Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vana; Vechidiki

Vana; Vechidiki

Maonero anoita Mwari vana

Chii chinoratidza kuti Jehovha anokoshesa vana uye vechidiki?

Dhe 6:​6, 7; 14:​28, 29; Pis 110:3; 127:​3-5; 128:​3, 4; Jak 1:27

Onawo Job 29:12; Pis 27:10; Zvi 17:6

Onawo “Mhuri

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 1:​27, 28—Jehovha aida kuti vanhu vave nevana uye vazadze nyika

    • Ge 9:1—Mafashamo paakapera, Mwari akaudza Noa nevanakomana vake kuti vave nevana uye vazadze nyika

    • Ge 33:5—Jakobho aiona vana vake sechipo chakabva kuna Mwari

    • Mk 10:​13-16—Jesu anoratidza kuti anoda vana sezvinoita Baba vake

Jehovha anoona sei vanhu vanoshungurudza vana?

Chii chinoratidza kuti hatifaniri kutarisira kuti vana vaite zvinoitwa nevanhu vakuru?

Nu 1:3; 1VaK 13:11

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ge 33:​12-14—Jakobho akafamba zvishoma nezvishoma kuitira kuti rwendo rwacho rusaremera vana vake

Tinofanira kupa Mwari mhosva here vana pavanotambura?

Job 34:10; Jak 1:13; 1Jo 5:19

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Chii chinoratidza kuti Jehovha achabvisa kutambura kwese?

Kana vabereki vedu vaine zvakaipa zvavakaita kana kuti vaitibata zvisina kunaka, zvinoreva here kuti hatikoshi kana kuti tichatoitawo zvikanganiso zvakafanana nezvavakaita?

Dhe 24:16; Eze 18:​1-3, 14-18

Onawo Dhe 30:​15, 16

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mad 18:​1-7; 2Mak 28:​1-4—Baba vaHezekiya vaiva munhu akaipa uye vakauraya vamwe vana vavo, asi Hezekiya akava mambo akanaka uye aiteerera Jehovha

    • 2Mad 21:​19-26; 22:​1, 2—Amone aiva baba vaJosiya uye aiva mambo akaipa, asi Josiya akava mambo akanaka

    • 1VaK 10:​11, 12—Muapostora Pauro akadzidzisa kuti tinogona kudzidza kubva pazvikanganiso zvinenge zvaitwa nevamwe uye torega kuzvitevedzera

    • VaF 2:​12, 13—Muapostora Pauro akatiyeuchidza kuti tichaponeswa kana tikaramba takavimbika

Zvinofanira kuitwa nevana uye vechidiki

Jehovha anoona sei vana vanogara nemubereki anenge ari chapupu?

1VaK 7:14

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Ge 19:​12, 15—Chimwe chezvikonzero zvakaita kuti vana vaRoti vadzivirirwe nengirozi ndechekuti baba vavo vaive vakavimbika

Kana vabereki vachishumira Mwari zvinoreva here kuti vana vavo vachabva vatova shamwari dzaMwari?

Zvi 20:11; Eze 18:​5, 10-13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Re 10:​1-3, 8, 9—Vana veMupristi Mukuru Aroni vakaurayiwa zvimwe nemhaka yekudhakwa

    • 1Sa 8:​1-5—Samueri aiva muprofita akavimbika asi vana vake vakanga vasina kuvimbika

Vana vanofanira kuitei kana vachida kufadza Mwari?

Nei vechidiki vachifanira kupinda misangano yeungano?

Dhe 31:​12, 13; VaH 10:​24, 25

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti vana vamunamate?

Pis 8:2; 148:​12, 13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 17:​4, 8-10, 41, 42, 45-51—Jehovha akabatsira Dhavhidhi paaiva mudiki kuti akunde Goriyati zvikaita kuti zita rake rikudzwe

    • 2Mad 5:​1-15—Jehovha akashandisa musikana mudiki wechiIsraeri kubatsira mukuru weuto revaSiriya kuziva Jehovha

    • Mt 21:​15, 16—Jesu akafara paakanzwa vechidiki vachimurumbidza

Mwari anoona sei vana vane vabereki vasiri zvapupu?

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Nu 16:​25, 26, 32, 33—Vamwe varume vakarangwa naJehovha pavakapandukira Aroni naMozisi uye mhuri dzavo dzaivatsigira dzakarangwawo

    • Nu 26:​10, 11—Kora akaurayiwa asi vanakomana vake havana kuurayiwa nekuti vakanga vakatendeka kuna Mwari

Nei vechidiki vachifanira kungwarira pakusarudza shamwari?

Vechidiki vanofanira kusarudza shamwari dzakaita sei?

2Ti 2:22

Onawo “Shamwari