uye vazadze nyika
-
Ge 9:1—Mafashamo paakapera, Mwari akaudza Noa nevanakomana vake kuti vave nevana uye vazadze nyika
-
Ge 33:5—Jakobho aiona vana vake sechipo chakabva kuna Mwari
-
Mk 10:13-16—Jesu anoratidza kuti anoda vana sezvinoita Baba vake
-
Jehovha anoona sei vanhu vanoshungurudza vana?
Chii chinoratidza kuti hatifaniri kutarisira kuti vana vaite zvinoitwa nevanhu vakuru?
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Ge 33:12-14—Jakobho akafamba zvishoma nezvishoma kuitira kuti rwendo rwacho rusaremera vana vake
-
Tinofanira kupa Mwari mhosva here vana pavanotambura?
Chii chinoratidza kuti Jehovha achabvisa kutambura kwese?
Kana vabereki vedu vaine zvakaipa zvavakaita kana kuti vaitibata zvisina kunaka, zvinoreva here kuti hatikoshi kana kuti tichatoitawo zvikanganiso zvakafanana nezvavakaita?
Onawo Dhe 30:15, 16
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
2Mad 18:1-7; 2Mak 28:1-4—Baba vaHezekiya vaiva munhu akaipa uye vakauraya vamwe vana vavo, asi Hezekiya akava mambo akanaka uye aiteerera Jehovha
-
2Mad 21:19-26; 22:1, 2—Amone aiva baba vaJosiya uye aiva mambo akaipa, asi Josiya akava mambo akanaka
-
1VaK 10:11, 12—Muapostora Pauro akadzidzisa kuti tinogona kudzidza kubva pazvikanganiso zvinenge zvaitwa nevamwe uye torega kuzvitevedzera
-
VaF 2:12, 13—Muapostora Pauro akatiyeuchidza kuti tichaponeswa kana tikaramba takavimbika
-
Zvinofanira kuitwa nevana uye vechidiki
Jehovha anoona sei vana vanogara nemubereki anenge ari chapupu?
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Ge 19:12, 15—Chimwe chezvikonzero zvakaita kuti vana vaRoti vadzivirirwe nengirozi ndechekuti baba vavo vaive vakavimbika
-
Kana vabereki vachishumira Mwari zvinoreva here kuti vana vavo vachabva vatova shamwari dzaMwari?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Re 10:1-3, 8, 9—Vana veMupristi Mukuru Aroni vakaurayiwa zvimwe nemhaka yekudhakwa
-
1Sa 8:1-5—Samueri aiva muprofita akavimbika asi vana vake vakanga vasina kuvimbika
-
Vana vanofanira kuitei kana vachida kufadza Mwari?
Nei vechidiki vachifanira kupinda misangano yeungano?
Dhe 31:12, 13; VaH 10:24, 25
-
Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:
-
Mt 15:32-38—Jesu aidzidzisawo vana
-
Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti vana vamunamate?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
1Sa 17:4, 8-10, 41, 42, 45-51—Jehovha akabatsira Dhavhidhi paaiva mudiki kuti akunde Goriyati zvikaita kuti zita rake rikudzwe
-
2Mad 5:1-15—Jehovha akashandisa musikana mudiki wechiIsraeri kubatsira mukuru weuto revaSiriya kuziva Jehovha
-
Mt 21:15, 16—Jesu akafara paakanzwa vechidiki vachimurumbidza
-
Mwari anoona sei vana vane vabereki vasiri zvapupu?
-
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
-
Nu 16:25, 26, 32, 33—Vamwe varume vakarangwa naJehovha pavakapandukira Aroni naMozisi uye mhuri dzavo dzaivatsigira dzakarangwawo
-
Nu 26:10, 11—Kora akaurayiwa asi vanakomana vake havana kuurayiwa nekuti vakanga vakatendeka kuna Mwari
-
Nei vechidiki vachifanira kungwarira pakusarudza shamwari?
Onawo 2Ti 3:1-5
Vechidiki vanofanira kusarudza shamwari dzakaita sei?