Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanababa

Vanababa

Zvii zvinofanira kuitwa navanababa?

Dhe 6:​6, 7; VaE 6:4; 1Ti 5:8; VaH 12:​9, 10

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 22:2; 24:​1-4—Abrahamu aida Isaka chaizvo, saka akaita zvese zvaaigona kuti amutsvagire mudzimai aishumira Jehovha

    • Mt 13:55; Mk 6:3—Jesu ainzi “mwanakomana wemuvezi” uye pamwe pacho ainzi “muvezi”; izvi zvinoratidza kuti Josefa anogona kunge akamudzidzisa basa rekuveza

Nemhaka yei vana vachifanira kukudza vanababa vavo?

Eks 20:12

Onawo Mt 6:9

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ho 11:​1, 4—Jehovha anokoshesa basa rinoitwa navanababa, izvi tinozviona pamabatiro aanoita vanhu. Anotidzidzisa uye anotichengeta sezvinoitwa navanababa vedu

    • Ru 15:​11-32—Mufananidzo wakataurwa naJesu unotidzidzisa kuti Baba vedu, Jehovha, vanoda kuregerera vatadzi vanenge vapfidza uye unoratidzawo kuti Jesu anokoshesa basa rinoitwa navanababa