Zvibereko Zvemweya waMwari
Unhu hupi hwatinova nahwo kana tiine mweya mutsvene waMwari, uye nei tichifanira kuzvininipisa kana tichida kugamuchira mweya mutsvene?
Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:
Pis 143:1, 4-11—Paaiva mumatambudziko, Mambo Dhavhidhi akafungisisa nezvemabasa aJehovha uye akanyengetera achikumbira mweya mutsvene
Ru 11:9-13—Jesu akashandisa mufananidzo kutiyeuchidza kuti Jehovha anoda kupa mweya wake vaya vanoukumbira