Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zano

Zano

Patinopiwa zano

Nei tichifanira kutsvaga mazano anobva muBhaibheri?

Zvakanakirei kugamuchira zano pane kuda kupa tuzvikonzero?

Zvi 12:15; 29:1

Onawo Zvi 1:​23-31; 15:31

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 15:​3, 9-23—Muprofita Samueri paakatsiura Sauro, mambo akaedza kupa tuzvikonzero achibva aramba zano racho; zvaakaita zvakaita kuti arambwe naJehovha

    • 2Mak 25:​14-16, 27—Mambo Amaziya akatadzira Jehovha uye muprofita waJehovha akamutsiura asi Amaziya akaramba zano raakapiwa; zvaakaita zvakaita kuti Jehovha asamufarira uye asarambe achimudzivirira

Nei tichifanira kuremekedza vatariri, vakadai sevakuru, pavanotipa zano?

1VaT 5:12; 1Ti 5:17; VaH 13:​7, 17

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • 3Jo 9, 10—Muapostora Johani akashora Dhiyotrefesi nekusaremekedza kwaaiita hama dzaitungamirira ungano

Nei tichifanira kuteerera vanhu vakuru?

Re 19:32; Zvi 16:31

Onawo Job 12:12; 32:7; Tit 2:​3-5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 23:​16-18—Mambo Dhavhidhi akateerera zvakataurwa naJonatani, uyo aiva mukuru kwaari nemakore 30, uye zvaakaudzwa zvakamusimbisa

    • 1Mad 12:​1-17—Mambo Rehobhoamu akaramba zano raakapiwa nevarume vakuru uye akateerera zano rakaipa raakapiwa nevezera rake, izvo zvakazokonzera dambudziko

Chii chinoratidza kuti vakadzi uye vechidiki vanoshumira Jehovha vanogona kupa mazano anobatsira?

Job 32:​6, 9, 10; Zvi 31:​1, 10, 26; Mup 4:13

Onawo Pis 119:100

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 25:​14-35—Abhigairi akapa Mambo Dhavhidhi zano rakaita kuti vanhu vakawanda vasina mhosva vasaurayiwa uye zvakaita kuti Dhavhidhi asava nemhosva yeropa

    • 2Sa 20:​15-22—Mumwe mukadzi akachenjera aigara muguta reAbheri akapa Joabhi zano rakaponesa upenyu hwevanhu vese vaiva muguta racho

    • 2Mad 5:​1-14—Mumwe musikana wechiIsraeri akaudza mukuru weuto Naamani zvaaigona kuita kuti aporeswe pamaperembudzi aaiva nawo

Nei tisingafaniri kuteerera mazano atinopiwa nevanhu vasingaremekedzi Jehovha kana Shoko rake?

Pis 1:1; Zvi 4:14

Onawo Ru 6:39

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Mak 10:​13, 14—Mambo Sauro akaenda kunobvunza svikiro pane kubvunza Jehovha uye pakupedzisira akafa nekuti haana kuteerera

    • 2Mak 22:​2-5, 9—Mambo Ahaziya akafa nekuti akateerera zano rakaipa

    • Job 21:​7, 14-16—Jobho haana kuva nemafungiro akafanana neevanhu vasingaremekedzi Jehovha

Patinopa vamwe zano

Zvakanakirei kuti usati wapa zano utange wateerera, wowana mashoko akazara uye wonzwa mativi ese enyaya yacho?

Zvi 18:​13, 17

Onawo Zvi 25:8

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 1:​9-16—Mupristi Mukuru Eri akatsiura Hana asati ava kuziva zvese nezvenyaya yacho, achifunga kuti Hana akanga akadhakwa

    • Mt 16:​21-23—Muapostora Petro akatsiura Jesu, achimuti aite zvinhu zvisingaenderani nemafungiro aMwari

Nei tichifanira kunyengetera tichikumbira kubatsirwa naJehovha tisati tapa zano?

Pis 32:8; 73:​23, 24; Zvi 3:​5, 6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Eks 3:​13-18—Mozisi akakumbira Jehovha kuti amubatsire kuziva mapinduriro aaizoita mibvunzo yaigona kuzobvunzwa nevaIsraeri

    • 1Mad 3:​5-12—Mambo Soromoni haana kuzvivimba asi akakumbira Jehovha uchenjeri, uye Jehovha akamukomborera

Nei tichifanira kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri patinenge tichida kupa vamwe mazano kana kupindura mibvunzo yavanenge vainayo?

Pis 119:​24, 105; Zvi 19:21; 2Ti 3:​16, 17

Onawo Dhe 17:​18-20

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mt 4:​1-11—Paakaedzwa naSatani, Jesu akashandisa Shoko raMwari kupindura kwete uchenjeri hwake

    • Joh 12:​49, 50—Jesu akataura kuti zvese zvaaitaura akazvidzidziswa naBaba vake. Izvi ndizvo zvatinofanirawo kuita

Nei tichifanira kuva neunyoro patinenge tichipa zano uye tichifanira kutaurawo chimwe chinhu chakanaka chinoitwa nemunhu wacho?

VaG 6:1; VaK 3:12

Onawo Isa 9:6; 42:​1-3; Mt 11:​28, 29

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

Kana mumwe muKristu akatiudza kuti imwe hama kana hanzvadzi yakamutsotsa kana kuti yakataura zvenhema nezvake, nei zvakanaka kukurudzira munhu wacho kuti atange ataurirana neakamutadzira vari vaviri?

Tingakurudzira sei muKristu ari kuona sekuti akabatwa zvisina kunaka kuti ave nengoni, nemwoyo murefu uye aregerere?

Mt 18:​21, 22; Mk 11:25; Ru 6:36; VaE 4:32; VaK 3:13

Onawo Mt 6:14; 1VaK 6:​1-8; 1Pe 3:​8, 9

  • Muenzaniso wemuBhaibheri Unogona Kukubatsira:

    • Mt 18:​23-35—Jesu akataura mufananidzo unoratidza kuti zvakanakirei kuti tiregerere

Nei tisingafaniri kurerutsa mutemo waMwari patinenge tichipa zano?

Pis 141:5; Zvi 17:10; 2VaK 7:​8-11

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 15:​23-29—Muprofita Samueri haana kutya kutsiura Mambo Sauro

    • 1Mad 22:​19-28—Muprofita Mikaya haana kuchinja mashoko aaiyambira Mambo Ahabhi pasinei nekuti akatyisidzirwa uye akaitirwa utsinye

Tingapa sei munhu zano richaita kuti arambe achishumira Jehovha?

VaH 12:​11-13

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 22:​31-34—Kunyange zvazvo Petro aikanganisa, Jesu akataura mashoko airatidza kuti aivimba naye uye aikwanisa kuzosimbisawo vamwe

    • Fir 21—Muapostora Pauro aiva nechokwadi chekuti Firimoni aizoshandisa zano raakamupa raibva muMagwaro

Tingaratidza sei mutsa patinenge tichipa zano munhu akaora mwoyo kana kuti ane dambudziko raari kusangana naro?

Tingaratidza sei munhu anenge aita chivi kuti chinangwa chedu ndechekumubatsira kuti avezve neushamwari hwakasimba naJehovha?

Tingaratidza sei kuti tiri kuremekedza munhu watiri kupa zano pasinei nekuti akura zvakadii uye murume here kana kuti mukadzi?

Nei vafudzi vachifanira kutsiura zvakasimba munhu anoramba achityora mitemo iri muBhaibheri?