Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinhu Zvakaipa

Zvinhu Zvakaipa

Zvinhu zvipi zvakaipa zvisingafaniri kuitwa nevaKristu?

Kutuka

Mt 5:22; 1VaK 6:​9, 10; VaE 4:31

Onawo Eks 22:28; Mup 10:20; Jud 8

Chiokomuhomwe

Eks 23:8; Pis 26:​9, 10; Zvi 17:23

Onawo Dhe 10:17; 16:19; Pis 15:​1, 5

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 1Sa 8:​1-5—Vanakomana vemuprofita Samueri havana kutevedzera zvakanaka zvaiitwa nababa vavo, vaigamuchira chiokomuhomwe uye vaitonga zvisina kururama

    • Ne 6:​10-13—Vavengi vaJehovha vakatenga muprofita wenhema Shemaya kuti vatyisidzire Gavhuna Nehemiya uye vamise basa raJehovha

Kuzvikudza

Ona “Kuzvikudza

Tsika dzakafumuka; kusachena; upombwe

Ona “Upombwe

Makwikwi

Mup 4:4; VaG 5:26

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Mk 9:​33-37; 10:​35-45—Jesu akatsiura vaapostora vake nekuti vaigara vachiitisana nharo dzekuti mukuru ndiani

    • 3Jo 9, 10—Dhiyotrefesi aida kuva “nechinzvimbo chepamusoro” pakati pehama

Kuita kuti pave netumapoka

Kudhakwa; kunwisa

Zvi 20:1; 23:​20, 29-35; 1VaK 5:11; 6:​9, 10

Onawo VaE 5:18; 1Ti 3:8; Tit 2:3; 1Pe 4:3

Onawo “Kunwa

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 9:​20-25—Kudhakwa kwakaita Noa kwakaita kuti Hamu nemwanakomana wake Kenani vaite chivi chakakura

    • Dha 5:​1-6, 30—Mambo Bheshazari akanwisa waini achibva arayira makurukota ake kuti atore midziyo yaishandiswa mutemberi yaJehovha. Izvi zvakagumbura Jehovha achibva aita kuti afe uye umambo hwake huparare

Kubiridzira vanhu

Pis 62:10; 1VaK 5:​10, 11; 6:​9, 10

Onawo Zvi 1:19; 15:27

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jer 22:​11-17—Jehovha akati Mambo Sharumu (Jehoahazi) aiva nemhosva dzakawanda kusanganisira yekubiridzira vanhu

    • Ru 19:​2, 8—Zakeyo aiva mukuru wevateresi uye aibiridzira vanhu asi akapfidza achibva avimbisa kuvadzorera mari yavo

    • Mab 24:​26, 27—Muapostora Pauro haana kupa Gavhuna Ferikisi chiokomuhomwe chaaitarisira kupiwa

Kurumbidza zvekuda kufadza munhu

Job 32:​21, 22; Pis 5:9; 12:​2, 3; Zvi 26:​24-28; 29:5

Onawo Zvi 28:23; 1VaT 2:​3-6

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ru 18:​18, 19—Jesu akaramba kushevedzwa kuti Mudzidzisi Akanaka nekuti munhu wacho aida kumurumbidza zvekuda kungomufadza

    • Mab 24:​26, 27—Mambo Herodhi Agripa akarega vanhu vachimushevedza vachimuti mwari; uye Mwari akamuurayira izvozvo

Kukara

Makuhwa; kupindira munyaya dzevamwe

Kunamata zvidhori

Ona “Kunamata Zvidhori

Kunyepa; kunyengedza vanhu

Ona “Kunyepa

Kunyepa; kutaura zvenhema nezvemumwe munhu

Ona “Kunyepa

Kushandisa ropa zvisina kunaka

Ge 9:4; Dhe 12:​16, 23; Mab 15:​28, 29

Onawo Re 3:17; 7:26

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • 1Sa 14:​32-34—VaIsraeri vakatadzira Jehovha pavakadya nyama pamwe chete neropa rayo

Kuuraya

Eks 20:13; Mt 15:19; 1Pe 4:15

Onawo Mt 5:​21, 22; Mk 7:21

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Ge 4:​4-16—Jehovha akambotsiura Kaini asi haana kuteerera uye akazoguma nekuuraya munin’ina wake Abheri

    • 1Mad 21:​1-26; 2Mad 9:26—Mambo Ahabhi naMambokadzi Jezebheri vakanga vakaipa uye vaine makaro, izvozvo zvakaita kuti vaurayise Nabhoti nevanakomana vake

Kugunun’una

1VaK 10:10; VaF 2:14; Jud 16

Onawo Nu 11:1

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Nu 14:​1-11, 26-30—VaIsraeri vakagunun’unira Aroni naMozisi, uye Jehovha akazvitora sekuti vakanga vagunun’unira iye

    • Joh 6:​41-69—VaJudha vakagunun’unira Jesu uye vamwe vadzidzi vake vakabva vamusiya

Kusetsa vamwe nezvinhu zvinonyadzisira

Kuona zvinonyadzisira

Kupopotedzana

Ona “Kupopotedzana

Kuseka vamwe

Zvi 19:29; 24:9

Onawo Zvi 17:5; 22:10; 2Pe 3:​3, 4

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • 2Mak 36:​15-21—Jehovha akaranga zvakaipisisa vanhu vakaseka nhume dzake uye vakanyomba vaprofita vake

    • Job 12:4; 17:2; 21:3; 34:7—Jobho akasekwa nevanhu paaitsungirira zvinhu zvakaoma zvaakasangana nazvo muupenyu hwake

Kuba

Ona “Kuba

Kurwisana; mhirizhonga

Pis 11:5; Zvi 3:31; 29:22

Onawo 1Ti 3:​2, 3; Tit 1:7

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Eks 21:​22-27—Mutemo waMozisi waitaura kuti munhu anenge akuvadza kana kuuraya mumwe munhu aifanira kurangwa

Kutyisidzira

VaE 6:9; 1Pe 2:23

Onawo Pis 10:​4, 7; 73:​3, 8

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Mab 4:​15-21—Dare reSanihedrini rakatyisidzira vateveri vaJesu richida kuti vamire kuparidza

Mitambo yekufara zvakapfurikidza

VaR 13:13; VaG 5:​19, 21; 1Pe 4:3

Onawo Zvi 20:1; 1VaK 10:31

  • MUENZANISO WEMUBHAIBHERI UNOGONA kukubatsira:

    • Dha 5:​1-4, 30—Mambo Bheshazari akaita “mabiko makuru,” pamabiko acho akanwisa waini akaita zvinhu zvairatidza kusaremekedza Jehovha zvikaguma nekufa kwake