Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinzvimbo Munharaunda

Zvinzvimbo Munharaunda

Mwari anoona rumwe rudzi kana vanhu vakapfuma sevanokosha kupfuura vamwe vese here?

Mab 17:​26, 27; VaR 3:​23-27; VaG 2:6; 3:28

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Joh 8:​31-40—Vamwe vaJudha vaizvitutumadza vachiti Abrahamu aiva tateguru wavo; asi Jesu akavatsiura nekuti vaisaita mabasa akaitwa naAbrahamu

Tinofanira kutarisira pasi vanhu verumwe rudzi kana nyika here?

Joh 3:16; VaR 2:11

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Jon 4:​1-11—Jehovha akadzidzisa Jona kunzwira ngoni vaNinivhi, avo vakanga vasiri verudzi rwake

    • Mab 10:​1-8, 24-29, 34, 35—Muapostora Petro akadzidza kuti aisafanira kuona vanhu vakanga vasiri vaJudha sevasina kuchena, saka akabatsira Koniriyasi nemhuri yake kuti vave vanhu vekutanga vakanga vasiri vaJudha kutendeukira kuchiKristu

VaKristu vane mari vanofanira kuzviona sevanokosha kupfuura vamwe here kana kuona sekuti vanofanira kubatwa zvakasiyana nevamwe?

Kana munhu akapiwa basa rekuita muungano, zvinoreva here kuti ava kukosha kudarika vamwe uye kuti anofanira kutarisira vamwe pasi?

2VaK 1:24; 1Pe 5:​2, 3

  • Mienzaniso yemuBhaibheri inogona kukubatsira:

    • Dhe 17:​18-20—Jehovha akayambira madzimambo eIsraeri kuti aisafanira kuzviona seanokosha kupfuura vamwe nekuti vaIsraeri vese vaiva hama

    • Mk 10:​35-45—Jesu akatsiura vaapostora vake nekuti vainyanya kuda zvinzvimbo (Onawo w13 11/15 28 ¶9-10)

Zvii zvinodiwa kuti munhu afarirwe naMwari?

VaKristu vanofanira kuratidzira here kana paine zvimwe zvinhu zvavasiri kufara nazvo zviri kuitwa nehurumende?

VaE 6:​5-9; 1Ti 6:​1, 2

  • Muenzaniso wemuBhaibheri unogona kukubatsira:

    • Joh 6:​14, 15—Jesu akaramba kuitwa mambo nevanhu kunyange zvazvo vanhu vakawanda vaida kuti agadzirise matambudziko aisangana nerudzi rwavo